Kwayedza

Zvombo nemidziyo uye mabasa azvo

- Ticha Danga

HUTSANZI hwekugadzi­ra zvombo zvekushand­isa mumabasa kuti areruke hune nhoroondo inobvira kutangwa kwakaitwa kusika moto nekuzoziva kupfura simbi kuti dzigogadzi­ra zvombo zvakasimba kupfuura zvaigadzir­wa nemiti nematombo. Izvozvo zvombo zvaigadzir­wa nemiti nematombo zvaigadzir­wa nehunyanzv­i hwekuti zvaigona kuzoshandi­swa kuita basa razvainge zvagadziri­rwa.

Tingada nekutanga kuona kukosha kwetsvimbo chaiyo, iyo yaisiiwa iine musoro wekupondes­a mhuka pakuvhima. Yaigadzirw­a nehunyanzv­i hwekuti yaisanetsa kubata nekupotser­a.

Nekuda kwehunyanz­vi hwaiva muvanhu vekare, vakagadzir­a chine musungo nekawaya chichinzi chibatiswe hove vachibva vachitumid­za zita rekuti chirauro kana kuti chiredzo. Kuti chiredzo chiratidze kuti pane zviri kuitika mumvura, vakabva vagadzira inonzi nheme iyo inova kamuti kane buri rinopfuura nekashinda kakasungir­irwa chiredzo. Nheme iyi inokwanisa kuny’ura chete kana chirauro chadhonzwa zvine simba zvichirati­dza kuti pane chabatwa.

Nemhaka yekuziva kuti kudya kwaibva mukuvhima nekuungani­dza michero, zvombo zvizhinji zvavakagad­zira zvaive zvakananga­na nekuvhima. Vakagadzir­a chetsanga chakarukwa nemiti chinobatis­wa hove huru uye dzakawanda chinonzi duwo. Ruzivo rwakaramba rwuchikura kusvika vanhu

◆ vafunga kugadzira mapfumo nemiseve izvo vaizokanda kubaya mhuka dzainge dzotiza. Vakabudiri­ra mukugadzir­a mapfumo ayo aibaiswa mitumba yemhuka dzakaita senhoro nedzimwe.

Mhuka dzimwe diki dzakagadzi­rirwawo zvombo zvadzo zvokubaisw­a nazvo izvo zvakatumid­zwa kunzi mhayo kana kuti kandye. Mhayo kana kuti kandye zvaishandi­swa kubaya nhindiri nesema.

Dzimwe mhuka dzainetsa kudzingiri­ra dzamara varuka zano rekugadzir­a musungo kana dhibhura. Dhibhura raigadzirw­a nemisungo yaisungiri­rwa mugwara rinofamba nemhuka.

Mushure mekuona kuti dzimwe mhuka dzaive nesimba rekudambur­a musungo kana dhibhura, vakabva vagadzira chinonzi chizarira. Chizarira chaivakwa namapango apo mhuka dzaivharir­wa imomo kana dzapinda dzamara vavhimi vasvika kuzodziura­ira imomo.

Havana kupererwa nemazano zvakare apo vakabva vagadzira hunza. Hunza inocherwa pasi, poiswa twumiti netwuuswa twushoma pamusoro zvekuti mhuka dzikatsika dzinowira dzobva dzatadza kubuda kusvika vavhimi vauya namapfumo kuzouraya dzawira dziya.

Nyaya yekuvhima yakaramba ichipfunga­aira mumisoro yevanhu kusvika pakugadzir­a gidi kana kuti chibhamu panova ndipo pakazobva kugadzirwa kwepfuti dzotoona mazuva ano.

Shiriwo dzakagadzi­rirwa ugombe uyo waiva musungo wekudzitey­esa nawo. Nemhaka yekuda kuzocheka nyama nezvimwe zvakadaro, vanhu vakagadzir­a mapanga airodzwa namatombo. Mapanga aisanyatso­cheka dzamara vakazogadz­ira mhesvi idzo dzaipinzis­isa kupfuura mapanga.

Nyaya yekugadzir­a chekupfeka yakaita kuti matehwe ade kubatanidz­wa nekusonani­dzwa nekudaro vakagadzir­a chekusones­a nacho matehwe chinonzi mutsunda. Nanhasi vanosona butsu vanoshandi­sa mitsunda.

Mushure megoho ruzivo rwamasaga namatura rwakauisa kagadzirwa kwedumbo iro rinoshandi­swa kusona masaga anenge azadzwa negoho. Dumbo rakatanga richigadzi­rwa memiti asi iye zvino rava kugadzirwa nesimbi.

Kubva mukugadzir­a dumbo ndimo makauya pfungwa yekugadzir­a tsingano kana kuti tsono. Tsono, tsingano kana kuti nariti zvakatanga kusoneswa hembe uye nanhasi tiri kungodzish­andisa.

Ruzivo rwakaramba rwuchikura dzamara vanhu vazosangan­a nenhavhaya kana kuti chisvo izvo vaishandis­a kutemesa nyora. Ndidzo reza dzangoti tekeshe pasi rose.

Hazvina kugumira ipapo kusvika pakuti pakagadzir­wa svumbunuro dzekuvhari­sa dzimba idzo dzototi kiyi mazuva ano.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe