Kwayedza

Seed Co yorumbidzw­a

- Malven Mugadzikwa

KOMITI yedare reParamend­e inoona nezvekurim­a yorumbidza kambani huru munyaya dzekuuchik­a mbeu munyika yeSeed Co nebasa rairi kuita rekuuchika mbeu dzemhando yepamusoro izvo zviri kubatsira varimi kuti vawane goho guru.

Vachitaura apo vaimema muzinda weSeed Co unoitwa tsvakurudz­o dzekuuchik­a mbeu nekuongoro­ra zvirwere weRattray Arnold Research Station, mukuru wekomiti iyi - Cde Justice Mayor Wadyajena - vanoti kambani yeSeed Co iri kusimudzir­a mabasa ekurima zvakanyany­a munyika.

“Ndinoda kupa kutenda kukuru kukambani yeSeed Co netsvaguru­dzo dzairi kuita munyaya dzekuuchik­a mbeu dzemhando yepamusoro dzinofambi­rana nenguva yatiri. Kuuchika mbeu dzinoender­ana kunyanya nemamiriro ekunze ari kusanduka inzira yekuvandud­za hupfumi hwenyika nekuti hwakagara huri mune zvekurima,” vanodaro.

Cde Wadyajena vanoti tsvagurudz­o mune zvekuuchik­a mbeu pamwe nezvirwere muzvirimwa zvinobatsi­ra zvikuru kuti varimi vawane goho guru.

“Tsvakurudz­o mukuuchika mbeu sekuona kwataita sekomiti inobatsira pakuti murimi anokohwa maererano nekurima kwake. Izvi zvinoita kuti ruzhinji munyika rwugute uyewo zvakare kuti tikwanise kurima tichitenge­sa kune dzimwe nyika sezvo mbeu dzedu dzinenge dziri dzemhando yapamusoro,” vanodaro.

Vanoendere­ra mberi vachiti, “Veruzhinji vachawana mabasa nekuti mbeu dzakasvika dzinoita kuti vakawanda vapinde mune zvekurima uye kurima kwedu kukasimba munyika zvinoita kuti vemamwe mapazi ehupfumi asimukire nekuti kurima kunobatani­dza mapazi akawanda ehupfumi hwenyika.”

Vachitaura­wo pagungano iri, managing director weSeed Co, VaDenias Zaranyika, vanoti kambani yavo iri kuenderera mberi nekuita tsvakurudz­o yembeu dzinotirir­a muzuva pamwe nezvirwere zvakasiyan­a.

“Chinangwa chedu mutsva- kurudzo idzi kuda kuramba tichiwedze­ra goho ratinowana pazvirimwa zvedu. Tinoda kuva nembeu dzinoender­ana nemamiriro ekunze uye dzichipa goho rakakura. Tiri kuuchikawo zvakare mbeu dzinotirir­a kuzvirwere pamwe nezuva kuti tiwane pakuru kubva mune zvatarima. Taka- tsvaga mishina inoshanda yechizvino-zvino inongoende­rana neiri kunyika dzakapfuma kuti tifambiran­e nenguva mukuita basa redu. Izvi zviri kutibatsir­a nekuti zviri kuderedza nguva yatinotora pakuuchika, pakubuda uye nemhando yembeu yatinenge tichida,” vanodaro.

 ??  ?? Dr Gordon Mabuyaye (kuruboshwe) vanove Seed Co Global Lead Maize vachidzidz­isa nhengo dzekomiti yedare reParamend­e inoona nezvekurim­a nezvembeu dziri kuuchikwa nekambani yavo.
Dr Gordon Mabuyaye (kuruboshwe) vanove Seed Co Global Lead Maize vachidzidz­isa nhengo dzekomiti yedare reParamend­e inoona nezvekurim­a nezvembeu dziri kuuchikwa nekambani yavo.
 ??  ?? VaDenias Zaranyika
VaDenias Zaranyika
 ??  ?? Justice Mayor Wadyajena
Justice Mayor Wadyajena

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe