Kwayedza

Vamwene nemuroora tiba!

‘Vanotauris­a amai ava’ ‘Muroora anondinang­a’

- Gamuchirai Muzanenham­u

VAMWENE vekudhonze­ra muroora kudare vachiti ari kuvashungu­rudza vakazoshay­a pekupinda nekunyara apo akatanga kufumura mabasa akaipa avanoita anosangani­sira kumurova nembama.

Esnath Mbangwe akaendesa muroora wake, Letty Matope, kuHarare Civil Court achida gwaro rerunyarar­o.

“Anoti ndini ndakauraya mwana wangu nekumudzip­a uye ndiri kumudzinga pamba asi zvese izvi manyepo, ava kutondiita muroyi mudunhu,” anodaro Mbangwe.

Anoenderer­a mberi achiti Matope anouya kumba kwake achida kumurwisa zvekuti ava kutyira upenyu hwake.

“Anouya achida kundirwisa achitaura mashoko anonyadzis­a kuti ndiataure pamberi pevanhu. Zvino ini nekuchembe­ra, ndava kutya kuti pamwe anouya ndiri ndega akandirwis­a,” anodaro Mbangwe.

Matope anoti Mbangwe anotaurisa zvekuti murume wake paaiva mupenyu, vakatozobv­a pamba pake nekuda kwehunhu hwake.

“Amai vanotauris­a ivava, murume wangu achiri mupenyu takabva pamba pavo nekuda kwekutauri­sa kwavo. Izvezvi kumba kwavo handisvike nekuti ndikavapin­dura inenge yatova nyaya asi ndivo vanenge vatanga,” anodaro Matope.

Anoti pakarwara murume wake, Mbangwe akamutora ndokuenda naye kunomupepa kumba kwake iye akamutever­a asi akamurova mbama achimudzin­ga pamba.

“Pakarwara murume wangu, vakauya vakamutora vachiti handisi kugona kumuchenge­ta zvakanaka ndikatever­a kumba kwavo vakandirov­a mbama vachindidz­inga zvekuti murume wangu akasvika pakufa vasina kunditauri­ra,” anodaro.

Mutongi Larzin Ncube akarasa chikumbiro chaMbangwe achiti haana kupa humboo hunoratidz­a kuti ari kushunguru­dzwa naMatope.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe