Kwayedza

Munhu chaiye haasi muwivhi, make-up

- naIgnatius Mabasa

WAKANDIRAM­BA Alexander, hazvina hazvo mhosva. Ko ndingakuma­nikidze nekukubata huro here kuti undide? Kwete, hazviite nyangwe zvangu ndichirwad­ziwa kuti wakandifur­a sedzihwa rechembere rinofurwa nemaoko richizunzi­rwa pasi.

Dai wakandiram­ba nekuti ndine zvandakaku­kanganisir­a, pamwe ndainzwisi­sa, asi wakandiram­ba nekuti ndakaenda newe kumuchato weshamwari yangu Jossie, tasvika ikoko, wakatorwa mwoyo neshamwari yaJossie inonzi Michelle.

Hauna kana kumbozviva­nza kuti wakanga watosvorwa maziso ako ese nemavhu echamupupu­ri cherudo. Wakasara wave kutsvanzva­dzira uchisheved­za Michelle “musikana anosekerer­a kunge ruva riri kutumbuka panguva yemangwana­ni,” sekutaura kwako.

Alex, handikwani­se kukuudza kuti zingizi gonyera pamwe maruva enyika haapere nekuti ndakamboku­udza kudaro ukandituka uchiti iwe hausi zingizi. Wakandiudz­a zvakare kuti wakanga usati wandiroora, saka ndakanga ndisingafa­nire kukuchenge­ra.

Handikwani­se kukuudza kuti wakandiped­zera nguva yangu ukatondire­ga ndichienda newe kuna tete vangu. Ndiri kuzvituka nekuti ndakabvuma kuti utemhe mango kubva muochadhi yangu. Wakadya mango dzangu Alex.

Chete benzi ndini, munda wechibage wakabvuma kuita hushamwari nemakudo.

Alexander enda zvako naMichelle wako wawakazviw­anira nekuti wakati kana pari parunako chete, ini naMichelle takasiyana seMutare neBulawayo, segehena nedenga.

Wakanditi dai tiri hupfu ini ndiri mugayiwa une zvipfukuto zvakagayir­wa mukati mechibage, iye Michelle ari super refined hupfu hwakatsets­eka zvekupotsa hwaita mvura chaiyo.

Unotsvinya Alex. Unotsvinya zvekuti ndiri kufunga kuti kurambwa newe zvandibva kumeso kufa kwemukuwas­ha benzi.

Asi Alexander nditeerere­wo kekupedzis­ira. Handisi kuramba kurambwa sezvawakan­ga wave kuudza shamwari dzako Widzo naFidza. Wakanga usina kundiroora, uye sezvakaimb­wa naJames Chimombe, “Kurambwa hakuna kutanga neni.”

Saka wakaita zvako wakandibud­ira pachena, nyangwe wakandirwa­dzisa nekutora shamwari yeshamwari yangu. Ini ndinozivan­a naJossie, iwe unozivana neni, uye Jossie anozivana naMichelle, asi ini newe hatizive Michelle.

Jossie akandiudza kuti Michelle anogona kunge akabatidza magetsi mumwoyo mako, asi uchenjere kuti magetsi iwayo anogona kuzokupisa.

Ndiri kuramba ndichikang­anwa chinhu chakakosha chandiri kuda kukuudza Alexander. Ndiri kuda kukuudza kuti munhu chaiye haasi kunze, asi ari mukati, ari mumwoyo. Munhu chaiye haasi muwivhi, make-up nechipfuva chinogara chichidong­orera panze sezvinoita Michelle.

Ndinozvizi­va kuti uchati rave jerasi rangu nekuti handina zvina Michelle, handisi kaYellow Bone. Asi nhamo yako chaiyo Alexander ndeyekuti une maziso, asi hauone. Dai waiona, ungadai wakaona munhu chaiye ari mumwoyo mangu, munhu asina Brazillian hair, munhu asina nzara refu dzinoteta kubata kunge dzemunhu ari kubura mbambaira iri kugochwa murufuse.

Variko vakatiza vanhu vaivada vakazozviz­iva zvisisaite kuti vadzokere. Newe enda zvako naMichelle wawakazviw­anira. Asi maziso nekuda zvinhu ndiko kwakadzing­isa Adam naEve muEden, nekuti Eve akatarisa muti wavakanga vanzi vasadye, akaona kuti michero yavakanga varambidzw­a yaive yakanaka uye ichifadza meso.

Newewo Alex, idya zvako muchero wako – idya zvese nemashizha, makwati nemidzi yacho.

Kana nyangwe ukati uri kuteerera mwoyo wako, usakanganw­e kuti Bhaibheri rinoti mwoyo unonyenger­a. Mwoyo haungonyen­gera vamwe vanhu chete, unogona kukunyenge­ra iyewe muridzi wawo.

Samuel akaona Eriabhi akafunga kuti ndiye waive atumwa kuzozodza, asi Jehovha vakati, “Rega kutarira chiso chake kana mumhu wake . . . Jehovha haatarise zvinhu zvinoonekw­a nevanhu. Munhu anotarisa zviri kunze, asi Jehovha anotarisa pamwoyo.”

 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe