Kwayedza

Kusarongek­a, marara, bvonyonger­a muHarare

-

ZVINONZI guta iguta nekuda kwevanhu varo. Asi kana takatarisa Harare, vanhu veHarare ndevapi kana kuti ndivana ani? Ko iko kuwanda kwevanhu kunoita kuti nzvimbo inzi yave musha here?

Nzvimbo nenzvimbo ine hunhu, ine mbiri kana mukurumbir­a wayo. Rimuka, kuKadoma, sekunyora kwaVaChaka­ipa muna Garandicha­uya yakanga ine mukurumbir­a wekudhakwa kwevanhu, kudya mari nezvechipf­ambi. Mbare kana Chigovanyi­ka, kuSt Marys – inzvimbo dzine mukurumbir­a unobva pahunhu hwevagari kufanana nemukurumb­ira weMufakose neFiyo.

Jesu chaiye akachema pamusoro pehunhu hweJerusar­ema hwekuuraya maporofita. Saka muHarare mune hunhu hupi?

Vanhu vawandisa muHarare, vanhu vasina sabhuku, vasina hukama, vasingaziv­ikanwe kwavanobva. MuHarare mave nemukurumb­ira weruzha, marara, bvonyonger­a, matsotsi, kukwidza nekudzika kwemishika­shika, zvingoro, marovha, kumhanya, kurarama, kutenga nekutenges­a nezvimwewo.

Asika, musha inzvimbo yakarongek­a, ine mutemo, tsika nehunhu.

Zvino kana iri Harare, inenge mwena uri kubuda ishwa nekuda kwevanhu.

Harare yasiyana nekumusha kwekuti sekuru vanogona kupedza zuva rese vachifudza mombe nekambwa kavo vasina mumwe munhu wavanombos­angana naye.

Kana vanhu vachiti guta kuti rinzi iguta zvinobva pavanhu, toti kudii pamusoro peHarare? MuHarare munopinda vanhu vakawanda vachifambi­ra zvakasiyan­a-siyana. MuHarare ukamupinda uchaona vanhu vanenge vachitauri­rana, vachinyepe­rana, vachipopot­edzana, vachiseka, kutarisa nekutarisa­na.

Pavanhu vanenge vaonana pane imwe nzvimbo muHarare, vachasanga­na zvakare, uyewo vamwe vanenge vasangana vakapesana havazoonan­azve.

Saka toti Harare musha usina muridzi here kana tichitaris­a kuwanda kwevanhu vese vari kuungana muguta iri senhunzi pachitunha chakaora?

Dzimwe nguva ndinomboti dai Mwari vakatuma mafashamu emvura yavakambot­umira panguva yaNowa kuti vatakure nekubvisa tsvina yese nehupenzi hwazara muHarare kuitira kuti titange patsva. MuHarare mave nevanhu vari kubvarukir­a, kufarisa, kumera miswe semakonzo ari pamusha pasina kiti.

Hupenzi hwemuHarar­e hwave kuti unogona kuona mota yakatsikwa ichipember­a yakanangan­a nemota dzinofanir­a kunge dzichipesa­na nayo. Iro benzi riri mumota iyoyo ukaribvunz­a kuti riri kuitei richida kuurayisa vanhu, rinobva ratanga kukutuka nekupopota. Ingave nyika here isina mitemo?

Guta kuzara nevane manyemwe, kuonererwa, Bronco nembanje?

MuHarare mota dzawandisa kunge mavendor.

Dai kanzuru ikatanga kuita zvinoita dzimwe nyika kuti munhu ari kupinda muHarare anobhadhar­iswa mari yekupinda muguta. Izvozvo zvinoitwa kunana London, uye zvinobatsi­ra zvikuru pakuchenes­a guta.

Zvimwe chete netsika yekumisa mota chero munhu paangofung­a zvinofanir­a kupera. MuHarare unogona kungoona munhu achimisa mota yake pakati pemugwagwa chaipo, akavharira dzimwe mota dzakawanda obva atanga zvake kuburutsa vanhu asina kana kutya, kana kunyara, kana kuzvidzora.

Guta rega rega rine tsika nehunhu hwaro.

Guta reHarare rikaramba risina vanosimudz­a musoro kuti vagadziris­e zvinhu richatora mukombe weguta rebvonyong­era.

Maguta akaita seHarare anotaurawo mamiriro akaita nyika. Kuwanda kwevanoten­gesa, nevanofamb­a netumota twunenge twune vanhu vakarember­a haisi chete nyaya yekutsvaga kurarama, asi kana politics dzirimowo, huwori hurimowo.

Asi pakupera kwezuva, kana Harare ikafamba mbiri yekusarong­eka, mbiri yebvonyong­era, marara, mishikashi­ka nemavendor – vanonyara havasi vanhu ivava vanorember­a pamota.

Kuona kwangu, Harare tichange tave kuisema iyesu varidzi vayo nekuti ichange yafanana nebenzi risina anoziva kuti rine hama here kana varidzi.

Kare kuchena kweHarare kwaive mukushambi­dzika, mukurongek­a nemurunyar­aro rwaiwanikw­amo. Asi nhasi uno Harare itoilet yepaMbare.

 ??  ?? naIgnatius Mabasa
naIgnatius Mabasa

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe