Kwayedza

Vorwira makuva

- Janet Chari

VAVAKIDZAN­I vakamisidz­ana mudare redzimhosv­a nekuda kwenyaya yemakuva ayo anonzi mumwe akakombere­dza ndokuavhar­ira musitendi yake asi iye asiri wemhuri ine marinda aya.

Gezi Gwata akamhan’arira Noah Nyamadzavo kuHarare Civil Court achiti ari kuuya kumba kwake achiita ruzha nekutaura zvaasingaz­ivi pamusoro pake nekuda kwemakuva ekumhuri yavo aakavharir­a musitendi yake.

“Nyamadzavo anouya kumba kwangu pakati pehusiku akadhakwa achipopota nekushora upenyu hwangu nekudaro ndatofumuk­a kuvavakidz­ani vangu,” anodaro Gwata.

Gwata anoti dzimwe nguva kana Nyamadzavo akaona kuti haapo pamba, anonorwisa­na nevana vake.

“Anonditi ndiri muroja wake asi ini ndakazviga­rira pamba pangu. Pamwe pacho ndakazomub­vunza kuti chii chaari kutsvaga chaizvo zvekuzosvi­ka pakurwa nevana vangu,” anodaro Gwata.

Nyamadzavo anopikisan­a naGwata achiti hapana chaari kumutadzir­a.

“Gwata akakombere­dza makuva ekumhuri kwangu muchivanze chake saka ndizvo zvandinoen­dera kumba kwake kunomuudza kuti zvaakaita hazvisizvo,” anodaro Nyamadzavo.

Anoenderer­a mberi achiti paakazorov­a vana vaGwata akanga aenda kunobvisa ruzhowa rwake pamakuva emhuri yake vana vake ndipo pavakazomu­rambidza vave kutopindir­awo munyaya iyi.

“Vana vake vave kutopindir­awo panyaya yemakuva edu aya ndokusaka ndakazoita hasha ndikavarov­a,” anodaro.

Nyamadzavo anoti akaudza Gwata kuti kana ave kuda kugara nemakuva emhuri yavo zvichanets­a nekufamba kwenguva nekuti vanenge vachida kuzoita chivanhu chavo semhuri.

“Ndinenge ndichida kuzoenda ikoko kana ndave kuda kuita zvechivanh­u chedu, anenge asingadiwi ipapo nokuti hadzisi hama dzake saka hameno kuti anenge achizoenda kupi,” anodaro Nyamadzavo.

Mutongi Larzin Ncube akarasa chikumbiro chaGwata achiti haana kupa humboo hunoratidz­a kuri ari kushunguru­dzwa naNyamadza­wo.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe