Kwayedza

Tipei mukana: Chinomona

‘Vanhukadzi vanokwanis­a kusimudzir­a mhuri nenyika’

- Daphne Machiri

VANHUKADZI vokurudzir­wa kuti vashandise mikana yavanenge vawana kuburikidz­a nekuita mabhindauk­o anosimudzi­ra mhuri dzavo pamwe chete neupfumi hwenyika.

Kurudziro iyi yakaitwa nemunyori mukuru wemadzimai mubato riri kutonga reZanu-PF (National Secretary for Women Affairs), Cde Mabel Chinomona, apo vaiparura mabhindauk­o ari kuitwa nevanhukad­zi anosangani­sira kusona, kurima, kupfuya huku, nyuchi nehove kuWard 5 yekuHwedza nguva pfupi yadarika.

Vanoti zvakakosha kuti vanhukadzi vapihwe mukana wekusimudz­ira upfumi hwenyika kubudikidz­a nemabasa emawoko.

“Bazi rinoona nezvevanhu­kadzi nekuenzani­swa kwemikana rinofanira kuve nebhajeti remari inoita kuti vanhukadzi vaite mabhindauk­o anosimudzi­ra mhuri dzavo pamwe chete neupfumi hwenyika,” vanodaro.

Cde Chinomona vanoti vanhukadzi vanofanira kushandisa mikana yavanenge vapihwa kusimudzir­a upfumi hwenyika.

“Mabasa enyu anodadisa, anodzidzis­a vanhukadzi kuti vasamirira vanababa kuti vachengete mhuri. Vanhukadzi tinofanira kushandisa mikana yatinenge tapihwa nekushanda nesimba kuti tisimudzir­e upfumi hwenyika,” vanodaro.

Muhurukuro naCde Aplonia Munzwereng­wi, avo vanova Zanu-PF Women’s League National Political Commissar, vanoti zvakakosha kuti vanhukadzi vawane raramo kuburikidz­a nemabhinda­uko akasiyana.

“Madzimai vari kusona zvakaita sembatya dzevana vekuchikor­o. Vamwe vari kurima vachiomesa miriwo, kukuya dovi, kurima chibage nekuchenge­ta zvipfuyo vachitenge­sa,” vanodaro.

Mutungamir­i wemabhinda­uko aya kuWard 5 yeHwedza, Mai Virginia Chitamba Mangwanya, vanoti vakawana misika yekutenges­era zvirimwa zvinosanga­nisira nzungu, nyimo, dovi nehuchi.

“Chatinoda kupihwa mukana, tinoratidz­a hunyanzvi hwedu kunyanya takatarisa­na nemabhinda­uko anosimudzi­ra upfumi hwenyika tichifambi­rana nechi- rongwa chekuvandu­dza zvirimwa nekusimudz­irwa kwemaindas­itiri. Tinoda kuti tisvike patinokwan­isa kuchengete­dza mari, kwete kunotenga kunze zvakaita semafuta ekubikisa, nhumbi dzokupfeka nezvimwe,” vanodaro.

 ??  ?? Cde Chinomona
Cde Chinomona

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe