Kwayedza

‘NDAPFIDZA KURUMWA NEMAZIZI’

- Kingstone Mapupu

MUKOMANA anogara mumusha weDzivares­ekwa Extension, muHarare, anoti aoneswa chitsvuku nekurumwa nemazizi ayo anomuitira madororo siku nesikati uye anogara achiteverw­a nemazinyok­a.

Russel Muringayi (21) akapotera kumahofisi eKwayedza neMuvhuro svondo rino achitsvaga rubatsiro pamusoro pedambudzi­ko raanoti rave nemakore gumi ratanga.

“Ndatambura, ndinoona mazizi chero nguva, pangava pamba, mumugwagwa ndichifamb­a kana muno mudhorobha. Mazizi aya makuru nemadiki ayo anenge aine dzimwe shiri nhema nemiremwar­emwa.

“Mazizi aya anondimhar­a mumusoro achindirum­a nekundimar­a nenzara zvekutokuv­ara. Ndinotogum­a ndave kubuda mututu neropa muviri wose,” anodaro Russel.

Anoti kana dai ari mumba, anongoerek­ana oona mazizi ayo anozobuda nepamusiwo kana nemumahwin­do asiya amuruma nekumuposh­ongedza madororo.

Mukomana uyu naamai vake naambuya vanogara imba yekuroja. Baba naamai vake vakasiyana.

“Nyoka dzakasiyan­a — hombe dzoga — dzinondite­vera, dzimwe nguva kusvika neni mumba chaimo. Pamwe pacho dzinouraiw­a nevamwe ini ndatiza.

“Ndinogona kungoti ndichifamb­a ndotanga kuona mazizi pamberi pangu, ndongofamb­a chinhambwe chidiki ndobva ndasangana nemazinyok­a,” anodaro.

Anoti nyoka idzi hadzisati dzamuruma asi dzinongomu­tyisa.

Anoenderer­a mberi achiti: “Nyaya iyi inozivikan­wa naamai vangu, Patricia Muringayi, zvose naambuya amai vavo, Violet Mupandenya­ma (60). Kumusha kwangu kuChiweshe uko kuna baba vangu (Felix Muchengeto) avo vanondiram­ba,” anodaro.

Anoti nekuda kwekurumwa nemazizi aya, akatombosv­ika pakuendesw­a kuchipatar­a apo akakuvadzw­a ndokusara obude mututu kwenguva yakareba.

“Mazizi nenyoka zvinouya mazuva ose, angava masikati kana husiku. Chinowanzo­tanga mazizi kozotevera nyoka.

Russel anoti dambudziko iri rakatanga ari mudiki ari kuchikoro apo aiona mhute pamberi pemudzidzi­si, black board richivhari­ka zvose nemabhuku uye achishaya zvinyoreso. “Ndakatanga ndichiona shiri tsvuku yaingondit­ungamirira munzendo dzangu, ndikangoda ◆

kumira iyowo yomira. Ndakura kudai, ndakapinda basa kupurazi reChirubi riri kwaGweshe, kuChiweshe, ndikaburit­swa nekuda kwenyaya yekurwiswa nemazizi iyi.”

Russel anoti dambudziko rekurumwa nemazizi rakazowedz­era apedza Fomu 4.

“Kwandinofa­mba ndinobata hama dzepedyo dzichinzi vanondishe­reketera. Uku baba vangu vanondiram­ba, ndakarerwa naambuya asi chinondine­tsa havadiwo kufamba neni. Ndatendere­ra chipo chenyika yose asi hapana chiri kugadzirik­a,” anodaro Russel.

Ambuya vemukomana uyu — Mbuya Mupandenya­ma — vakamboedz­a kuvanza dambudziko remuzukuru wavo kuvatori venhau zvikazokon­zera kuti vapotse varwisana mumahofisi eKwayedza.

“Russel zvekuti anoteverwa nemazizi nenyoka haasati ambonditau­rira, anozvivanz­a. Ane dambudziko rekurwara zvekuti takatombom­uendesa kunogara nemaporofi­ta.

“Kwatinofam­ba tinonzi anosundirw­a mhepo nevehukama,” vanodaro.

Zvisinei, Mbuya Mupandenya­ma vakazobvum­a kuti muzukuru wavo anorumwa nemazizi mushure mekunge Russel adya marasha achiti vanoziva dambudziko rake.

“Ambuya munoda kuvanza dambudziko rangu sei? Asi mune zvamunoziv­a? Hamudi kuti ndibatsirw­e saka regai ndifambe ndoga,” anodaro Russel achipupa furo nehasha.

Mbuya Mupandenya­ma vanoramba mashoko emuzukuru wavo ekuti vanogona kunge vaine zvavanoziv­a padambudzi­ko rake.

“Pamwe mwana uyu anosundirw­a mhepo nehama dzake, kwete neni,” vanodaro.

Russel anoti dambudziko iri

harisi rekurota asi zvinoitika akasvinura. “Handina mari yekubhadha­ra kune vanoda kundibatsi­ra saka chikumbiro kunyika, vanokwanis­a ndibatsire­iwo.” Vanoda kubatsira vanoridza

nhare dzinoti 0777 601 573 kana 0783 398 174.

Kwayedza haina kukwanisa kutaura nababa pamwe naamai vaRussel kuti vapewo maonero avo panyaya iyi.

 ??  ?? Russel Muringayi
Russel Muringayi
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe