Kwayedza

TSUMO NEMADIMIKI­RA NAMUKANYA

-

Mhinduro yesvondo rapera: Tipe tsumo inoenderan­a nekarungan­o aka:

GUDO akaenda nemwana wake kuHarare. Vakafamba vachiona zvinhu zvakasiyan­a-siyana. Mushure mekufamba kwenguva refu, Gudo akatengera mwana wake huku nemachipis­i. Mwana waGudo aguta, vakapinda muzvitoro zvehembe vakatenga hembe nebhutsu zvakanaka. Gudo akati kumwana wake, “Tatenga zvinhu zvatanga tichida. Ngatichidz­okera kumba.” Mwana waGudo akati, “Asi ini ndiri kuda chidhori.” Gudo akati, “Inga wani ndakutenge­ra chikafu, hembe nebhutsu?” Asi mwana waGudo akabva atanga kuchema zvekuti vanhu vakatanga kuungana. Gudo akadzidza kuti vana vanoramba vachida zvinhu zvakawanda nyangwe vambowana zvimwe.

. Tsumo yacho: Matakadya kare haanyaradz­e mwana. ***

Svondo rino:

Tipe tsumo inoenderan­a nekarungan­o aka:

GUDO akanga atambura nenhamo nekuti mhuri yake yakanga yakura kwazvo. Rimwe zuva akaona Tsuro achibva kuHarare akagukuchi­ra mapasuru emhuri yake.

Gudo akakumbira kuti Tsuro agoendawo naye kuHarare. Mushure metumazuva, Tsuro akaenda naGudo kuHarare. KuHarare, Gudo akapinda basa rekusunda chingoro, achibva atakuriswa zvinhu zvakabiwa. Akabva asungwa. Gudo akanga ave kufunga mhuri yake kumusha achiti, dai ndakangoga­ra zvangu kumusha. Ndizvo zvinonzi, “Kurumwa netsikidzi rambira mumba, . . .”

*** Mhinduro svondo rinouya. . Tumirai mhinduro panhare dzinoti: 0714 200 007

 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe