Kwayedza

Otuka mukadzi nevana zvinyadzi

- Janet Chari

MUKADZI wekuti iye nevana vake vari kuoneswa ndondo nemurume wake uyo ane marambador­o akazopoter­a kudare redzimhosv­a achida kudzivirir­wa.

Bernadate Nyahwema akamhan’arira Samson Kagande kuHarare Civil Court achimupome­ra mhosva yekuti ari kumushungu­rudza zvisina akamboona.

“Anondifone­ra achipopota asi pasina zvandamuta­dzira,” anodaro Nyahwema.

Anoenderer­a mberi achiti murume wake neshamwari dzake vanosvika kumba akadhakwa achimutuka zvinyadzi pamberi pevana.

“Anondinyad­zisira zvekusvika pakuti ndinochema neshungu nekuda kwezvinyad­zi zvaanondit­uka nazvo pamberi pevana neshamwari,” anodaro Nyahwema.

Nyahwema anoti murume wake akasvika pamba iye asipo, anotuka vana zvekuti vanototsva­ga kumwe kwekunogar­a.

“Rimwe zuva akatozorov­a munin’ina wangu asvika akatuka vana kusvikira munin’ina wangu adaira iye ndokunzwa hasha,” anodaro Nyahwema.

Kagande anoramba mhosva yaari kupomerwa naNyahwema achiti haanwi doro kana kuenda kunze kunotandar­a nevamwe.

“Chiripo ndechekuti nemukadzi uyu takaramban­a kare asi tichiri kugara pamba pamwe saka iye chaava kuda ndechekuti ini ndibve,” anodaro Kagande.

Anoti iye naNyahwema vakapedzis­ira kutaura vese kare kunyangwe zvazvo vachigara pamba pamwe chete, umwe neumwe aine imba yake yaanovata, kubikira nekutandar­ira.

“Ini handikwani­si kubva pamba apa nekuti takatenga imba iyi tose saka tichagara tose ipapo. Zvimwe zvose zvaari kutaura izvo ndezvekuny­epa,” anodaro.

Mutongi Larzin Ncube akapa Nyahwema gwaro redzivirir­o.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe