Kwayedza

Anoruma imbwa, mbudzi dzichifa . . . ‘CUP’ YANGU IDEHENY’A REMUNHU’

‘Ndinonwira doro imomo’

- Kingstone Mapupu

MURUME wekuBikita, kuMasvingo, anoti kuti anyatsonzw­a kunaka kwedoro raanonwa, ndokunge arinwira mudeheny’a remusoro wemunhu se”cup” uye kana achiuraya mbudzi kana huku, anoita dzekudambu­ra mitsipa nemazino ake.

VaPeter Mureza (55) — avo vanogara mubhuku raGurunhen­gu, kwaMambo Budzi — vanoti vanoshandi­sa deheny’a remusoro wemunhu kunwira doro nekuita zvimwe zvisinganz­wisisike kana vagarwa nemweya.

Mudzimai wemurume uyu, Mai Patricia Dzorani (54) zvose nemwana wavo Hilda Mureza (33), vanotsinhi­ra zviri kuitwa naVaMureza.

VaMureza havazi kana kumbotya kutaura kuti vanonwira doro mudeheny’a remunhu.

“Pandinozvi­ita ndingati ndinenge ndisingany­atsoziva zvandiri, ndinenge ndakaputir­wa. Ndinozongo­ita zvekuudzwa nevemhuri yangu nevamwewo.

“Ndakanotor­a deheny’a remusoro wemunhu iri mubako, iro randinonwi­ra doro kumba kana kundari— zvimwe zvidhakwa zvichiguma zvonditiza.

“Kana zvakandikw­idzira, imbwa nekatsi ndinodambu­ra miswe uyewo ndinoruma mbudzi dzichifa. Handizive kuti mweya werudzii wakadaro uyu,” anodaro murume uyu.

VaMureza nemhuri yavo vanopinda chechi yeChitende­rano Chitsva cheVaposit­ori.

Pavakaita hurukuro ino neKwayedza svondo rapera, VaMureza vaiva muHarare umo vaitsvaga kubatsirwa muchivanhu pamusoro pemaitiro avo.

“Ndakamboed­za kuzvipedza kuchechi nekuchipat­ara asi pakashaikw­a dambudziko uye maitiro aya akatanga apo ndaiva kubasa. Ndakatogum­isira ndasiya basa nekuda kwemaitiro angu aya.”

Mai Dzorani vanoti maitiro emurume wavo anovashami­sa zvikuru.

“Uku ndinoti kurwara, kungoti kwavo kune musiyano. Vaino- pinda mumapako ari mumakomo umo munovigwa madzishe vodzoka ikoko nedeheny’a remusoro wemunhu iro vainozoita sekapu yekunwira doro rendari. “Izvo zvekuruma huku vachidambu­ra misoro nekudambur­a miswe yembwa nekatsi ichokwadi. Mbudzi chaidzo kungobata voruma pahuro dzichifa ipapo,” vanodaro Mai Dzorani.

Vanoti maitiro emurume wavo akatanga mugore ra1983 ndokumbope­ra, zvikazodzo­ka muna 2009 “asi zvakazonya­nya mukupera kwegore radarika kusvika izvozvi.

Mai Dzorani vanoti mwana wavo mukomana akatangawo kubatwa nemweya achiita zvimwe chete sezviri kuitwa nababa vake.

“Tine mwana zvakare, Mureza Mureza (35), uyo ane dambudziko rimwe chetero — kunyangwe zvake aisadambur­a huku misoro nemiswe yembwa neyekatsi — asi achiita zvinhu zvaisanzwi­sisika,” vanodaro. Mwana wavo mukomana uyu vanoti akatanga kuita izvi mugore ra2015.

“Baba vanongodam­bura nemazino avo misoro yehuku nemiswe yembwa nekatsi, asi havadye nyama yacho. Vanongonan­zva ropa racho bedzi,” vanodaro.

Hilda anotsinhir­awo achiti pamusha pavo vanogara vakazvivha­rira mumba kana baba vavo vasvika sezvo achiti vanodzingi­rira vanhu vosara voga.

“Baba vakaenda mubako riri kumusha kwedu umo vakanotora deheny’a remusoro wemunhu ravanoenda naro kudoro. Ikoko vanonodira doro ravo mukati vachishand­isa kana mukombe votonwa pasina munhu anovatsiur­a.

“Mbudzi vanotandan­isa, voruma pahuro nemazino vakaisimud­za mudenga kusvikira yafa,” anodaro Hilda.

Anoenderer­a mberi: “Imbwa chaidzo mumusha dzaingoti dzikavaona dzaibva dzatiza kuno-

pinda pasi pedzihozi kana kuenda musango. Nembudzi nekatsi zvimwe chete. “Zvimwe zvidhakwa zvinoti zvikavaona vasvika padoro nedeheny’a ravo remusoro wemunhu, zvinobva zvadzvamuk­a kutiza. Pari zvino deheny’a iri baba vakazoridz­osera kumapako vakurudzir­wa kuita izvi nevakuru venzvimbo yeBikita.”

 ??  ??
 ??  ?? Peter Mureza
Peter Mureza
 ??  ?? Hilda Mureza
Hilda Mureza
 ??  ?? Patricia Dzorani
Patricia Dzorani

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe