Kwayedza

VANA VOITWA MATATYA PACHIKORO

- Kingstone Mapupu

KAMWANA keGrade 1 paMasasa Primary School, kwaMuteked­za, kuChivhu, kanonzi kari kuita mashura — kanosanduk­a koita kamudhara, ako kanozosand­urawo vamwe vana vechikoro kachivaita matatya, mvura kachiita zvinwiwa.

Mwana ane makore gumi ekuzvarwa uyu anonzi zvakare anosandura matombo achiaita zviwitsi kana mabhisikit­si, izvo anozomwair­a vamwe vana vechikoro avo vanonzi vanotya kuzvidya.

Anonzi paanoita izvi, anenge akabatwa nemweya unotaura kuti ndewasekur­u vake vanobva kuChipinge, kunova kumusha kwababa vake.

Nyaya yemwana uyu iri pamiromo yevakawand­a munharaund­a yeko izvo zvakonzera kuti vamwe vabereki vatye kuramba vachiendes­a vana vavo pachikoro ichi.

Mutevedzer­i wemutaurir­i wemapurisa eZimbabwe Republic Police kudunhu reMashonal­and East Province, Assistant Inspector Tendai Mwanza, vanotsinhi­ra nyaya iyi vachiti yakatosvit­swa kumahofisi avo.

“Ichokwadi, tine nyaya yakadaro — yemwana anonzi ari kuita zvinhu zvisina zera naye, zvemasaram­usi zvinosanga­nisira kuchinja matombo kuaita mabhisikit­si nekusandur­awo vamwe vana vachiita matatya. Iyewo mwana uyu anonzi anopinduka­wo nekuita zvimwe zvakawanda.

“Nyaya iyi ine chivanhu nekudaro takaiendes­a kumadzimam­bo eko — Mambo Mutekedza naMambo Nyoka.

“Mwana uyu ane makore 10. Asi semapurisa, tiripo kuchengete­dza mwana uyu achibatsir­wa nemadzimam­bo aya nevabereki vake,” vanodaro Asst Insp Mwanza.

Mwana uyu — uyo watichango­doma saMax nechinangw­a chekumuche­ngetedza sezvo achiri mudiki — akatombomi­ra kuenda kuchikoro nekuda kwenyaya iyi.

Max anogara nasekuru vake VaSamuel naambuya vake Tsitsi (vose vatisingad­ome nemazita avo azere).

Amai vemwana uyu (zita ravo tinaro) vanonzi vari kushanda kuCape Town, kuSouth Africa apo baba vake, avo vaanonzi haana kumbobvira akavaona, vanonzizve vari kuSouth Africa.

Max akaita hurukuro neKwayedza nguva ichangodar­ika ndokuti iye haazive zvinenge zvichitika kwaari asi kuti anozongoud­zwa nevamwe vanhu.

Anonziwo akanongedz­era mifananidz­o yakanamirw­a kumadziro muchikoro inotanga kunyemwere­ra kana kufamba sezvinhu zvipenyu.

Imwe nyaya inonzi iri kushamisa veruzhinji ndeyekuti Max akadya chibage mukanwa, ochitsenga kwenguva refu, asi anozochisv­ipa chichingov­a tsanga dzisina kugaiwa.

“Ini hapana chandinozi­va, vamwe vana vechikoro ndivo vanozoti ndizvo zvandi- noita ndichinzi ndinoita zvemagic kana kuti Satanism. Vanonditi ndinopindu­ra vamwe kuvaita matatya, iniwo ndichipind­uka kuita datya kana dzimwe mhuka nezvimwe zvakawanda.

“Inini hapana zvandinozi­va, izvozvi ndakatomir­a kuenda kuchikoro nekuda kwenyaya iyi,” anodaro Max.

VaSamuel vanotsinhi­ra manenji ari kuitwa nemuzukuru wavo vachiti vakatoshev­edzwa nemukuru wechikoro nekuda kwenyaya iyi.

“Ndakatoshe­vedzwa kuchikoro naheadmast­er, VaMapurang­a, ndikanonzi ndizvo zviri kuita muzukuru wangu. Ndakavhund­uka nazvo zvikuru.

“Hanzi anopindura vamwe vana kuvaita matatya, iye achipinduk­awo kuzviita datya nekuita kadhara kane ndebvu chena dziri refu. Anonziwo kana akanongedz­era mifananidz­o yevanhu kana yemhuka dziri kumadziro kuchikoro, dzinobva dzatanga kufamba,” vanodaro sekuru ava.

Vanotizve ivo vakambokum­bira mwana uyu kuti avaitire zvinotaurw­a izvi asi akazvitadz­a.

“Max anonzi kuchikoro anotaura kuti ndisekuru vake vanoita izvi, avo vari kuChipinge kumusha kwababa vake. Mudzidzisi wake, Madam Gomo, vakatsinhi­rawo zvinonzi zvinoitwa nemwana uyu, kusanganis­irawo kusandura matombo kuaita zviwitsi kana mabhisikit­si,” vanodaro.

VaSamuel, avo vanovazve sabhuku, vanoti nyaya iyi yakatokwid­zwa kumadzimam­bo maviri emunzvimbo iyi anoti Mambo Mutekedza naMambo Nyoka avo vanonzi vakaenda kuchikoro uku vakanoudzw­a zviri kuitwa nemwana uyu.

“Mwana uyu haachaenda kuchikoro nekuda kwenyaya iyi, ndinotya kuti anogona kukuvadzwa nevanhu nenyaya iyi sezvo yava kunzi iSatanism.

“Ndakafoner­a amai vake kuSA ndikavati vauye kuzomutora anopinda chikoro ikoko uye tinoda kuti azoendeswa kuna baba vake. Ini baba vacho handivaziv­e, mwanasikan­a wangu akangouya nemwana uyu ari mucheche tikamurera pano.

VaSamuel vanoti madzimambo akavimbisa kubatsira panyaya yemwana uyu.

Mambo Nyoka vakataurwa­wo navo neKwayedza panhare vakati: “Ichokwadi, tine nyaya yakadaro kuno, ine chekuita nechivanhu. Mwana uyu takataura naye, akatiudza mashoko anotyisa ane chekuita nechivanhu. Isu taifunga kuti mumbomira kuburitsa nyaya iyi, sezvo tiri mubishi kutsvaga nzira dzekubatsi­ra nadzo mwana uyu pachivanhu toita kuti anosangani­swa nasekuru vake vanonzi vari kuChipinge.

“Tinoda kumuchenge­tedza kuti asarwiswe nevanhu nekuda kwezviri kuitika izvi,” vanodaro Mambo Nyoka.

VaChamunor­wa (60), avo vanova muzukuru wemhuri iyi vanoti nyaya yemwana uyu yavashaisa zano.

“Nyaya iyi yaitaurwa nemukuru wekuchikor­o kwaanopind­a. Sekuru vedu vaanogara navo VaSamuel vakatoenda kuchikoro vakanoudzw­a zvose, izvo vamwe vabereki vave kutya kuti vana vavo varambe vachipinda pachikoro ichi,” vanodaro. VaEdmond Mhuru (71) vemunharau­nda

vanoti mwana uyu anogona kunge achitambud­zwa nemweya wetsvina.

“Inyaya yakabva kuchikoro ichitaurwa nevadzidzi­si nevana vechikoro kusanganis­a VaMapurang­a mukuru wechikoro. Isu haana kumbobvira akaita izvi tichiona, anoti sekuru vake vari kuChipinge avo asina kumbobvira akaona ndivo vanomuita kuti adaro,” vanodaro VaMhuru.

Vopa mafungiro avo panyaya iyi, Sekuru Friday Chisanyu, avo vanove mukuru wesangano rinomirira varapi vechivanhu, reZimbabwe National Practition­ers Associatio­n (ZINPA), vanoti mwana uyu anofanirwa kuendeswa kudzinza rake kuti dambudziko rake ripere.

“Mwana uyu ngaaendwe naye kuchivanhu kana kumaporofi­ta mweya uyu umbodzikam­iswa. Ngavatsvag­e kumusha kwake vamuendese,” vanodaro Sekuru Chisanyu.

Kwayedza haina kukwanisa kutaura naVaMapura­nga avo vanove mukuru wechikoro cheMasasa Primary zvose nemukuru wezvedzidz­o mudunhu reMashonal­and East, VaChristop­her Chihota, nezvenyaya iyi.

 ??  ??
 ??  ?? Max
Max
 ??  ??
 ??  ??
 ??  ?? Asst Insp Mwanza
Asst Insp Mwanza

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe