Kwayedza

Opomerwa kubata mwana mazamu

- Muchaneta Chimuka

MURUME wekuChitun­gwiza akamiswa mudare reko akatarisan­a nemhosva nhatu dzinoti yekubata mazamu ekasikana kane makore 16 ekuberekwa, kukarova pamwe nekuba mushure mekusanzwi­sisana panyaya yemari yehuku idzo akahodhese­ra vabereki vemwana uyu nechikwere­ti.

Mutongi wedare reChitungw­iza Magistrate­s’ Courts — Yeukai Chigodora — akati musungwa, Edson Matengu (44), wepanhamba 32510 Unit P, atumirwe masamanisi ekusungwa mushure mekusauya kwake kudare.

Muchuchisi Norman Koropi akaudza dare kuti nomusi wa16 Kukadzi gore rino munguva dzemanheru, Matengu anonzi akaenda kubhucha revabereki vemumhan’ari (uyo watisingab­uritse zita rake sezvo achiri pwere) achida kuti anopihwa mari yehuku dzaakavaho­dhesera asi akawana vasipo.

Mumhan’ari akabva amuudza kuti vabereki vake vakanga vaenda kurufu kumusha nokudaro akanga asina mari yekuti amupe.

“Akabva akumbira nhamba dzavo dzefoni ndichibva ndamupa asi paakafona dzakaramba nekuda kwekunetsa kwemasai-sai.

Akatanga kundituka (nezvinyadz­i) mushure ndokuzouya kuseri kwekaunda yemubhucha achibva andibata mazamu nemagadzik­o.

“Ndakamusai­rira kure apo akanga ava kuda kundipa hagi achibva andiwatsur­a nembama kumeso,” anodaro mwana uyu.

Mushure meizvi, Matengu anonzi akatora sikero yaiva mubhucha umu achiti ndiyo inoenderan­a nechikwere­ti chemari yake.

Huku dzaakanga ahodhesera vabereki vemunhan’ari dzinonzi dzaikosha $45 asi akanga akapihwa imwe mari kukasara chikwereti che$9.

Munin’ina wemumhan’ari aivewo muchitoro ichi akapupura mudare semufakazi achiti panguva yaanonzi akamubata mazamu nenhengo yakavandik­a, Matengu aitaura mashoko ekuti anoda kuroora mumhan’ari asi akazorumwa zvikaita kuti amuregedze.

Vabereki vemwana uyu vakapupura­wo mudare.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe