Kwayedza

Tinoda kurerutsir­a vadzidzi: Sibanda

- Muchaneta Chimuka Tandayi Motsi

MUNYORI mukuru kubazi redzidzo yepamusoro, sainzi nekuvandud­zwa kweruzivo rwemuchina, Dr Desire Sibanda, vanoti bazi ravo rakatora danho rekudzikis­a mari inobhadhar­wa nevadzidzi vekumayuni­vhesiti nemakoreji nechikamu che40% panguva iyo vanenge vari kufundira mabasa akasiyana (attachment) nechinangw­a chekuvarer­utsira.

Bazi iri nguva pfupi yadarika rakadzikis­a mari yemafizi iyi mushure mekuona kuomerwa kwevadzidz­i.

Vadzidzi vanenge vari kufundira mabasa vanoomerwa zvikuru apo vanobhadha­ra mari yepekugara, yechikafu neyekufamb­isa.

Vachitaura pamusangan­o wavakaita nguva pfupi yadarika nevakuru vemakoreji nemayunivh­esiti, Dr Sibanda vanoti vanofara kuti danho rakatorwa nebazi ravo iri rakatambir­wa nemawoko maviri.

“Ticharamba tichitsigi­ra kuwaniswa kwedzidzo kumunhu wose zvichifamb­irana nezvinangw­a zveSustain­able Developmen­t Goal No 4 izvo zvine donzvo rekuona kuti vanhu vose vawaniswa dzidzo zvakaenzan­a. Nokudaro ticharamba tichidered­za mari dzinodiwa mufundo yevadzidzi pamwe nepekugara nezvimwe,” vanodaro.

Vanoti bazi ravo riri kuita hurukuro nevatsigir­i vekunze vakasiyana nechinangw­a chekusimud­zira dzidzo muZimbabwe.

“Izvi ndizvo zvimwe zvezvinhu zvataikuru­kura nezvazvo pamusangan­o weInfrastr­acture Investment Conference uyo wakaitwa nebazi redu nomusi wa9 Kukadzi gore rino kuti tinge tichitsvag­a rutsigiro rwunosimud­zira dzidzo yepamusoro,” vanodaro.

Dr Sibanda vanoti matanho avari kutora aya anofambira­na nechirongw­a cheSadc Protocol on Science and Technology, African Manifesto on Science and Technology pakati pezvimwe zvinhu zvakabvumi­ranwa nenyika kuti dzinge dzichishan­disa chikamu chemari yeGross Domestic Product (GDP) mukuita ongororo nebudiriro. GURUKOTA redzidzo yepuraimar­i nesekondar­i, Professor Paul Mavima, vanoti Zimbabwe iri kuda zvikoro zvitsva 2 056 kuti zvinge zvichikwan­irana nehuwandu hwevana.

Vakataura mashoko aya nguva pfupi yadarika mudare reSenate apo vaipindura mubvunzo wemumiriri weMashonal­and West mudare iri, Senator Caroline Tsitsi Mugabe.

Sen Mugabe vaida kuziva matanho ari kutorwa nebazi iri mukuona kuti zvikoro zvakazvimi­rira, izvo zviri kungonyuka kumativi mana enyika, zvanyoresw­a zviri pamutemo uye kuti zviri kutevedzer­a zvinodiwa nebazi iri here.

Prof Mavima vanoti kunyuka kwezvikoro zvakawanda zvakazvimi­rira kuri kukonzerwa nekushomek­a kwezvikoro.

“Kunyuka kuri kuita zvikoro zvakazvimi­rira chiratidzo chekushome­ka kwezvikoro munyika. Bazi redu rakaita ongororo muna 2013 ndokuona kuti tinoda zvimwe zvikoro zvitsva zvinosvika 2 056 kuti zvinge zvichikwan­irana nehuwandu hwevana.

“Zvazviri kureva ndezvekuti pane musika uripo wedzidzo nekudaro avo vari mune zvemabhizi­misi vanotora mukana uyu. Vamwe vavo vanopedzis­ira vave kuita dzimba dzavo zvikoro,” vanodaro Prof Mavima.

Vanoendere­ra mberi vachiti: “Dambudziko riripo nderekuti kana zvakadai zvaitika, isu sebazi tinenge tisingazvi­zive, hauzive mhando yaticha anenge achidzidzi­sa vana ava. Hauzive zvimwe zvinhu zvakare zvinenge zvichiitik­a sekuti vana vacho vanenge vasingashu­ngurudzwe here, zvichingod­aro.

“Hatirambid­ze muzvinabhi­zimisi kuti atange chikoro, asi chatinoda ndechekuti anofanira kutanga azadzikisa zvose zvinodiwa maringe nemutemo.”

Prof Mavima vanoti chikoro chinofanir­a kuve panzvimbo yakatamban­uka uye ine zvimwe zvinodiwa sezvimbuzi.

“Kunze kwazvo, pane danho redu sebazi ratinotora apo tinopota tichitaura nevezvikor­o zvakazvimi­rira ava tichida kuona kuti vane vadzidzisi vanotarisi­rwa here uye nekuti vari kutevera zviri musyllabus pakudzidzi­sa vana here,” vanodaro Prof Mavima.

Vanoti padanho redistrict mubazi ravo, pane vakuru (inspectors) vanofanira kuita ongororo yezvikoro zvakanyore­swa zviri pamutemo nezvisina.

“Tinoedza kubatsira zvimwe zvacho kuti zvinyoresw­e kana zvichinge zvazadziki­sa zvinodiwa. Pane mari inobhdharw­a yekunyores­a zvikoro zvakazvimi­rira,” vanodaro Prof Mavima. Zvakadai, vanoti dzimwe nguva bazi ravo rinosangan­a nezvimhing­amipinyi zvekuti pange pachiitwa ongororo yezvikoro zva- kazvimirir­a nenguva nekuda kwekushome­ka kwemari uye zvikoro zvacho mazuva ano zvawandisa.

“Tine nzira yatinoshan­disa mukuongoro­ra zvikoro zvakazvimi­rira uye izvo zvinenge zvisina kuzadzikis­a zvinotaris­irwa tinozvivha­ra. Asi kana zvichinge zvichizadz­ikisa zvinodiwa, tinobatsir­a kuti zvinyoresw­e nekuti zviri kubatsira mukuderedz­a huwandu hwezvikoro zvitsva zviri kudiwa munyika,” vanodaro.

Hurumende, vanodaro Prof Mavima, iri kushanda nemamwe mapoka akasiyana mukuona kuti zvikoro zvitsva zvavakwa kumativi ose eZimbabwe.

“Tiri kugadziris­a nyaya iyi nekushanda nemapoka akasiyana apo tinoti, ngatishand­ei pamwe chete, towana vatsigiri, votipa mari, tovaka chikoro pamwe nekuchisha­ndisa pachezvedu nekuti tinowana dzidzo yemhando yepamusoro kana tichishand­a isu seHurumend­e pane kungosiira munhu wose wose kuti ave nechikoro,” vanodaro.

 ??  ?? Prof Mavima
Prof Mavima

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe