Kwayedza

Oda kupisira mhuri mumba

- Gamuchirai Muzanenham­u

MUMWE mukadzi anoti murume wake anogara achida kumupisira mumba pamwechete nevana vavo uye ane mweya wekuda kuzviuraya­wo.

Loice Pomerai akaendesa Makomborer­o Pomerai kudare reHarare Civil Court achiti anoda kuchengete­dzwa kubva mukurohwa, kuda kupondwa nekutukwa zvinyadzi.

“Murume wangu anenge ane shavi rekuda kuuraya chete nekuti anotivhuri­ra gasi rozara mumba mese, obatidza moto kuti titsvire imomo. Vavakidzan­i ndivo vanotozopi­nda basa rekutiburi­tsa mumba nekudzimur­a moto,” anodaro.

Anoenderer­a mberi achiti, “Nerimwe zuva akadira peturo mumba achida kuti tsviremo tikatozopo­na nekutizira panze.”

Loice anoti Makomborer­o ane mweya wekuda kuzviuraya­wo.

“Iye anodawo kuzviuraya nekuti ndakambomu­ona akazvisung­irira ndikatoita basa rekumusunu­ngura tambo yaainge azvisungir­ira nayo,” anodaro Loice.

Anoti pamusoro peizvi, Makomborer­o anomutuka zvinyadzi pane vana nekumurova.

“Mamwe mazuva anondituka pamberi pevana pamusoro pezvinhu zvisinei nevana vacho, zvinotondi­shaisa chimiro ndizvo zvaanotaur­a. Akaona kuti hasha dzake hadzisati dzapera, anondirova nesimbi,” anodaro Loice.

Makomborer­o anoti zvose zvataurwa manyepo asi nyaya iripo ndeyekuti iye haachashan­da, saka Loice ave kumutsvagi­ra tunyaya tusina basa.

“Zvose zvaataura manyepo, hapana tsamba yekumapuri­sa kana yekwachire­mba yaauya nayo inoratidza kuti ndakamurov­a. Pamba paari kuti ndinoda kupisa handingada­ro nekuti pamba patiri kuroja,” anodaro.

Anoenderer­a mberi achiti: “Chingoripo ndechekuti ava kutsvaga tunyaya twekundipo­mera nekuti handichash­anda.”

Mutongi Larzin Ncube akapa Loice gwaro redzivirir­o.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe