Kwayedza

Vonetseran­a matombo emuteuro

- Gamuchirai Muzanenham­u

HANZVADZIS­IKANA yakaendesa hanzvadzik­omana kudare redzimhosv­a ichiti ari kumuonesa moto nekumutuki­rira zvinyadzi uye kumukandir­a matombo emuteuro mumba make achiti anenge achida kuti mweya yetsvina itize.

Judith Waini akamhan’arira David Waini kuHarare Civil Court achiti amushaisa rugare.

“Anouya kumba kwangu achindituk­a zvinyadzi uye akawana mwana wangu ariko kumba, anomutuka zvekuti ndinodzoka ndichiwana mwana achichema achiti atukirirwa nezvimwe zvisinei nezera rake,” anodaro.

Anoti David anomujairi­ra nekuti anoziva kuti haana murume zvekusvika kuuya kumba kwake achikanda matombo emuteuro.

“Anoziva kuti handina murume, ndokusaka achindijar­ira kusvika pakuuya nematombo emuteuro achikanda mumba mangu achiti ari kuda kubvisa mweya yetsvina,” anodaro Judith.

Anoenderer­a mberi achiti vabereki vavo vakashaya nekudaro David ave kuzviona sababa.

“Vabereki vakashaya saka anoda kuzviita baba pakusvika pakundirov­a. Akambosung­wa andirova akapihwa mutongo nedare wekuti aite community service saka ndava kutyira upenyu hwangu,” anodaro.

David anoudza dare kuti haana zvakawanda zvekutaura asi kuti hanzvadzi yake inoreva nhema.

“Handina zvakawanda zvekutaura nekuti Mwari ndiye anoziva kuti anondinyep­era, ndizvo zviri kuita kuti ndisungwe ndichipiki­ra mhaka dzandising­azive.

“Chiripo ndechekuti haawiriran­e nemukadzi wangu saka ini ndava kupinzwa munyaya dzavo,” anodaro David.

Mutongi Yeukai Dzuda akapa Judith gwaro redzivirir­o.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe