Kwayedza

‘Fundo inokosha kuvaimbi’

- Abel Ndooka

MUIMBI weAfro-fusion nePasada - Walter Sonayi uyo anonyanya kuzivikanw­a saPapa Sodza, wechikwata cheVibrant Sounds anoti zvakakosha kuti vaimbi vadzidze kuitira kuti vatsvage mamwe mabasa ekuita kunze kwekungomi­rira zvemimhanz­i chete.

Muhurukuro neKwayedza, Papa Sodza anoti mazuva ano vaimbi vashoma vari kukwanisa kuwana mashoo ekuridza.

“Mhanzi iri kurema ndicho chokwadi, kana usina fundo hapana zvaunokwan­isa kuita. Saka ndinotokur­udzira vamwe vaimbi kuti ngatidzidz­ei. Ngatikoshe­se fundo, tiwane mabasa tiwane pundutso muhupenyu hwedu,” anodaro.

Anoenderer­a mberi achiti, “Unoziva unenge une vaunoshand­a navo muchikwata chako saka ukasaita mashoo vanenge vachida kubhadharw­a zvino unovabhadh­ara sei? Iwe kubasa hausi kuenda saka panotodiwa kuti patsva- yekundisev­enzera tirambe tichitsiki­sa mhanzi.

“Mashoo, hongu, ndoziva haawanikwe pese pese saka panotodiwa kushanda nesimba mamwe mabasa kuti tigoramba tichitsiki­sa mhanzi, tichisimuk­ira zvakare,” anodaro.

Papa Sodza anokurudzi­ra vamwe vaimbi kuti vabatane pakuita mashoo sezvo zvichibats­ira mukusimudz­ira indasitiri yemimhanzi.

“Vaimbi ngatibatan­e tisimukire tese nekuti tikaita mazvake mazvake hapana kwatinosvi­ka, ichi ndicho chokwadi. Hongu nhasi unogona kunge uri pamusoro asi mangwana zvinoshand­uka. Hatizive kuti mangwana zvichafamb­a sei saka zvakakosha kuti tibatane,” anodaro.

Muchinda uyu anozivikan­wa nenziyo dzakanetsa dzinosanga­nisira “Ejegu” ako akaimba naSuluman Chimbetu uye nekamwe kanonzi “Ndazvibiki­ra Mbodza”.

 ??  ?? Papa Sodza gwe zvimwe zvekuita kana mabindauko anounza mari.”
Papa Sodza anoti ane rimwe basa raanoita kuti azvirarami­se iye nemhuri yake pamwe nekubhadha­ra chikwata chake.
“Ini ndinotosev­enza rimwe basa kuti ndikwanise kutsvaga mari yekubatsir­a...
Papa Sodza gwe zvimwe zvekuita kana mabindauko anounza mari.” Papa Sodza anoti ane rimwe basa raanoita kuti azvirarami­se iye nemhuri yake pamwe nekubhadha­ra chikwata chake. “Ini ndinotosev­enza rimwe basa kuti ndikwanise kutsvaga mari yekubatsir­a...

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe