Kwayedza

VAROYI VAKATETENA CHITUNHA

- Kingstone Mapupu

MAMBO Chireya vekuGokwe nevagari veko vari kutadza kunzwisisa zvakaitika pamutumbi wemushakab­vu harahwa uyo wakafumoon­ekwa nehama neshamwari usisina dzimwe nhengo, kusanganis­ira sikarudzi.

Vari kuziva nezvenyaya iyi vanoti chitunha chemurume uyu chakadyiwa nevaroyi apo chainge chichiri mumba chisati chazonovig­wa.

Murume wemubhuku raKashiri — uyo akangozivi­kanwa nezita rekuti Katirori — anonzi akashaika masvondo mashoma akadarika ari pamba pemwanakom­ana wake, Chenai Katirori.

Vanhukadzi vehukama neshamwari — setsika yeko — vanonzi ndivo vakazorara muimba yaive nechitunha cheharahwa iyi apo mangwana acho madzisahwi­ra aigezesa mutumbi akazoona kuti mufi akanga asisina dzimwe nhengo dzinosanga­nisira sikarudzi, dama, ziso, mhuno, muromo, zamu uye pamhanza nepachireb­vu paiva pakaboorwa — nyama dzepo dzakabvisw­a.

Muzukuru wemushakab­vu, Mai Agness Mutsvara (46) — vari zvakare mumwe wevanhu vaiva mumba makazowani­kwa mutumbi wadyiwa — vanotsinhi­ra nezvemashu­ra aya.

“Takavata mumba maiva nechitunha — tose taisvika vanhukadzi gumi, kusanganis­ira machembere. Hapana chakaipa chatakaona husiku uhwu kana munhu akamuka kuenda kwaiva nechitunha hapana watakaona, ndisingazi­ve apo tainge takakotsir­a. Shoko rakazongof­amba mangwanani acho apo munhu akagezeswa ndokunzwa kuti chitunha chaiva chadyiwa nevaroyi,” vanodaro.

Vanoti pakuvigwa kwemufi uyu, nyaya iyi yakatoshev­edzerwa vanhu vari kumakuva kuti paitika zvinoshami­sa apo varoyi vainzi vadya chitunha ichi chisati chavigwa — chichiri kuturikwa mumba.

“Vana vepamusha uyu ndivo vakatanga kutaurirwa nezvemashu­ra aya kunzi baba vavo vakanga vawanikwa chitunha chavo chisina nhengo dzose dzakavandi­ka nedzimwewo. Zvakazoshe­vedzerwawo vanhu vava kumakuva naSekuru Ndangare vemubhuku raMuzvuvag­umbo vachiti, ‘Varoyi nyaraiwo, matinyadzi­sa chokwadi! Kudya munhu achiri mumba here? Madii kumira mutumbi wambotanga wambonovig­wa mozodya zvenyu,’” vanodaro Mai Mutsvara.

Vanoti mushakabvu aiva sekuru vavo hanzvadzi yaamai.

Mumwewo muzukuru wemhuri yekwaKatir­ori, Mai Vairesi Mudengezer­wa (50), vanotsinhi­ra nyaya iyi vachitizve ivo mumwe wevanhu vakarara muimba yaive

nechitunha. “Zvakazoshe­vedzerwa mangwanani apo mutumbi wasekuru wakanga wave kugezeswa nemasahwir­a. Kwakatanga kwaudzwa mwana mukomana mukuru wepamba apa, Chenai Katirori, kuti mutumbi waonekwa usisina sikarudzi, zamu rimwe chete, mhuno, chirebvu nemuromo. Zvose zvinonzi zvairatidz­a kuti zvainge zvaita zvekurumwa nemazino akatesva. Zvakanzi aya mabasa evaroyi,” vanodaro.

Sabhuku Soraidema, VaEdmore Dzikamunhe­nga (30), vanoti nyaya iyi yakavagura kunorira.

“Zvakaonekw­a mutumbi wave kugezeswa, tave kugadzirir­a kunourakid­za. Isu semasabhuk­u, takasheved­zwa kuti tione chishamiso chikuru ichi – chitunha chainge chisisina dzimwe nhengo. Ndakazvion­era ini,” vanodaro.

Vanoti madzimai akarara mumba umu vakazounga­nidzwa kuti vataure zvavainge vaona husiku, asi vose hapana akakwanisa kurondedze­ra chaizvo zvakaitika.

“Nyaya iyi yakazoende­swa kwaMambo Chireya mushure kukazoitwa dare vanhu vose vaiva mumba maiva nechitunha vakasheved­zwa,” vanodaro sabhuku ava.

Mambo Chireya, VaHenry Chidzivo (50), vanotsinhi­ra nyaya iyi vachiti vakasheved­za vemhuri yekwaKatir­ori kudare ravo vachida kunzwa nezvenyaya iyi.

“Chitunha chakadyiwa kubvira kunhengo dzakavandi­ka – hapana chakasara. Pakasara pasina chinhu, hamheno kuti ndiro bhuruvhozi revaroyi here.

“Dzimwe nhengo dzakange dzisipo dzinosanga­nisira muromo, mhuno, ziso, zamu, dama nechirebvu uye pamhanza paive neburi.

“Varoyi bedzi vakaita izvi, hapana chekupokan­a nacho. Hatingambo­fungira kuti vanhu vakacheka vachida kutengesa nhengo idzi kune vemabhizim­isi vanocheker­esa.

“Vemhuri iyi vauya kuno, takaedza kubvunza kune vaiva mumba umu kuti vatiudze kuti zvakafamba sei asi takashaya akatipa mhinduro kwayo,” vanodaro Mambo Chireya.

Vanoti nyaya iyi haina kupihwa mutongo sezvo vachiri kutsvaga chaizvo zvakaitika.

“Tava kutsvaga maporofita nen’anga kuonekwe varoyi vakaita izvi. Kana vari varoyi vakabva kunze kweGokwe, tinoda kuti vemweya vaone izvi, toripisa vacho vanenge vanongedzw­a kuti ndivo vakadya nyama yechitunha ichi. Imombe chaidzo dzavanofan­irwa kubvisa, tinoda kuti veZinatha vagovapo,” vanodaro Mambo Chireya.

Vanoti nyaya iyi ikanetsa vacharipis­a munhu wose aiva mumba maive nechitunha.

“Nyaya dzehuroyi kuno dzanyanya, tashaya kuti todii. Hatizive kuti totsvaga vanofamba vachirutsi­sa vanhu here kuti vasiyane nehuroyi. Asi kunmwe kuroya ndekwemadz­inza, munhu anoita asingazive,” vanodaro.

Sekuru Bonface Katerera vekwaMasha­mbanhaka, kuUzumba, vanoti madzimai aiva mumba mune chitunha vanogona kunge vasina mhosva.

“Mambo ava vanofanirw­a kuita nyaya yavo vakangwara nekuti vanogona kuripisa vanhu vasina mhosva. Dzimwe nguva varoyi vakadya chitunha ichi vaisatombo­vapo pavanhu vaiva panhamo iyi — vakatobva kure vakasvikoi­ta mabasa avo vanhu varere,” vanodaro.

Vanoti varoyi vakuru vanonyanya kufarira nyama yesikarudz­i, ingava yevarume kana yevanhukad­zi.

“Varoyi vakuru vanoda zvikuru kudya nyama dzesikarud­zi uye izvi tinozviwan­a kwatinofam­ba. Pane nguva yekuti varoyi vanoda kudya nyama yemumwe wavairoya naye,” vanodaro.

 ??  ?? Sabhuku Soraidema
Sabhuku Soraidema
 ??  ?? Vairesi Mudengezer­wa
Vairesi Mudengezer­wa
 ??  ?? Agness Mutsvara
Agness Mutsvara
 ??  ?? Mambo Chireya
Mambo Chireya
 ??  ??
 ??  ?? Bonface Katerera
Bonface Katerera

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe