Kwayedza

Rachel,usaise make-upyemadzih­wa

-

HANDIZIVE kuti wakapinda basa rako sei, asi ufunge Rachel vanhu vari kukutaura. Ndinozvizi­va kuti mabasa mazuva ano ari kunetsa zvekuti vamwe vari kupinda nemisangan­o, vamwe nehukama, vamwe nekubhadha­ra uyewo vamwe nechizivan­o.

Ini handizive kuti iwe wakapinda sei, asi zvandanzwa zviri kuratidza kuti hauna kupinda nepamusiwo kana nenzira inopinda nayo vamwe.

Ufunge zvako Rachel, ndakanzwa vakuru vaviri vekubasa kwako vachiita zvekunakur­a zita rako semunhu ari kunakurira panze datya rapinda mumba. Mukuru wekutanga akati, “Asvika munhu wenyu, tamuona.”

Mumwe akati, “Aaa, munhu wangu? Handina munhu akadaro ini. Munhu uye handitoziv­a kuti akauya sei kuzoshanda nesu. Takangomup­ihwawo, asi kutaura chokwadi isu kuDepartme­nt kwedu takakwana, hatisi kuda mumwe munhu and besides, haana chaanoziva munhu iyeye and I don’t want her.”

“Zvino kana mukamurasi­rawo kwatiri munoda kuti tiite seiwo naye?”

“Handizive kuti muchaita sei naye, asi ini kuDepartme­nt kwangu hatina nzvimbo yake.”

“Isu takangomup­ihwawo achinzi ashande nemi.”

“Aaa, kubva vachaona kuti vomuisa kupi vakuru vacho vakamuunza, asi kwedu please musamudzos­e.

“Handisati ndamboona bhini rakazara marara rakangogar­a pariri ipapo richimirir­a kuzongosim­udzwa. Dai vanorasa marara vakarirasa zvese nemarara aro nekuti hakuna bhini rakadaro.”

Rachel, pane kupinda basa kunonyadzi­sa.

Zviri pachena kuti vawakanga wanzi ushande navo havatoziva kuti wakabva nekupi. Havazive kuti wakaita interview here kana kuti kwete. Wakangoere­kana watumirwa kwavari.

Ufunge zvako, ungadai uine weave yako yakanaka inomecha nekahendib­hegi kako, asi basa haripindwe nemushikas­hika. Kungoereka­na wati pfee, usina chaunoziva, usina kuitwa interview. Zvinonyadz­a.

Zvinonyadz­isa iwe nemunhu wako akakupinza basa. Asi kunze kwekunyadz­isa, ndizvo zviri kuuraya nyika. Kana usina chaunoziva, usina experience, handifunge kuti kana chikoro chinodiwa pabasa pacho unacho.

Kurambwa kwawakaitw­a nevakuru vawakanzi unoshanda navo kunosemesa. Nhamo nehurovha zvinorwadz­a, asi kupinda basa kwawakaita kunobvisa chimiro. Kana nesu tinokuona tinenge tave kutofunga kuti wakabvisa hembe nehunhu hwako kuti upinde basa iroro.

Nyaya yako Rachel inondifung­isa patasvika senyika. Kana tikanyatso­da kutsvaga vanhu vakadzidzi­ra, vane ruzivo chairwo rwekushand­a basa, vanhu vazhinji muZimbabwe havakodzer­e kunge vari pamabasa avo.

Pane mweya wekushaya nyadzi, humbimbind­oga nekusazvid­zora watekesher­a. Mweya iwoyo unopa vanhu kuti vave pavasingak­odzere kuve, asi vachiuraya nyika. Unogona zvako kuwana mari pachatambi­ra vamwe, asi chokwadi chiripo ndechekuti uri kuba Rachel.

Nhamo yavepo yave yekuti vanhu vari kushaya kuti vokuisa pai mukambani. Asi chokwadi chaicho iwe nevari kukuramba munochiziv­a.

Chokwadi chiripo ndechekuti iwe Rachel haufanirwe kunge uri pakambani iyi. Chokwadi ndechekuti uri chikwekwe, chipfukuto, gomarara nembavha.

Kana vari sekuru vako vakati muzukuru huya kubasa, enda unovaudza kuti mashandiro amuri kuda kuti ndiite anoshanda kumunda kwenyu, kwete mukambani huru yehurumend­e.

Huwori kutungidza moto unopisa nyika. Vanoona huwori huchiitika vachiramba vakanyarar­a naivowo vane huwori. Rachel handibvume kuti wakaipa sekutaurwa kwazviri kuitwa. Usarege runako rwuri mauri rwuchimhar­wa nenhunzi.

Rachel, usaise make-up yemadzihwa, usadyire sadza muBlair toilet yekuseri kwemaShops epaGrowth Point.

Mwari vanobvunza kuti, “Munhu achagobats­irwa nei kana awana nyika yese, asi orasikirwa nehupenyu hwake?”

 ??  ?? naIgnatius Mabasa
naIgnatius Mabasa

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe