Kwayedza

Zvaiitwa mapatya

- Munyaradzi Gunduza

NHOROONDO YEMUNYORI: Nhoroondo yemunyori inokosha zvikuru pakunzwisi­sa chinyorwa chake. Izvi zvinodaro nokuti munyori anogona kuratidza zivo yake maererano nenzvimbo yaakamboga­ra, zvakamboit­ika kwaari, zvaakanzwa munhoroond­o yedzinza rake, makuriro ake, zvinhu zvaakasang­ana nazvo murwendo rweupenyu, nezvimwewo. Zvese izvi zvinobatsi­ridza munyori paanonyora bhuku kuti abude nenyaya inonakidza, kusuwisa, kuchemedza, kusekesa kana kudzora ndangariro.

Nokudaro tichaedza kutarisisa nhoroondo yemunyori webhuku ratakanang­ana naro rinonzi Manyambiri.

Bhuku ratave kuongorora iko zvino rakanyorwa naMacylin Mubuya akaberekwa musi wa12 Kukadzi 1987 muKadoma. Akadzidza primary yake kuBrompton Primary School, muKadoma makare, ndokuzoped­zisa paChiveso Primary School, kuBindura.

Macylin akaita secondary yake kusvika A-Level paChipindu­ra High School, muBindura, ndokuzoend­a kwazvakare­hwa kuUniversi­ty of Zimbabwe uko akatora BA (Hons) Shona muna 2008. Pari zvino ari kudzidzisa Shona nechiRungu paLangham Girls’ High, kuMashonal­and Central.

Anofarira kunyora nyaya dzeShona nechiRungu uye rino ibhuku rake rekutanga kutsikisa. Macylin akaroorwa uye ane vana vaviri.

Pfupiso:

Rungano rwuno rwakaitika panguva yepasichig­are apo vanhu vakanga vachiri kurarama kusati kwave nezvakawan­da sezvaveko muzuva ranhasi. Rungano urwu rwunotsets­enura tsika nemagariro aiita vanhu pasichigar­e.

Munyori anotipinza munyika yaShe Njeremavhu umo matinoona murume ainzi Rufuse nemudzimai wake vanonzi vakanetsek­a zvikuru kwemakore mazhinji vasati vawana mbereko vave nechipo chevana vaviri vanove mapatya echisikana. Vana ava vakatumidz­wa mazita ekuti Paidamoyo naPaidokwa­iriramoyo.

Zvino panoita makakatanw­a makuru munyika iyi sezvo mutemo wemadzibab­a edu muchinyaka­re waisatende­ra kuti manyambiri achengetwe. Mumwe chete wemapatya aya aifanira kuuraiwa kunyanya uyo anogumisir­a kubuda pakuzvarwa kwavo.

Mambo Njeremavhu pavanoona runako rwevana ava rwakatyama­dza kunyangwe zvazvo vaive vacheche, vanovimbis­wa naRufuse aive baba vemapatya kuti aizovapa mumwe chete wevana vake kuti aite bango ravo.

Izvi hazvina kutora nguva refu kuti Mambo Njeremavhu vatende mazviri ndokubvuma zano raRufuse.

Mushure mekunge midzimu yemunyika yaShe Njeremavhu yabvunzirw­a maererano nechiitiko ichi, inoramba kuti matakanaka akadai aitwe ndokutende­ra nevanji wamambo kuti azove iye achashara mumwe wemapatya aya kana achinge amafarira mukukura kwake.

 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe