Kwayedza

HIV nekudya kune utano

-

PANGUVA yekuve nepamuviri pamwe nekuyamwis­a, chikafu chinovaka muviri chakakosha zvikuru kuna amai nemwana anenge asati aberekwa. Kana mudzimai ane pamuviri ari HIV positive, ane chimwe chikafu chinovaka muviri chaanoda nekuda kweutachio­na uye mwana anenge azvarwa pamwe nekuzoyamw­iswa izvo zvinomuisa panjodzi yekusazowa­na chikafu chakaringa­na.

Chikafu chisina kuringana panguva iyo mudzimai anenge aine pamuviri kana kuti achiyamwis­a chinoita kuti mukana wekunge mwana ange achitapuri­rwa HIV ukure.

Sei madzimai ane pamuviri neanoyamwi­sa achifanirw­a kuwana chikafu chinovaka muviri?

Kumudzimai ane pamuvir ari HIV positive, chifaku chakakodze­ra chinoreva kuti anenge aine hutano hwakanaka uye anogona kusununguk­a zvakanaka zvakare.

Masoja aamai anorwisa zvirwere anenge akasimba zvinoita kuti akwanise kurwisa zvirwere

Mudzimai anenge akasimba anokwanisa kuzviririt­ira pamwe chete nemhuri yake

Mudzimai anozvara mwana mutano ane huremu hunotarisi­rwa uye anokura akasimba

Zvii zvinofanir­wa kudyiwa nemudzimai akazvitaku­ra kana ari kuyamwisa?

Sezvinokur­udzirwa muhupenyu hwemunhu hwemazuva ose, mudzimai ane pamuviri kana anoyamwisa anofanira kudya zvakasiyan­a mazuva ose izvo zvinosanga­nisira zvinotever­a:

1. Chikafu chinopa simba (carbohydra­tes) 2.Chikafu chinovaka muviri (proteins) 3. Chikafu chinodzivi­rira muviri (vitamins & Mineral salts)

4. Chifaku chine mafuta neshuga

Chikafu chinopa simba

Izvi ndizvo zvinopa simba rekuita mabasa zuva rega-rega

Muenzaniso wechikafu chakadai chibage, mupunga, zviyo, mapfunde, mbatatisi, mbambaira, mufarinya nemadhumbe/amadhumbe.

Chikafu chinovaka muviri

Ichi chikafu chinobatsi­ra mukukura, nekudzorer­edza zvinenge zvapera mumuviri, kugadzirwa kweropa, mhasuru nekusimbis­a masoja anorwisa zvirwere.

Chikafu chemhando iyi chinofanir­wa kudyiwa kanokwana ka4 kana kashanu pasvondo rega-rega.

Pane mhando mbiri dzechikafu ichi.

Mapuroteni anobva kunyama yakasiyana, huku nemazai

Mapuroteni anobva kuzvirimwa zvakadai sesoya bhinzi, sugar beans, peas nemanhanga

Chikafu chinodzivi­rira muviri

Ichi chikafu chemuriwo yakasiyana pamwe nemichero - kusanganis­ira yemusango - icho chinoita kuti munhu awane kudya kwakaringa­na.

Chikafu ichi chinopa ma”vitamins” nema”mineral salts” anoita kuti masoja anorwisa chirwere agare akasimba

Chinofanir­a kudyiwa mazuva ose

Mienzaniso yechikafu ichi ndeinoteve­ra:

- Michero yemusango: mazhanje, hacha nenhunguru

- Mimwe michero: maorenji. mabanana, apples

- Miriwo: tsunga, rape, muboora, cabbage, lettuce, covo, matomatisi nebhinzi nyoro.

- Hupfu nefurawa

Chikafu chine mafuta neshuga

Madzimai ane pamuviri nevanoyamw­isa vanofanira kudyawo chikafu chemhando iyi sezvo chichibats­ira kuti vawane simba.

Muenzaniso wechikafu ichi mafuta ekubikisa, majarini, kirimu, huchi, mabhisikit­si nenzimbe.

Panguva yekuva nepamuviri, mudzimai anofanira kudya kanosvika kana pazuva rimwe chete. Zvimwe zvinogona kudyiwa ndezvinote­vera: 1. Chidimbu chekapu yesadza kana mupunga 2. Kapu yemuriwo wakabikwa kana kuti makapu maviri esalad

3. Kapu yebhinzi kana chidimbu chenyama yehuku.

Mienzaniso yema”snacks”

Zvidimbu zviviri zvechingwa nechipunu chedovi kana zai.

Kapu yemahewu Kapu yebhinzi kana mutakura Zvakakosha kuti munhu anwe marita maviri emvura nezvimwe zvinwiwa pazuva roga-roga.

 ??  ??
 ??  ?? Kumudzimai ane pamuviri ari HIV positive, chifaku chakakodze­ra chinoreva kuti anenge aine hutano hwakanaka uye anogona kusununguk­a zvakanaka zvakare.
Kumudzimai ane pamuviri ari HIV positive, chifaku chakakodze­ra chinoreva kuti anenge aine hutano hwakanaka uye anogona kusununguk­a zvakanaka zvakare.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe