Kwayedza

— Zviwanikwa zveZimbabw­e —

- Juliet Sharon Tom

SHATO inowanikwa muZimbabwe — iyo inodaidzwa kuti “African Rock Python” — ndiyo nyoka yakakurisa muAfrica uye imwe yenyoka huru pasi rose. Nyoka iyi haina uturu hunouraya kana ikakuruma.

Kana yakura, shato iyi inoreba mamita 3 kusvika 3,5 asi kune dzimwe dzinodarik­a zvekusvika pamamita 4. University of Michigan inoti shato yakarebese­sa ndeyakaone­kwa kuIvory Coast iyo yaiva mamita 7,5m.

Shato huru inorema pakati pe40 kusvika 55kgs zvisinei nekuti dzinoita duku kana dzakawanda panzvimbo.

Shato inogona kurarama kwemakore 15.

Kana muri muZimbabwe, nyoka iyi inofarira kugara munzvimbo dzine hunyoro kana pedyo nemvura.

Shato ine muviri wakaomarar­a uyo une ganda rine tumakwati twemavara anoti brown, olive, chestnut neyellow kumusana nemumativi asi yochenuruk­a pasi.

Musoro weshato unoda kunoita sezvakaita musoro wepfumo.

Shato inokandira mazai ari pakati pe30 kusvika 100 kamwe chete ayo ane goko rakaomarar­a. Nyoka iyi inochenget­edza mazai ayo yakaita zvekuamone­ra dakara achechenya mushure memazuva 90.

Pavanochen­genywa, vana veshato (nzenzana) vanenge vakareba 45 kusvika 60cm uye vanochenge­twa naamai vacho kwemasvond­o maviri vachidya zvakaita sembeva kana shiri diki.

Asi kana shato yakura, inodya mhuka dzakaita semhara, shiri

kana tsoko nemakudo.

Shato inouraya chainoda kudya nekuchimon­eredza uye apo mhuka yasungwa inenge ichitambur­a kufema, iyo inobva yatonyanya kuisunga kusvikira yafa.

Kana dai zvazvo shato iine mazino, nyoka iyi haitsenge chainodya asi kuti inongomedz­a chose nekukura kwacho izvo zvinoita kuti igare panzvimbo payadyira kusvikira chayadya chazeyewa mudumbu mayo.

Shato dzinozivik­anwa nekusvika mumisha nechikonze­ro chekuti dzinenge dzichida kubata zvipfuyo zviduku sembudzi kana huku.

MuZimbabwe, shato inyoka yakachenge­tedzwa nemutemo zvekuti haitenderw­e kuuraiwa. Asi nechikonze­ro chekuti shato hadzina uturu sedzimwe nyoka, vanhu vanowanikw­a vachidziba­ta kuti vadzishand­ise mune zvakasiyan­a semishonga yechivanhu.

Zvisinei, nyoka idzi hadzina masimba sezvinofun­gwa nevanhu nokudaro hadzifanir­we kubviswa munzvimbo dzadzinoga­ra. Vanhu vanokurudz­irwa kugarisana zvakanaka nezviwanik­wa izvi.

Kana ukaona shato pamusha pako, usaedza kuibata kana kuirwisa asi kuti zivisa veParks and Wildlife kana mapurisa vari pedyo.

. Kuti muzive zvakawanda batai veZimparks Public Relations pa: 0772620178.

 ??  ?? Shato
Shato
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe