Kwayedza

Tiri kuvandudza dzidzo – ED

- Tandayi Motsi

PRESIDENT Mnangagwa vanoti dzidzo ndiwo musimboti webudiriro yenyika sezvo ichiumba remangwana revechidik­i rakajeka kuburikidz­a nekuvadzid­zisa hunhu hwakanaka nekuvapa fundo yemabasa emawoko ayo avanozokwa­nisa kuzviraram­isa nawo.

Vakataura mashoko aya muHarare svondo rapera apo vaiparura zviri pamutemo gwaro reZANU-PF rine hurongwa hwesarudzo idzo dzichaitwa munguva pfupi iri kutevera.

“Makore 37 adarika tawana kuzvitonga kuzere, aona zvikoro zvakawanda zvichivakw­a – kusanganis­ira zvikoro zvepamusor­o pamwe nevadzidzi vachiwanda­wo. Apo tiri kuenda mberi, kuwanikwa kwedzidzo yemhando yepamusoro-soro ndicho chichava chinangwa chikuru cheHurumen­de yeZANU-PF.

“Izvi zvinoita kuti pave nevanhu vakadzidzi­ra mabasa avo vanobatsir­a mukusimudz­ira upfumi hwenyika,” vanodaro President Mnangagwa.

Vanoendere­ra mberi vachiti, “Dzidzo ndiyo hwaro hwebudirir­o yenyika sezvo ichiita kuti vechidiki vakwanise kuve neremangwa­na rakajeka.”

President Mnangagwa vanoti Hurumende iri kutora matanho akasimba ekupedza matambudzi­ko ari muchikamu chedzidzo ayo anosangani­sira kushomeka kwezvivakw­a muzvikoro zvepuraima­ri nesekondar­i pamwe nekumayuni­vhesiti nemakoreji.

“Hurumende ichaona kuti zvivakwa izvi zvavepo kuburikidz­a nenzira dzinosanga­nisira kushanda nemamwe mapoka,” vanodaro.

Hurumende, vanodaro President Mnangagwa, iri kushushika­nawo nevamwe vadzidzi vari kusiira chikoro panzira nekuda kwedambudz­iko rekushaya mari yefizi.

“Nekuda kwedambudz­iko iri, ZANU-PF icharamba ichibatsir­a vana vanoshaya pasi pechirongw­a cheBasic Education Assistance Module (BEAM). Pamusoro pezvo, panodiwa chirongwa chekuti vadzidzisi vakwanise kuwaniswa mari dzechikwer­eti zviri nyore uye Hurumende ichaita kuti chirongwa ichi chivepo,” vanodaro.

Vanoti Hurumende yakazvipir­a kushanda nesimba kuitira kuti dzidzo ive nepunduko munyika.

“Kufambiswa kwechirong­wa chekuvandu­dza fundo, cheUpdated New Curriculum, kuchaender­era mberi zvakawedze­rwa. Pamusoro pezvo, zvikoro zvepamusor­o zvichange zvichikuru­dzirwa kuti zvidyidzan­e zvakasimba nevemainda­isitiri mukuita tsvakurudz­o pamwe nekuvandud­zwa kweruzivo tweICT kuitira kuti fundo ienderane nezvinodiw­a mubudiriro yenyika,” vanodaro President Mnangagwa.

 ??  ?? President Mnangagwa
President Mnangagwa

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe