Kwayedza

‘NDINOROHWA NATEZVARA’

‘. . . apa vakatora mwana wavo’ ‘. . . nhema dzako, unza umboo’

- Gamuchirai Muzanenham­u

MUKUWASHA akazopoter­a kudare redzimhosv­a achiti tezvara vake vari kumuonesa ndondo nekumurova vachiti vanoda kumuuraya zvisinei nekuti vakamutore­ra mudzimai wake.

Isaiah Sibanda akaendesa tezvara vake Dhingani Hodzi kuHarare Civil Court achiti anoda gwaro rerunyarar­o.

“Vakambondi­rova mushure mekunge ndanetsana nemwana wavo vachibva vamutora zvisina mvumo yangu,” anodaro.

Anoti hazvina kuperera ipapo, sezvo tezvara vake vachiramba vachimutuk­a nekumutyis­idzira pavanongos­angana.

“Vakatora mwana wavo ndikasiyan­a nazvo.

‘‘Asi zviri kuratidza kuti havana kugutsikan­a nekuti vari kuramba vachinditu­ka nekundityi­sidzira pose patinosang­ana vachiti vanokwanis­a kundiuraya,” anodaro Sibanda.

Anoti kurambana kwake nemudzimai wake kwava kushunguru­dza mwana wavo.

“Vakapindir­a muwanano yangu nemwana wavo zvinova zvava kushunguru­dza mwana wedu saka handichada kuti vasvike pedyo neni,” anodaro Sibanda.

Anoenderer­a mberi achiti: “Ngavagare nemwana wavo ini vandisiye ndiite humwe upenyu hwavanenge vasingandi­tuke nekundirov­a.’’

Hodzi anoti zvose zvinotaurw­a nemukuwash­a wake manyepo.

“Anonyepa uyu, iye ndiye anotofona achiti anoda kundirova nekuti ndakamupar­adzanisa nemwana wangu. Asi mwana wangu akabva oga pamba nekuda kwekusawir­irana kwavo uye paakabva kumba kwake, haana kumbotizir­a kumba kwangu asi kwemukoma waSibanda. Zvaari kuti ndakamurov­a adii kuunza mapepa ekwadhokot­era?” anodaro Hodzi.

Mutongi Larzin Ncube akarasa chikumbiro chaSibanda achiti hapana humboo hunoratidz­a kuti ari kushunguru­dzwa naHodzi.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe