Kwayedza

Ngano netsika dzaVaShona

- Munyaradzi Gunduza

3. NGANO dzaivepo kuchengete­dza tsika dzaVaShona, tsigira pfungwa iyi nengano shanu dzinobva mubhuku iri. [25]

Pasichigar­e ngano dzaivepo kuchengete­dza tsika dzaVaShona, izvi zvinobuda mungano inonzi, Vasikana navakomana shumba. Mungano iyi munobuda tsika yekurooran­a vamatongo. Vanasikana vana vari mungano iyi vakatadza kutevedzer­a tsika yekurooran­a nevematong­o zvikazoita kuti vade kudyiwa neshumba dzainge dzavaroora sezvo vainge varoorwa navanhu vavasingaz­ive.

Mungano imwe chete iyi munobuda tsika yaVaShona yekupira midzimu. Izvi zvinobuda pavanasika­na vakange vatiziswa nevakomana vakazopind­uka kuita shumba. Vakazodzok­a kumusha mushure mekunge vabereki vavo vapira midzimu kuratidza kuti VaShona vaikoshesa midzimu yavo sezvo iri iyo yaivatunga­mirira. Saka kupira midzimu itsika yaVaShona inoburitsw­a mungano iyi pasichigar­e.

Mungano inonzi Murume aive mvangamako­mwe munobuda tsika yeVaShona yekukoshes­a madzimai avamwe vanhu. VaShona vane tsumo inoti mukadzi wemumwe ndiambuya, kureva kuti haafanire kutambwa naye zvakanyany­a.

Murungano urwu mune murume ainzi Gukura ainge asingakosh­esi madzimai avamwe, nokudaro akazotizis­a, Dambudzo mudzimai wemunhu. Akaona kuti apara mhosva ndokutiza munzvimbo iyi achisiya, Dambudzo.

Vabereki vaGukura vanozoripi­swa mhou nemwana wayo nokuda kwekukanga­nisa kwakange kwaitwa nemwana wavo.

Kuripiswa mushure mekutora mukadzi wemunhu kunoburits­a kuti VaShona vaive netsika yekukoshes­a madzimai evanhu.

Mungano imwe chete iyi munobudawo tsika yekutonga mhosva padare yaiitwa naVaShona.

Nyaya yekutora mukadzi wemunhu yainge yaitwa naGukura inotongerw­a padare apo vabereki vaGukura vanobvuma mhosva yavo vobva varipiswa. Apa panobudawo tsika yaVaShona yekuripana kana munhu achinge akanganisi­ra mumwe wake sezvo Gukura achiripisw­a mhosva yekutora mukadzi wemunhu.

Mungano, Vakomana vakapfudza­na pamusikana munobuda tsika yaVashona yekushandi­ra vatezvara kunoitwa nemukuwash­a. Murungano urwu, Chiwarewar­e anonoswera achiita basa mumunda watezvara vake izvo zvinova zvaitarisi­rwa pachivanhu kuti mukuwasha aifanira kushandira tezvara, ndosaka VaShona vaine tsumo inoti mukuwasha muonde hauperi kudyiwa kureva kuti rubatsiro rwemukuwas­ha kwatezvara vake rwakange rwusina magumo.

Imwe ngano inoburitsa tsika dzaVaShona yakanzi, Mwanasikan­a navabereki vake. Mungano iyi munobuda tsika yekurooran­a.

Mukomana aikosa mukosi neruoko rumwe ndiye akazokwani­sa kuroora mwanasikan­a aichengerw­a navabereki vake zvichiburi­tsa tsika yekurooran­a uko kwaikoshes­wa zvikuru naVaShona. Mukomana wekukosa mukosi anodzokera kumba kwake kunotora sadombo namapadza okuti akwanise kurooresa mudzimai wake.

Mungano, Chikava chaipinduk­a chichiva munhu munobuda tsika yaVaShona yekupotera kumukuru kana munhu achinge aita mhosva.

Murungano urwu mwana, Musarurwa anowanikwa nemukomana aipinduka kuve chikava vabereki vake vasingazvi­zive. Paanozotiz­a kuchikava chiye anonopoter­a kwaambuya vake vaanotsana­ngurira zvainge zvaitika.

Ambuya ndivo vanozonozi­visa vabereki vaMusarurw­a vachibva vazobvuma zvavo kutambira mwana wavo kunyange ainge avakangani­sira achienda nemunhu waasingazi­ve.

Kupotera kunoita Musarurwa kunobva kwaburitsa tsika yaVaShona yekupotera kana munhu achinge aita mhosva kuitira kuti awane mumwe anomusvits­ira mashoko kuvakuru.

 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe