Kwayedza

‘Ndofira tsvina yevana here?’

- Malven Mugadzikwa

MUKADZI wemuHarare anoti haasisina rugare nemuvakidz­ani wake uyo ave kufamba nebanga achiti anoda kumubaya naro zvichiteve­ra kunetsana kwavari kuita nenyaya yevana vake vane tsika yekuitira tsvina mumunda une zvirimwa zvake. Moleen Parakinyu akataura mashoko aya mudare reHarare Civil Court apo akamhan’arira Ruvimbo Mapfumo.

“Vakuru vedare, ndauya kuno ndichitsva­gawo kugadziris­wa nemuvakidz­ani wangu kuti pave nerunyarar­o pakati pedu. Nyaya iri kunetsa ndeyekuti ndakawirir­ana naye kuti tirime munda mumwe chete tose asi dambudziko rakauya mbesa dzatokura. Vana vake vava kuitira tsvina mumunda une mbeu dzatakarim­a tose,” anodaro Parakinyu. Parakinyu anoti Mapfumo ava kumutuka zvinonyadz­isira uye kumuvinga nebanga pamba pake achivimbis­a kumuuraya nenyaya yetsvina iri kuitirwa mumunda nevana vake.

“Handizivi kuti ingave mhosva yekuburits­irana mapanga here iyoyo, yekuti munhu atsiure vana vake kuti vasaitire tsvina mumunda. Ndanzwa nekutukwa pane veruzhinji nezvimwe zvinhu zvisingait­e pane vanhu.

“Ini handigoni zvekutukan­a naye kana kufambawo nerangu banga, asi ndaona kuti zviri nani kuuya kuno kudare ribatsire kuchengete­dza runyararo pakati pangu naye. Ndava kugara ndichitya nekuti ava kufamba akaisa banga muhembe, handizivi kuti anozofunge­i tikasangan­a pasina veruzhinji,” anodaro.

Mapfumo haana kuenda kudare kuti anopawo divi rake.

Mutongi Larzin Ncube akapa Parakinyu gwaro rerunyarar­o.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe