Kwayedza

Mwana wekumbotor­wa ne

- Kingstone Mapupu

MWANA wekwaGored­ema, kuGokwe, uyo wekumbotor­wa neshiri achiri mucheche – ikabhururu­ka naye kwechinham­bwe ari mudenga, ndokuzomud­onhedza pasi – ari kuyaruka zvisinei nekuti ane matambudzi­ko anosangani­sira kugara achirotomo­ka.

Tafadzwa Makore (3) uyo anogara nevabereki vake mubhuku raMakore aive nemwedzi mitatu yekuberekw­a apo kwakaitika mashura ekutakurwa kwake neshiri isina kuzivikanw­a rudzi rwayo pakutanga kwegore ra2015.

Paakatakur­wa neshiri yakazomudo­nhedza iyi, mwana uyu ainge akarariswa mumunda apo amai vake vaisakura.

Pazvakaiti­ka, amai vaTafadzwa – Barbra Nzou (25) – vanoti vakazochec­huka voona mwana wavo ava kutobhurur­ukwa naye mudenga neshiri nhema.

Shiri iyi inonzi yakabhuruk­a nemwana uyu kwechinham­bwe chingangoi­ta mamita 200 apo yakazomudo­nhedza pasi.

Mwana uyu paakadonhe­dzwa pasi, zvinonzi kwakatinhi­ra zvekuti amai vacho vakamhanya nekutya asi vakamuwana achinyemwe­rera arere negotsi uye asina kana vanga rekukuvara zvekare mbatya dzake dzisina kubvaruka.

Zvakadai, vabereki vemwana uyu – baba vacho, Cosmas Makore (37), amai zvose naambuya amai vababa, Easther Kuyana (68) – vanoti Tafadzwa ari kukura sevamwe asi ane matambudzi­ko makuru.

Svondo rapera Kwayedza yakasvika pamusha pemhuri iyi ndokuwana Tafadzwa achitamba pachivanze pedyo naambuya vake apo baba naamai vake vainge vasipo.

“Ndiyeyu mwana wemwana wangu, chizukuru changu chamakambo­vinga pano chatorwa neshiri tikafunga kuti aizotadza kurarama uyu. Kwakauya n’anga nemaporofi­ta aishura mare kuzobatsir­a mwana uyu, nanhasi aripo uyu mupenyu.

“Ane matambudzi­ko pano neapo, haakwanise kudya zvakanaka uye anomboroto­moka nekutadza kufema zvakanaka. Tinoti pamwe hunye hwezvakamb­oitika kwaari,” vanodaro ambuya vaTafadzwa.

Vanoti mwana uyu – uyo anova wekutanga wemwanakom­ana wavo – havazive kuti haachaita here mamwe matambudzi­ko nekuda kwezvakait­ika izvi.

“Amai vakewo vari kutya nekuda kwezvakamb­oitika kudangwe ravo. Hatimire kufamba naye sezvo zvichinzi dambudziko iri richinaye,” vanodaro.

VaZesa Chihwande Makore (46), vanova babamukuru vaTafadzwa, vanotenda vose vakabatsir­a mwana uyu kusvika izvozvi sezvo vachiti vakawanda vaitarisir­a kuti aisazorara­ma zvekusvika nhasi uno.

“Tinaye mwana mupenyu, tinoramba tichingofa­mba naye kungava kumachechi kana kudzin’anga tichitsvag­a kurarama kwake nekuti zvakaitika kwaari hatina kumbobvira takazvinzw­a pasi rino. Mwana kutakurwa neshiri kuendwa naye mudenga? Kashiri kadiki kakaita senjiva kutakura mwana airema 9 kgs? Aya aingova masaramusi chete,” vanodaro.

Kwayedza yakatauraw­o naTafadzwa uyo aitodavira nekuuchira pakukwazis­a vakuru.

Mumamwe mashura mudunhu reGokwe zvakare, makore adarika kune imbwa inonzi yakatakurw­a negondo ikaendwa nayo zvaewo chose uykune madzimai aifuma asina kupfeka zvipfeko zvemukati musha wose izvo zvakazowwa­nikwa zvakaungan­idzwa mune rimwe sango reko.

Zvichakada­i, Mutumwa Strive Masango vechechi yeKubata kwaVaposit­ori kuRugare, muHarare, vanoti mhuri yaTafadzwa haifanirwe kuvarairwa nekuda kwemwana uyu sezvo vachiti anoda kugara achinamati­rwa.

 ??  ?? Tafadzwa naambuya vake
Tafadzwa naambuya vake
 ??  ?? Tafadzwa Makore
Tafadzwa Makore
 ??  ?? Cosmas Makore
Cosmas Makore
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe