Kwayedza

N’ANGA DZAKARWA

. . . mumwe ndokudzurw­a vhudzi . . . oti anoda kuripwa nemombe

- Kingstone Mapupu

N’ANGA mbiri dzekuGokwe — yechikadzi neyechirum­e — dzakaumbur­udzana dzichirwa apo yechidzima­i inonzi yakazodzur­wa vhudzi remhotsi mumusoro iro rainoti yakabva naro pasi pemvura — saka inotoda kuripwa nemombe.

N’anga yechikadzi iri kuti inotoda kuripwa nemombe dzine chitsama sezvo ichiti njuzu dzakaipa vhudzi iri pasi pemvura dzakatsamw­a zvikuru nezvakaiti­ka.

Mbuya Ratidzo Fusi (43), vemubhuku raSigali, kwaNembudz­iya, vanoti vhudzi ravo rakadambur­wa neimwe n’anga inonzi Art Chirigo — iyo yakavarwis­a ichivapome­ra kuti vainge varova mudzimai wayo.

Mbuya Fusi vanoti nyaya iyi yakatanga apo mudzimai waChirigo akarwisana nemumwewo mukadzi ivo ndokurandu­tsira vaviri ava.

“Mudzimai waChirigo akasvika pamba pangu achidzingi­rirana nemumwe mukadzi vachirwa. Ini ndakazoedz­a kuvarandut­sira apo iye Chirigo akazotever­a achiti ndainge ndarwisa mudzimai wake.

“Akandirova ndikawira pasi achibva atanga kundidhonz­a ndiri pasi akabata vhudzi rangu remhotsi iro akadambura akaenda naro. Akanogara naro kwemasvond­o maviri, handizive kuti aiitei naro. Ndava kutotya,” vanodaro Mbuya Fusi.

Vanoti vhudzi iri rakazodzos­wa vakaenda naro kudare raSadunhu Nembudziya uko vakanomhan’ara nyaya iyi.

“Art Chirigo nababa vake vakazouya nehuku vachikumbi­ra ruregerero vaine mhotsi iyo vakasiya kumba kwangu.”

Mbuya Fusi vanoendere­ra mberi vachiti: “Panyaya yekurohwa kwangu, Art Chirigo akanzi aripe mombe mbiri nekuti ndiri mudzimai wemunhu. Murume wangu, Dick Tofarasei, akafadzwa nemutongo uyo wekuti murume uyu aripe mombe mbiri dzekundiba­ta muviri wangu achindirov­a. Asi pachivanhu hapana chakaitwa panyaya yebvudzi randakadzu­rwa iri.”

Vanoti bvudzi ravo rinoera sezvo vachiti vakaripihw­a apo vakatorwa nenjuzu vachiri mwana mudiki kwaDandawa, kuHurungwe, ndokugara mwedzi miviri vari pasi pemvura.

“Ndakatorwa nenjuzu ndikanogar­a pasi pemvura ndokuzodzo­swa mushure mekunge ndambochen­getwa mubako. Izvi zvakaitika apo ndaiva ndashanya kwatete vangu.

“Pandakabud­a mumvura umu, ndipo pandakange ndava nevhudzi remhotsi iri, ndava svikiro kana kuti n’anga,” vanodaro.

Mbuya Fusi vanoti pavakabva kumvura uku, vaiva nemishonga yakasvikot­orwa nehanzvadz­i yavo iyo vakasvikot­anga kushandisa mukurapa vari mudiki kudaro.

“Ndakazodzo­ka kumusha kwevaberek­i vangu kuMberengw­a ndava kurapa, vechikuru vakashamis­wa nazvo.”

Mbuya Fusi vanoti baba vavo, VaBecky Mutombeni, vakamboda kuramba hun’anga uhwu kusvikira “vazorwaris­wa nemweya”.

“Ndakazoend­a kunosimbis­wa hun’anga hwangu kwaMicho, kuChiweshe, uko vhudzi rangu rakanopihw­a mhiko dzekuti ndigare naro risingager­we. Zvino VaMicho vacho vakazoshai­ka, ndava kutotsvaga dzimwe n’anga dzinoziva kuti ndichaita sei naro,” vanodaro.

Mbuya Fusi vanoti vabereki vavo vakatonobv­isa mombe chena iyo inonzi yakanosiiw­a padziva apo vakatorwa nenjuzu setsika yekupfupa nzvimbo iyi kuti hun’anga huri pavari hupfumbire.

Sadunhu Nembudziya, VaSamuel Shamuyedov­a (54), vanotsinhi­ra nyaya yekurwa kwen’anga mbiri idzi vachiti yakatopind­a mudare ravo.

“Nyaya iyi yakapinda mudare rangu, vaviri ava varwa. Amai ava vakadzurwa vhudzi ravo remhotsi.

“Sezvo amai ava vari mudzimai wemunhu, takaona kuti Art Chirigo akabata muviri wemudzimai wemunhu tikamuripi­sa mombe mbiri dzekubata muviri wemunhukad­zi asiri mudzimai wake. Asi zvekuti amai ava vakadzurwa vhudzi iro vanoti vakabva naro pasi pemvura, iyoyo hatina kuibata sezvo takati inoda chivanhu

chinosanga­nisa masvikiro nemhondoro dzepasi kuti zvoitwa sei.

“Isu tichazopin­dira tanzwa zvinenge zvabva kumasvikir­o,” vanodaro

sadunhu ava.

Vanoti nyaya iyi ichadzoka zvakare mudare ravo kuti iongororwe pachitaris­wa chivanhu chenyaya yevhudzi rakadzurwa iri.

 ??  ?? Ratidzo Fusi achitaridz­a pakadzurwa vhudzi
Ratidzo Fusi achitaridz­a pakadzurwa vhudzi
 ??  ?? Sadunhu Nembudziya
Sadunhu Nembudziya
 ??  ?? Ratidzo Fusi akabata mhotsi dzevhudzi dzaakadzur­wa vachirwa — Mufananidz­o naMemory Mangombe
Ratidzo Fusi akabata mhotsi dzevhudzi dzaakadzur­wa vachirwa — Mufananidz­o naMemory Mangombe

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe