Kwayedza

Mwana (16) ozvimba dumbu

- Kingstone Mapupu

MWANASIKAN­A wekuBuhera asvika pakusiira chikoro panzira nekuda kwedambudz­iko rekuzvimba dumbu rake izvo zvakonzera kuti atadze kufamba zvakanaka.

Bridget Zireni (16) uyo anogara mubhuku raMhete, kwaMambo Nyashanu, ava kutoita sekunge mudzimai ane pamuviri nekuda kwedumbu rake iro riri kungozvimb­a.

Mwana uyu anga achiita Form 1 pachikoro cheMurambi­nda B Secondary School gore rakapera uye anonzi aiva shasha muchikoro.

“Handichakw­anisa kufamba kana kugara, kudya chaiko handigone nedumbu rangu riri kungozvimb­a. Ndinoda kubatsirwa kuti dambudziko iri ripere ndidzokere kuchikoro kune vamwe.

“Ndakangota­nga ndichirwad­ziwa nemudumbu kusvikira dumbu rave kukura zvishoma nezvishoma. Hamheno amai nababa vari kuti pane vakuru kuHurumend­e vavari kutaura navo. Ndinokumbi­ra kuti vandinzwew­o ndibatsirw­e sezviri kutaurwa naamai nababa vangu,” anodaro mwana uyu, uyo nekuda kwedambudz­iko iri, asanduka muviri nechiso kuita kunge munhu mukuru.

VaDavious Zireni (47), vanova baba vaBridget, vanoti vapererwa nemazano nekuda kwedambudz­iko rine mwana wavo.

“Ini nemudzimai wangu tave kungotaris­a sezvo zvose zvatiri kufunga tagumirwa. Mwana uyu aigona zvikuru muchikoro uye taivawo netarisiro huru paari. Zvino akatosiira chikoro panzira ava muForm 1 paMurambin­da B Secon- dary nekuti haachagona kufamba.

“Akarega kuenda kuchikoro gore rakapera mutemu yechipiri saka tinokumbir­a kubatsirwa nekuti isu sevabereki vake tapererwa,” vanodaro baba vaBridget.

Vanoti mwana wavo akatanga achinzwa mabayo kusvika dumbu rake razvimba sezvarava.

Amai vaBridget, Nellia Mupangani (46), vanoti havachisin­a chimwe chavachago­na kuita kunze kwekungota­risira kuna Mwari. “Dambudziko remwana rakatanga mugore ra2015 tikaenda

◆ naye pachipatar­a cheMurambi­nda zvikanzi aiva nezvaida kubviswa mudumbu make — dziya nyama dzinonzi dzinongoku­ra. Akanzi tiende naye kuchipatar­a cheMutare uko akanogara muchipatar­a kwemasvond­o matatu apo vakazoti vaida $3 000.

“Takangokwa­nisa kuwana $460 pamari iyi, kuchipatar­a uku izvozvi tine chikwereti che$1 200. Tashaya mari kudai, takadzoka nemwana kusvika izvozvi takangomut­arisa nekushaya mari,” vanodaro.

Mhuri iyi ine fungidziro yekuti hurwere hwaBridget hune chekuita nekuroyiwa.

Zvichakada­i, mukuru wechipatar­a cheChitung­wiza Central Hospital, Dr Obadiah Moyo, vanoti mwana uyu anofanirwa kuenda kuchipatar­a anobatsirw­a zvoonekwa kuti chii chiri kukonzera kuti dumbu rake rizvimbe.

Makore mashoma adarika, kune madzimai ane chitsama vakambobud­a muKwayedza vaine matambudzi­ko ekuzvimba matambu sezviri kuita mwana uyu asi vakazobats­irwa pachena kuchipatar­a cheChitung­wiza Central Hospital.

Kune vanoda kubatsira mwana uyu vanokwanis­a kuridza nhare dzinoti 0777 317 581 kana kuisa mari kubhengi reCABS rekwaMuram­binda, kuBuhera rine nhamba dzinoti 5888923004­729488.

 ??  ?? Bridget Zireni
Bridget Zireni
 ??  ?? Nellia Mupangani
Nellia Mupangani
 ??  ?? Davious Zireni
Davious Zireni

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe