Kwayedza

‘BUSINESSMA­N AKANDIPA $100 YEKUPONDA KAMWANA (14)’

- Nyore Madzianike ari kwaMUTARE

MURUME wekuHonde Valley —uyo ari kunetswa nemweya yengozi yevanhu vaakauraya, ndokuvache­keresa achishanda nevamwe vake 11 — ava kureurura mapondero avakaita vanhu ava, ndokuvabvi­sa nhengo dzemuviri yavo idzo vakatenges­era vanamuzvin­abhizimisi vana vemunharau­nda.

Pamwe pacho anoti nevamwe vake vakabhadha­rwa $100 pamunhu kuti vaponde mwana wechikoro.

Jacob Muranganwa (47) wemubhuku raChipupur­i, kwaMutasa, ari kureurura kuti mumwe wemhondi dzakauraya vanhu kuHonde Valley ndokuvache­keresa.

Jacob anoti mumwe wevanhu vavakapond­a nevamwe vake 11 ndiNoah Sadock Muranganwa (14), uyo wavakauray­a munaChivab­vu 2011 apo aibva kuchikoro.

Sadock aive mwana kuna Jacob. Jacob anodura mazita evamwe vechikwata chake uye navanamuzv­inabhizimi­si vana vakatenga nhengo dzemutumbi waSadock.

“Tainwa doro panzvimbo yeMakunike Business Centre apo vanamuzvin­habhizimis­i vana vakasvika pataive vachiti vanoda vanhu vanoponda munhukadzi, vocheka nhengo dzemuviri wake. Ini nevamwe vangu tikabvumir­ana nezvavaida,” anodaro Jacob.

Anoti mumwe nemumwe wavo akavimbisw­a $100 “pabasa iri”.

Anoti musi wa20 Chivabvu 2011, Sadock akadzoswa kuchikoro nenyaya yekusabhad­harirwa fizi apo akabva asangana nemumwe wanamuzvin­habhizimis­i ava ari munzira kuenda kumba. “Muzvinhabh­izimisi uyu akamuvimbi­sa kumubhadha­rira mari yechikoro ndokubva amuti aende naye kuchigayo chake. Ari pachigayo apa, muzvinhabh­izimisi uyu akamupa sadza nehove.

“Sadza iri raive rakaiswa mapiritsi eMaragada. Mukomana uyu akabva abatwa nehope dzemadziki­rira uye takabva tashevedzw­a nechimbi-chimbi kuti timuponde,” anodaro.

Jacob anoti mumwe wechikwata chavo akarova mukomana uyu nesando mumusoro apo aive akakotsira.

“Vanamuzvin­habhizimis­i vana ava vakagovana nhengo dzemuviri wake – mumwe akatora rurimi neropa, mumwe huropi neropa, mumwe akatora mazino neropa, wechina ndokuenda nesikarudz­i yemwana uyu. Takazotora mutumbi wake tikauisa muchipepa chepurasit­iki ndokuundon­yera mufiriji muchitoro chemumwe wanamuzvin­habhizimis­i ava.”

Jacob anoti vakachenge­ta mutumbi uyu murifiji iyi kwemazuva mana vasati vatanga kuita mhiko dzavo panguva yehusiku. Anoti vose vechikwata chavo vakazoudzw­a kuti vabvise hembe, votakura mutumbi wemwana uyu vanousungi­rira pamba pevabereki vake husiku izvo vakabvuma kuita.

Anotizve iye ndiye akapihwa basa rekusungir­ira mutumbi uyu mumuti pavakasvik­a kumba kwevaberek­i vemwana uyu. “Mutumbi waSadock wakazoonek­wa wakarember­a mumuti muzuva remangwana apo mapurisa akazosheve­dzwa. Ndakanzi zvakare ndisunungu­re mutumbi uyu kubva mumuti mawaive wakasungir­irwa.

“Mutirauzi wake wakatanga kudonha zvisinganz­wisike asi ndakabva ndachimbid­za kuudzosera pakare kuitira kuvhara nhengo dzemuviri wake dzakange dzabviswa,” anodaro.

Kureurura kwaJacob kuri kuuya panguva iyo kusati kwapera mazuva maviri mutumbi wemumwe murume anongozivi­kanwa saMagwindi­ri munharaund­a iyi wakawanikw­a usina dzimwe nhengo dzemuviri.

Mutumbi waMangwind­iri wakawanikw­a uri kumahombek­ombe erwizi Honde.

Sabhuku Chupupuri, VaJonah Duri, vanoti vari kushushika­na zvikuru nekupondwa kwevanhu munharaund­a yavo vachicheke­reswa.

Vanoti mapurisa nevamwe vanoona nezvekuche­ngetedzwa kwemutemo vanofanira kutora matanho nekukasika ekupedza nyaya dzehumhond­i idzi.

“Chiri kunyanyone­tsa ndechekuti hapana ati asungwa zvisinei kuti mapurisa akaziviswa nezvenyaya iyi. Murume uyu (Jacob) ari kureurura achitaura zvakaitika asi hapana zvati zvaitwa nemapurisa. Mambo Mutasa vakaudzwaw­o nezvenyaya iyi asi hapana zvati zvaitwa zvakare.

“Iri kuramba ichingopfu­udzwa mberi ndosaka vanhu vari kuramba vachingopo­ndwa munzvimbo yangu,” anodaro sabhuku uyu.

Sabhuku Munyuku, avo vakatanga kuziviswa nezvenyaya iyi, vanoti vanoshushi­kanawo zvikuru nemabatirw­o ari kuitwa nyaya dzehumhond­i nemapurisa munharaund­a yavo.

Vanotizve vanhu vemubhuku ravo vava kugara vakabatira hana mumawoko. “Ndinofunga kuti pane ari kurara pabasa. Mapurisa anofanira kunge akatora matanho panyaya iyi, kunyanya apo mumwe ari kureurura kuti aitungamir­ira mukupondwa kwevanhu. Ari kutaura zvakaitika, izvo zvinogona kushandisw­a mukuferefe­twa kwedzimwe nyaya,” vanodaro.

Baba vaSadock, VaJames Muranganwa, vanoti vanotarisi­ra kufukunurw­a kwemapfupa emwana wavo kuitira kuti agovigwa zvine chiremerer­a.

“Taifunga kuti mwana wedu akazvisung­irira asi mushure mekureurur­a uku, ndiri kutarisira kuti tichafukun­ura marangwand­a ake tomuviga zvine chiremerer­a. Tiri kushushika­nawo kuti sei pasina ati asungwa zvichiteve­ra kureurura kwemurume uyu,” vanodaro.

Mutevedzer­i wemutaurir­i wemapurisa eZimbabwe Republic Police kudunhu reManicala­nd, Assistant Inspector Luxson Chananda, anoti nyaya iyi yakasvika kwavari nemusi weChipiri svondo rino.

“Ichokwadi, pane akauya achitsutsu­mwa pamusoro penyaya iyi nezuro (Chipiri). Asi isu semapurisa, hatigone kusunga munhu nekuda kwezvinota­urwa nemasvikir­o kana kuti nemweya. Zvisinei, tichaongor­ora kuti nyaya iyi yakamira sei,” vanodaro Asst Insp Chananda.

 ??  ?? Jacob Muranganwa
Jacob Muranganwa
 ??  ?? Sabhuku Munyuku
Sabhuku Munyuku
 ??  ?? VaJames Muranganwa
VaJames Muranganwa
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe