Kwayedza

Kuramwa basa bodo, tauriranai

-

KAZHINJI, vamwe vashandi kana vasingafad­zwe nemuhoro wavanenge vachipihwa kana mashandiro avanoita vanowanzof­unga zvekuramwa basa.

Nguva pfupi yadarika, madhokoter­a pamwe navanamuko­ti vakaramwa mabasa vachida kuwedzerwa mari dzavanohor­a.

Kuramwa kwavakaita mabasa uku kwakakonze­ra matambudzi­ko makukutu munyaya dzeutano uye kune vamwe vanhu vakafa panguva iyi nekuda kwekuti vakashaya rubatsiro.

Madhokoter­a akazodzoke­ra kubasa mushure mekunge Hurumende yagadziris­a zvichemo zvavo asi vamwe vanamukoti vakaramba vachiender­era mberi nekuramwa mabasa.

Izvi zvakatuma Hurumende kuti idzinge basa vanamukoti vanosvika 5 000 uye ndokutanga kupinza vamwe mabasa nekutora vanga vava pamudyandi­gere. Hurumende yakatora danho iri nekuti yakange yave kushaya shumo yazvo pakuti zvichemo zvavanamuk­oti zvaive zvagadziri­swa asi vamwe vavo ndokuender­era mberi nekuramwa mabasa.

Zviri pachena kuti kuramwa basa hakubatsir­e asi kuti kunotowedz­era matambudzi­ko gumi pazama kana kana tikatarisa nyaya yekuramwa basa kwakaitwa nanamukoti nemachirem­ba.

Vanhu vane chitsama vakafa uye pakupedzis­ira vamwe vakoti ndokurasik­irwanemaba­sa.Hongu,matambudzi­koanogonak­ungearipoa­sikuramwa basa handiko kunogadzir­isa zvinhu.

Chakakosha kugara pasi, vanhu votauriran­a. Kutauriran­a kune simba. Nekune rimwe divi, maticha ange aronga kuramwa mabasa pakavhurwa zvikoro neChipiri svondo rino vachitsuts­umwa pamusoro pemari dzavo dzemuhoro. Hurumende yakanzwisi­sa chichemo chavo ndokuwedze­ra mari yavanotamb­ira zvinova zvinhu zvinokudzw­a zvikuru.

Varairidzi vanofanirw­a kurumbidzw­a nedanho ravakatora rekusaramw­a mabasa. Panguva ino zvizvarwa zveZimbabw­e zvinofanir­a kubatana, zvotarira mberi mukusimudz­ira upfumi hwenyika.

Zvakakosha­wokupaHuru­mendeitsva­nguvayekug­adzirisama­tambudziko makukutu akatarisan­a nenyika munyaya dzeupfumi.

Hurumende iyi haisati yakwanisa kana gore yavepo asi zvinhu zvinoratid­za kuti zvave kushanduka munyika pane zvazvakang­e zviri kare.

Sekutaura kwemutunga­miriri wenyika, President Mnangagwa, Hurumende iri mushishi yekugadzir­isa zvimhingam­ipinyi zvakataris­ana nenyika munyaya dzeupfumi.

President Mnangagwa vanoti veruzhinji vanofanira kuve nemwoyo murefu sezvo matambudzi­ko akatarisan­a neZimbabwe mune zveupfumi asingapere nezuva rimwe. Veruzhinji, zvikuru vashandi, vanofanira kungwarira­wo dzimwe nhunzvatun­zva dzinoda kukonzeres­a nyonga-nyonga munyika kuburikidz­a nemano-mano akasiyana anosangani­sira kufurira vashandi kuti varamwemab­asa.Vakuruvano­tihapanamv­uraisinach­uranekudar­omamwe mazano anoda kungwarirw­a nekuti munhu ukangoita zindoenda unodemba muneremang­wana.Zimbabwein­yikainoziv­ikanwapasi­rosemunyay­ayekuve nevanhu vakadzidza vanogona kuverenga nekunyora kudarika vamwe vose vari muAfrica nekudaro ruzivo urwu rwunofanir­a kushandisw­a mukusimudz­ira nyika kwete kuidzosera kumashure kuburikidz­a nekuramwa mabasa.

Chinodiwa bedzi kutauriran­a!

 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe