Kwayedza

‘Maticha ane chekuita nebudiriro yenyika’

- Wimbanashe Zhakata ari kwaMUTARE

VARAIRIDZI ndivo mwongo wekubudiri­ra kwezvirong­wa zveHurumen­de nekudaro vanofanira kutora chinzvimbo chikuru mukuona kuti nyika yaenderera mberi, vanodaro gurukota rebazi redzidzo yepamusoro, sainzi nekusimudz­irwa kwemichina Professor Amon Murwira.

Vanoti basa raticha nderekuti pave netariro pamwe nekuti vadzidzi vave nekugutsik­ana kuitira kuti nyika ive neremangwa­na rakajeka.

Vakataura mashoko aya pamhembere­ro dzekupedza zvidzidzo kwevadzidz­isi 600 vepaMutare Teachers’ College svondo rapera.

“Madzimai nevarume, tiri kufambisa Zimbabwe kuenda mberi. Tiri kuibvisa kubva muhurombo kuenda mubudiriro uye varairidzi vari pamwongo pechirongw­a ichi,” vanodaro. Tiri kuendesa Africa mberi uye tinokwanis­a chete kuiendesa mberi kana tiri vene vayo. Ndeyedu nekudaro tinofanira kuona zvekuita nayo. Haupe mumwe munhu basa rekufambis­a nyika yako kuenda mberi, unotora chimuti womhanya nacho kuenda mberi uye varairidzi vari pamwongo webudiriro iyi,” vanodaro.

Prof Murwira vanoti kuvandudzw­a kweupfumi hwenyika zvinoender­ana nevanhu vacho, nekudaro zvakakosha kuti vave vene vechirongw­a ichi kuitira kuti pave neremangwa­na rakajeka.

“Chiono chedu chikuru-kuru ndechekuti tivake remangwana redu rakanaka. Tinoda kuti tivake upenyu hunoshuvir­wa nevanhu.

“Mukuita kudaro, tinenge takazvinin­ipisa. Kuzvininip­isa kwakakosha nekuti kunoita kuti tisimbire pazvinhu zvinobatsi­ra. Zvinoitawo kuti tidzidze kana takazvinin­ipisa. Nekudaro chikamu chedzidzo chedu chinofanir­wa kupa tariro,” vanodaro Prof Murwira.

Vanokurudz­ira varairidzi kuti vave neidi pakuita basa ravo uyewo nekupa tariro kuvadzidzi.

Zvichakada­i, gurukota reHurumend­e rinomirira Manicaland, Senator Monica Mutsvangwa, vakakoroko­tedza vadzidzi vakapedza fundo yavo avo vakapihwa zvitupa zvebasa.

University of Zimbabwe Vice Chancellor, Professor Levi Nyagura, vaivepowo pachiitiko ichi.

Prof Nyagura vanokurudz­ira makoreji kuti anyanyodzi­dzisa zvidzidzo zvemabasa emawoko.

 ??  ??
 ??  ?? Sen Mutsvangwa
Sen Mutsvangwa
 ??  ?? Prof Murwira
Prof Murwira

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe