Kwayedza

Orarama nekutenges­a matombo

- Gstone Mapupu

MAMWE madzimai ekwaMuramb­inda, kuBuhera, vave kurarama nebasa rekupwanya matombo musango vachiateng­esera ovaka dzimba rinova bhindauko ravabmunza­ra. wayedza nguva yadarika yakaita ukuro nemamwe emadzimai aya anoganisir­a Mai Annah Kure Makwenjere naMai Linda Munyono (40) vemubhuku urambinda avo vanoti vave nemakore wanda vachiwana pundutso kubva kupwanya matombo vachitenge­sa. anhukadzi ava vanowana matombo nopwanya kubva panzvimbo inonzi ambinda Gravel Site apo panocherwa rinogadzir­iswa migwagwa yeko uyewo umakomo eko. iri madzimai akawanda vanoita basa iri no mushure mekuona kuti isu hatiende abasa, vanababa dzimwe nguva vanoio mapiece jobs. Saka tinomukira mazuva oswera tichiita mabasa aya apo tinozotga vanotenga matombo edu tichiwana uviri,” vanodaro Mai Makwenjere. anoti pamazuva maviri vanokwanis­a wanya mabhara 20 ematombo vachigesa bhara rimwe chete ne$1,50 kana $2 hisiyana nematombo acho. Matombo ekuvakisa hwaro hwemba akara mutengo kuchiti ekuisa pamahwindo dhura zvekuzvika $2 pabhara rimwe te. Kana tikauya kubasa mazuva ose, kwanisa kusvitsa mabhara 60 kana kudapasvon­do. Izvi zvinoreva kuti munhu woga-woga kana matombo aya akatengwa, anogona kuita mari inodarika $100 pasvondo,” vanodaro.

Mai Munyono vanoti dambudziko ravo guru nderekusha­ya vatengi sezvo dzimwe nguva vamwe vari kuvaka vachiguma vave kuda kunotenga matombo aya kumigodhi inochera matombo munzvimbo yavo kana kunoatsvag­a kumadhorob­ha.

“Vanhu vari kuvaka dzimba vakawanda muno nekuda kwekupihwa masitendi kuri kuitwa nekanzuru. Vanoongoro­ra nezvekuvak­a vatinoti mainspecto­rs ekanzuru vamwe vacho havadi mhando yematombo edu, vanomaniki­dza varidzi vedzimba kunotenga kune vemakamban­i asi vamwe vanouya zvavo vachitenga,” vanodaro Mai Munyono.

Vanoti mudzimai wanhasi haamirire murume kuti hapasisina mari mumba kana kutenga girosari.

“Vana vedu vari kuenda kuzvikoro uyewo mudzimba dzedu tinotenga zvatinoda. Mari yatinowana pamwedzi yakangofan­ana neyevanhu vanomukira kumamwe mabasa,” vanodaro.

Madzimai aya ari kukumbira kuvatungam­iri vemuzvikor­o nevemakomi­ti eSchool Developmen­t Committes emunharaun­da yavo kuti vapote vachivaten­gawo matombo avo kana muzvikoro umu mave kuvakwa.

“Tine vemabhizin­esi vari muno nevezvipat­ara nemunovakw­a dzimba dzekanzuru, ngavatipew­o bhizinesi tiwane mari pane kuti vanoendesa mari kwaRusape kana kuHarare nekumwe vachinoten­ga matombo aya kure vozodzinga vana vedu tatadza kubhadhara mari dzezvikoro,” vanodaro Mai Munyono.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe