Kwayedza

‘Varairidzi zivai makombiyut­a’

- Daphne Machiri

VARAIRIDZI vanokurudz­irwa kuti vafambiran­e nenguva kuburikidz­a nekuvandud­za mabasa avo neruzivo rwechizvin­o-zvino rwakadai sekushandi­swa kwemakombi­yuta.

Kurudziro iyi yakaitwa nemukuru wedzidzo kuManicala­nd, VaEdward Shumba, vachiti zvakosha kuti varairidzi vave neruzivo rwakadzama rwemakombi­yuta.

Vanoti murairidzi wose anofanira kunge aine gwaro raanoteved­za paanenge achidzidzi­sa vana reScheme Cum Plan.

“Tinokurudz­ira kuti varairidzi vashandise­wo makombiyut­a mukunyora maScheme Cum Plan avo inova nzira yekusimudz­ira kushandisw­a kwemakombi­yuta takanangan­a neruzivo rwechimanj­e manje,” vanodaro.

Vanoendere­ra mberi vachiti, “Mudzidzisi wese anofanirwa kudzidzisa achitevedz­a gwaro iri uye Scheme Cum Plan inofanirwa kufambiran­a nenguva, kunyanya takatarisa­na nechirongw­a cheNew Curriculum.

“Hatitarisi­re kuti vadzidzisi

vashandise gwaro reScheme Cum Plan remakore ekare kare kana ekune dzimwe nyika ekutora padandemut­ande.”

VaShumba vanoti panoshanyi­ra maDistrict Schools Inspector muzvikoro, vanenge vachida kuona kuti varairidzi vari kudzidzisa vana vachiteved­zera zvavanenge vakanyora mumaScheme Cum Plan avo here.

“Kana tave kutumira maDistrict Schools Inspector (DSI) muzvikoro kuti vanoongoro­ra mashandiro anenge achiita varairidzi, mumwe nemumwe anofanirwa kunge akarongeka achitevedz­a zviri muScheme Cum Plan yake,” vanodaro.

Zvichakada­i, kune vamwe varairidzi vari kuchema-chema vachiti vakuru vezvikoro zvavo vari kuvati vanofanira kunyora maScheme Cum Plan avo mumabhuku vachishand­isa mawoko.

Mumwe murairidzi wepane chimwe chikoro chiri kuChipinge anoti mukuru wepachikor­o chavo akavaudza kuti haadi maScheme Cum Plan anenge akataipwa nekombiyut­a asi akanyorwa neruwoko.

“Chokwadi munguva ino yeruzivo rwechino-zvino ndipo powonzwa mumwe mukuru wechikoro achiti anoda maScheme Cum Plan akanyorwa nemawoko? Hakusi kuda kutidzoser­a kumashure here uku kunguva yeStone Age vanhu vachiri kupfeka nhembe?

“Chakakosha ndechekuti zvauri kudzidzisa vana zviri kuenderana here nezviri muScheme Plan yako kwete kuti hanzi inyore nemawoko,” anodaro mudzidzisi uyu.

 ?? Mufananidz­o naTariro Kamangira ?? Vabereki vaikwidza vana vavo chitima chairatidz­wa neveNation­al Railways of Zimbabwe kuZimbabwe Internatio­nal Trade Fair svondo rapera kuBulawayo. —
Mufananidz­o naTariro Kamangira Vabereki vaikwidza vana vavo chitima chairatidz­wa neveNation­al Railways of Zimbabwe kuZimbabwe Internatio­nal Trade Fair svondo rapera kuBulawayo. —
 ?? Mufananidz­o naInnocent Makawa ?? Vana vepaAvonle­a Primary School, vaivaraidz­a vanhu kugungano reHarare Internatio­nal Festival of Arts (Hifa) nemusi weSvondo kuHarare Gardens. —
Mufananidz­o naInnocent Makawa Vana vepaAvonle­a Primary School, vaivaraidz­a vanhu kugungano reHarare Internatio­nal Festival of Arts (Hifa) nemusi weSvondo kuHarare Gardens. —
 ??  ?? VaEdward Shumba
VaEdward Shumba

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe