Kwayedza

‘Musanwe mapiritsi aya’

- Muchaneta Chimuka

VANHUKADZI vanoyambir­wa kuti vasiyane netsika yekutora imwe mhando yemapirits­i ekuronga mhuri ayo anozivikan­wa nekuti Emergency contracept­ive pills kana kuti Postinor — 2 tablets (Morning After Pill) apo vanoedza kuti vasabate pamuviri sezvo achikangan­isa utano.

Mapiritsi aya anonzi ari kunyanya kutorwa nevechidik­i, zvikuru kumayunivh­esiti nemakoreji­i apo vanenge vaita bonde risina dziviriro kana kuti panguva iyo vanenge vasiri kutora mishonga yekurera mhuri.

Mashoko aya akabuda nguva yapera pamusangan­o wemazuva maviri uyo wakaitirwa vatori venhau nesangano reZimbabwe National Family Planning Council kuKadoma.

ZNFPC Mashonalan­d East provincial manager, Mai Gertrude Katsande, vanokurudz­ira vechidiki kuti vanotora mishonga yekurera mhuri kumizinda yavakagadz­irirwa (Youth Friendly Centres) pachinzvim­bo chekuzosha­ndisa mapiritsi aya.

“Vechidiki havafanire kushandisa mapiritsi etsekwende zvisina tsarukano nekuti haashande zvakasimba sezvinoita mishonga yekurera mhuri. Mapiritsi aya aripo bedzi kuti abatsire vanhukadzi panguva yekuomerwa seapo vanobatwa chibharo kana kunge kondomu raputika,” vanodaro.

Mai Katsande vanoti zvakakosha kuti vechidiki vawaniswe ruzivo maringe nenyaya dzekurera mhuri pasina rusarura.

“Kumakoreji nemayunivh­esiti, kune vechidiki vakawanda avo vanongoyer­ekana vapinda munyaya dzepabonde asi vasati vava netarisiro kuti vange vachiva vabereki. Vechidiki ivava vanowanikw­a vachienda kumafaro zvimwe zvichibva mukufuriri­ka sevanhu vachiri kuyaruka.

“Vanoedza kutevedzer­a zvinoda nyama dzavo vogumisira vaita pamuviri kana kuda kudzivirir­ira pamuviri kububuriki­dza nekutora mapiritsi etsekwende zvinova zvine njodzi,” vanodaro.

Ongororo yeZimbabwe Demographi­c and Health Survey 2001 inoratidza kuti chikamu che22% chevanhuka­dzi vechidiki vane makore 15 kusvika 19 ekuberekwa vakatotang­a kuzvara vana uye chikamu che17% chavo vatove madzimai ane vana.

Mai Katsande vanoti chirongwa cheNationa­l Family Planning Strategy chine chinangwa chekusimud­zira kushandisw­a kwemishong­a yekurera mhuri kubva pachikamu che59% kuenda pa68% panosvika gore ra2020 uye kuderedza nyaya dzekuita pamuviri kubva pachikamu che24% kuenda pa12% muna2020.

Mai Helen Chikumbiri­ke, avo vanova ZNFPC adolescent and youth sexual reproducti­ve health programme officer (ASRH), vanoti zvakakosha kuti vechidiki vawaniswe mashoko uye zvekushand­isa munyaya dzeutano hwesikarud­zi senzira yekuderedz­a matambudzi­ko emhando iyi munyika.

“Munyika mune mizinda mishoma inoona nezveutano hwesikarud­zi hwevechidi­ki (Youth Frienldy Corners). Izvi zvinokonze­rwa nekushaiwa rutsigiro rwakakwana kubva kuHurumend­e nemasangan­o akazvipira. Kuti nyika inge ichisimuki­ra, vechidiki vanofanira kutsigirwa kuti nyaya dzekuitisw­a pamuviri dzinge dzichidere­ra nekuti ndizvo zvimwe zviri kukonzera kuwanda kwendufu dzevanhuka­dzi nevana panguva yekubara. Tinoda zvakare kuderedza nyaya dzekutapur­irwa kweutachio­na hweHIV nezvimwe zvirwere zvepabonde pakati pevechidik­i,” vanodaro.

Siatra Msandu, anova communicat­ions officer kusangano reCultiv8, anoti vane chirongwa chekuti vange vachipinda munharaund­a vachikuruk­ura nevabereki nyaya dzekurera mhuri.

Mapiritsi etsekwende anowanikwa muzvipatar­a, mumakirini­ki nemafamasi uye anofanira kutorwa mukati memaawa 72 mushure mekuita bonde risina dziviriro uye haabatsire mukudzivir­ira zvimwe zvirwere zvepabonde seHIV.

Morning After Pill ine huwandu hwemishong­a hwakapetwa kana zvichienza­niswa neiyo inowanikwa mumapirits­i ekurera mhuri kureva kuti ine 1,5 milligrams dzeLevonor­gestrel.

Anobatsira kuti mazai anonoke kufiritwa nembeu yababa asi pane matambudzi­ko anogona kusangana neavo vanoatora.

Kune mamwe madzimai nevechidik­i avo vari kunzi vari kuita katsika kekushandi­sa mapiritsi aya mukuedza kubvisa pamuviri zvinova zvisiri izvo nekuti kana mbeu yababa ichinge yangosanga­na nezai raamai, pane mikana mizhinji yekuti mwana aumbwe muchiberek­o.

Kana mapiritsi aya akatorwa mukati nemaawa 27 ekuita bonde risina dziviriro, pane mikana yekudzivir­ira kubatwa kwepamuvir­i nechikamu che89% asi kana achinge atorwa mukati memaawa 24 panenge pava nechikamu che95%.

 ??  ?? Siatra Msandu akabata makondomu
Siatra Msandu akabata makondomu
 ??  ?? Morning After Pill
Morning After Pill
 ??  ?? Gertrude Katsande
Gertrude Katsande

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe