Kwayedza

Varimi votadza kushandisa mvura

- Kingstone Mapupu

KUDUNHU raNemamgwe, kuGokwe kune mvura inonzi yave nemakore akawanda ichingodhu­bhuka kubva pasi ichiyerera isina mabasa ebudiriro ainoshandi­swa sezvo inonzi ine munyu uye inopisa zvinoita kuti isakudze zvirimwa zvisinei nekuti dunhu iri rinogara rakatarisa­na nenzara nekuda kwekusanay­a kwemvura zvakanaka.

Mvura iyi inobuda munzvimbo yakatevedz­a rwizi rwaGwaze uye painodhubh­uka pakatoiswa pombi kuitira avo vanoda kuishandis­a mabasa akasiyana.

Mumwe mugari wenzvimbo iyi, VaMuketiwa Mutsvanga (48), vanoti mvura iyi yava nemakore akawanda ichingobud­a saizvozvi pasina zvainoshan­diswa.

“Mvura iyi inobva pasi uye inongobuda nguva yoga-yoga pasina kuti muchirimo kana kuti izhizha. Vanhu vanotora zvavo yekuvakisa nekuitisa zvimwewo vamwe vachitogez­a mbatya dzavo. Hakuna anorima nayo kuita madiridzir­o nekuti tinonzwa kuti zvirimwa zvacho hazvikure nekuti ine munyu wakawanda uyewo inopisa,” vanodaro.

Vanoti dunhu reGokwe harinaye mvura zvakanaka nekudaro kudai vanhu vagere munzvimbo iyi vachiishan­disa mukurima mbesa dzakasiyan­a vachiita zvekudirid­zira.

“Nguva isinganaye mvura munotoona zvimwe zvirimwa zviri padyo nemvura iyi zvichitsva kutopunzik­a pasi. Hapana kana zuva rimwe chete rainomira kubuda,” vanodaro VaMuketiwa.

VaVictor Nemangwe vanova gurukota guru raMambo Nemangwe vanoti mvura iyi inogara ichitaurwa nezvayo nguva dzose kuti ikwaniswe kushandisw­a mabasa ebudiriro asi hapana chinofambi­ra mberi.

“Mvura iyi takangokur­a ichingotub­uka pasi apa sezvo ichidziya vanhu vanoenda kunogeza usiku kana masikati pasina kuita mvura yekudziisa, zvekuti ishandiswe kurima nemamwe mabasa ebudiriro zvinotaurw­a asi hapana chinobuda,” vanodaro.

Vanoendere­ra mberi vachiti, “Chichemo chekuti mvura iyi tiishandis­e chinogara chichitaur­wa mumisangan­o yemadzishe nemadzimam­bo muno, kuchiwirir­anwa kuti mvura iyi ishandiswe asi mashoko aya haazadziki­swe.”

Vanoti mapombi anodhonza mvura akangoiswa pazvitubu izvi inosundwa kunosvika kwese kwainodiwa pasina zvinodiwa zvakaita semagetsi kana hinjini zvinoshand­iswa.

“Ngatishand­isei mukana wesimba remvura inobuda yoga iyi nekuti zvikadaro kuno hakuite nzara, kana kutanga mabhindauk­o akasiyana,” vanodaro.

 ??  ?? VaMuketiwa vaiva vachitaris­a mvura inongotubu­ka yoga kubva pasi kwaNemangw­e, kuGokwe iyo isina basa rainoshand­iswa rebudiriro.
VaMuketiwa vaiva vachitaris­a mvura inongotubu­ka yoga kubva pasi kwaNemangw­e, kuGokwe iyo isina basa rainoshand­iswa rebudiriro.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe