N’ANGA DZAKARWA
. . . mumwe ndokudzurwa vhudzi . . . oti anoda kuripwa nemombe
N’ANGA mbiri dzekuGokwe — yechikadzi neyechirume — dzakaumburudzana dzichirwa apo yechidzimai inonzi yakazodzurwa vhudzi remhotsi mumusoro iro rainoti yakabva naro pasi pemvura — saka inotoda kuripwa nemombe.
N’anga yechikadzi iri kuti inotoda kuripwa nemombe dzine chitsama sezvo ichiti njuzu dzakaipa vhudzi iri pasi pemvura dzakatsamwa zvikuru nezvakaitika.
Mbuya Ratidzo Fusi (43), vemubhuku raSigali, kwaNembudziya, vanoti vhudzi ravo rakadamburwa neimwe n’anga inonzi Art Chirigo — iyo yakavarwisa ichivapomera kuti vainge varova mudzimai wayo.
Mbuya Fusi vanoti nyaya iyi yakatanga apo mudzimai waChirigo akarwisana nemumwewo mukadzi ivo ndokurandutsira vaviri ava.
“Mudzimai waChirigo akasvika pamba pangu achidzingirirana nemumwe mukadzi vachirwa. Ini ndakazoedza kuvarandutsira apo iye Chirigo akazotevera achiti ndainge ndarwisa mudzimai wake.
“Akandirova ndikawira pasi achibva atanga kundidhonza ndiri pasi akabata vhudzi rangu remhotsi iro akadambura akaenda naro. Akanogara naro kwemasvondo maviri, handizive kuti aiitei naro. Ndava kutotya,” vanodaro Mbuya Fusi.
Vanoti vhudzi iri rakazodzoswa vakaenda naro kudare raSadunhu Nembudziya uko vakanomhan’ara nyaya iyi.
“Art Chirigo nababa vake vakazouya nehuku vachikumbira ruregerero vaine mhotsi iyo vakasiya kumba kwangu.”
Mbuya Fusi vanoenderera mberi vachiti: “Panyaya yekurohwa kwangu, Art Chirigo akanzi aripe mombe mbiri nekuti ndiri mudzimai wemunhu. Murume wangu, Dick Tofarasei, akafadzwa nemutongo uyo wekuti murume uyu aripe mombe mbiri dzekundibata muviri wangu achindirova. Asi pachivanhu hapana chakaitwa panyaya yebvudzi randakadzurwa iri.”
Vanoti bvudzi ravo rinoera sezvo vachiti vakaripihwa apo vakatorwa nenjuzu vachiri mwana mudiki kwaDandawa, kuHurungwe, ndokugara mwedzi miviri vari pasi pemvura.
“Ndakatorwa nenjuzu ndikanogara pasi pemvura ndokuzodzoswa mushure mekunge ndambochengetwa mubako. Izvi zvakaitika apo ndaiva ndashanya kwatete vangu.
“Pandakabuda mumvura umu, ndipo pandakange ndava nevhudzi remhotsi iri, ndava svikiro kana kuti n’anga,” vanodaro.
Mbuya Fusi vanoti pavakabva kumvura uku, vaiva nemishonga yakasvikotorwa nehanzvadzi yavo iyo vakasvikotanga kushandisa mukurapa vari mudiki kudaro.
“Ndakazodzoka kumusha kwevabereki vangu kuMberengwa ndava kurapa, vechikuru vakashamiswa nazvo.”
Mbuya Fusi vanoti baba vavo, VaBecky Mutombeni, vakamboda kuramba hun’anga uhwu kusvikira “vazorwariswa nemweya”.
“Ndakazoenda kunosimbiswa hun’anga hwangu kwaMicho, kuChiweshe, uko vhudzi rangu rakanopihwa mhiko dzekuti ndigare naro risingagerwe. Zvino VaMicho vacho vakazoshaika, ndava kutotsvaga dzimwe n’anga dzinoziva kuti ndichaita sei naro,” vanodaro.
Mbuya Fusi vanoti vabereki vavo vakatonobvisa mombe chena iyo inonzi yakanosiiwa padziva apo vakatorwa nenjuzu setsika yekupfupa nzvimbo iyi kuti hun’anga huri pavari hupfumbire.
Sadunhu Nembudziya, VaSamuel Shamuyedova (54), vanotsinhira nyaya yekurwa kwen’anga mbiri idzi vachiti yakatopinda mudare ravo.
“Nyaya iyi yakapinda mudare rangu, vaviri ava varwa. Amai ava vakadzurwa vhudzi ravo remhotsi.
“Sezvo amai ava vari mudzimai wemunhu, takaona kuti Art Chirigo akabata muviri wemudzimai wemunhu tikamuripisa mombe mbiri dzekubata muviri wemunhukadzi asiri mudzimai wake. Asi zvekuti amai ava vakadzurwa vhudzi iro vanoti vakabva naro pasi pemvura, iyoyo hatina kuibata sezvo takati inoda chivanhu
chinosanganisa masvikiro nemhondoro dzepasi kuti zvoitwa sei.
“Isu tichazopindira tanzwa zvinenge zvabva kumasvikiro,” vanodaro
sadunhu ava.
Vanoti nyaya iyi ichadzoka zvakare mudare ravo kuti iongororwe pachitariswa chivanhu chenyaya yevhudzi rakadzurwa iri.