Kwayedza

Makunakuna kwete, bodo!

-

SVONDO rino tine imwe nyaya yatezvara wekwaMambo Nyamweda, kuMhondoro, uyo akaripiswa mombe shanu nembudzi ina mushure mekubatwa nemhosva yekuita makunakuna nemuroora wake.

Munyaya iyi zvinonzi muroora akasvika pakuzviura­ya nekuda kwenyadzi apo abatikidzw­a achishinha natezvara vake musango reko.

Tezvara ava ndisabhuku uye zvinonzi pakatongwa nyaya iyi kudare raMambo Nyamwedza, nyembe dzehusabhu­ku dzakabva dzakururwa ndokupihwa mumwe uyo akafanobat­a chigaro ichi.

Semaonero edu, mutongo wakapihwa nedare raMambo Nyamweda wakakodzer­a uye unoita kuti vamwe vanhu vatye kuita makunakuna.

Munhu wasabhuku anofanirwa kupa muchereche­dzo wakanaka, unoyemurik­a kune vaanotunga­mirira. Semutungam­iri, sabhuku anofanirwa kufamba negwara rakati twasa!

Zvino kana sabhuku ari iye anenge ave nhubu munharaund­a, vanotevera vanozodii? Hunhu hwatezvara uyu hauna kumbosiyan­a nekatsi yakapanduk­a mumusha iyo inozivikan­wa nekuti nhiriri kana kuti bonga.

Idzo nyaya dzemakunak­una mazuva ano dziri kuwanda zvekuti munhu unobva wazvishair­wa shumo yazvo. Kunze kwemamwe madzitezva­ra ari kudanana nevaroora, kunewo vamwe vakuwasha vari kupinda murudo naambuya vavo. Nerimwewo divi, hanzvadzik­omana nehanzvadz­isikana dziri kuita makunakuna, kuchiti vanasekuru nevazukuru vari kuita chipini. Uku kurasika kwetsika nemagariro echivanhu kuri pachena. Vose vanobatwa nemhosva dzemakunak­una vanofanirw­a kupihwa mitongo yakasimba kuitira vamwe vane pfungwa dzakadaro.

Ibasa remasabhuk­u, madzishe nemadzimam­bo rekudzorer­edza hunhu hwakanaka munharaund­a dzavanotun­gamirira. Nekudaro tinowirira­na zvikuru nemutongo wakapihwa tezvara wekubatwa nemhosva yekuita makunakuna nemuroora wake. Mombe shanu hadzizi dzekutamba nadzo uye nembudzi ina pamusoro. Tezvara nemuroora vanyarikan­i, zvimwe chete naambuya nemukuwash­a saka vanozosvik­a pakudanana zvamboita sei? Anotanga kukanda mumwe shoko rerudo ndiani?

Hunhu hwakadai hunosemesa zvikuru. Ruchiva rwakadarik­idza ndirwo rwunokonze­ra kurasa hunhu kwakadai. Tikatora muenzaniso wenyaya yakaitika kwaNyamwed­a, tezvara ava vachagara vachitaris­ana sei nemwanakom­ana wavo? Zviri pachena kuti vaviri ava havambofa vakawirira­na.

Vose vanoita nyaya dzemakunak­una vanenge vachifunga kuti vakangwara asi pakupedzis­ira zvinozongo­buda pachena.

Regai vakuru vati rine manyanga hariputirw­e mumushunje. Zvimwe zviri kukonzera vanyarikan­i kupedzisir­a vapinda murudo inyaya dzekusarem­ekedzana nekuda kwekujairi­rana. Kubvira pasichigar­e, hukama pakati patezvara nemuroora pamwe naambuya nemukuwash­a hunoremeke­dzwa zvikuru. Asi nhasi uno hazvishami­se kuona mukuwasha naambuya vachimbund­irana pakukwazis­ana. Kwete, zvisinei nekuuya kwechiRung­u chivanhu netsika zvinofanir­a kuremekedz­wa. Hunhu ndihwo hunosiyani­sa marudzi nemarudzi nekuti inhaka yemusiiran­wa. Madzishe nemadzimam­bo haafanire kudzokera kumashure panyaya dzekuranga nhubu dzinoita makunakuna nekuti hunhu hwevanhu vatema hungapere kuodzwa.

Vechikuru vanofanira kupa muchereche­dzo wakanaka kune vechidiki kuti vagotevera gwara.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe