Kwayedza

Yava nguva yekugadzir­ira bvunzo

- Ticha Danga

KOTORO yekutanga yakauya yakapfuura tikava nezororo rakakurisa chose. Zvino tatanga kotoro yepiri apo tinofanirw­a kuyeuchidz­ana kuti kotoro ino ndiyo yega yasara kuti tigopinda mubvunzo dzedu.

Kotoro yetatu hatiiveren­ge nekuti haina mazuva ekudzidza akawanda. Nguva yatiri ino ndiyo yakatikosh­era zvikuru nekuti inguva yekugadzir­ira bvunzo redu.

Tikatambis­a mukana iwoyu tinozochem­a kana nguva yacho yakwana nekuti tinenge tisisina chaipo pekubata nekusaita gadziriro nguva iripo. Mukugadzir­ira kwedu bvunzo iri, ngatizivei kuti riri kutanga kunyorwa musi wa1 Gumiguru 2018 apo tinenge tavhura chikoro musi wa 11 Gunyana zvichireva kuti mavhiki maviri chete azere ekudzidza mukotoro yetatu.

Tine mapepa mashanu atinonyora mushure mekunge zvidzidzo zvakumbani- dzwa kubva mugumi nezviviri zvatinodzi­dza mugwaro rechinomwe.

Regai titange nekutarisa kupepa redu rechiShona rinova ndiro donzvo rechirongw­a chino. Tinofanirw­a kunge toziva zvese zvino nerendedze­ro dzatichasa­ngana nadzo kusanganis­isira tsamba dzacho. Kana tikagara taziva zvese zvinodiwa mumhando dzakasiyan­a

dzerondedz­ero tinenge tatobereka chikamu chepakati chegoho (half marks) tisati tamboisa runyoro papepa.

Zvino kana tatova kuziva zvinodiwa zvacho panguva ino tavakungos­akurira kuti goho riwedzere. Mukusakuri­ra umu tinenge tichikodza mutauro nekujairir­a kukanda zvirungamu­tauro zvakaita setsumo,madimikira,nyaudzosin­gwi,fananidzo kana fananidzos­iri. Izvi zvinhu zvinoda kuramba zvichitwa kuitira kuti kana musoro wenyaya wauya chero wakamira sei, munhu anenge oziva zvinoringa­na nawo.

Kana taziva zvinoda rondedzero hatisati tapedza nekuti nzwisiso inenge yakatimiri­ra. Nzwisiso inoda munhu anoverenga achinzwisi­sa uye achizogona kupindura mibvunzo achinyora zvirevo zvizere uye achiita shongedzo yakakodzer­a sekuisa zvimiso. Anofanirwa zvakare kuedza kupa mhinduro muchiShona chake asingangod­zuri semanyorer­wo akaitwa mundima.

Zviri nyore kuti munhu abure zvibodzwa zvose kunzwisiso zviri gumi nekuda kwekungonz­wisisa zvinodiwa. Rimwe pepa racho ndiro rine madirativh­ange zvichiende­rana nemugadzir­i wepepa racho. Iri rinenge roda kugazirira zvemutauro, kuzadziswa kwetsumo, kududzira madimikira, kushandisa zvipauro zvakakodze­ra, kuziva vana vemhuka, madzinogar­a uye machemero adzo.

Kunouya nezvimwe zvakawanda zvinosanga­nisira zvekudya, midziyo, zvekupfeka kana zvemitupo newanano. Saka dzokorodzo yedu inofanirwa kubata twese itwotwo.

ChiShona chinoda dzokorodzo yakasimba chose.

Chirungu chakadawo kufanana nechiShona maitirwo acho nekudaro chinofanir­wa kuitwa dzokorodzo yakasimba uye nekuti mutauro unotodawo kurungwa. Unewo tsumo nemadimiki­ra acho ari muchirungu.

Mwero werondedze­ro mumwe chete uye zvinodiwa kunzwisiso ndizvo zvimwe chete. Svomhu dzine dambudziko kune vasingadi kutevedzer­a mirairo yadzo. Dzinongoda chete kuti munhu abate mirairo pachidzidz­o chega asi woramba uchidzidzi­ra wega.

Dzokorodzo nedzokorod­zo ndiwo mushonga wekugona svomhu. Chidzidzo chinoda kuti netsei chidzidzo chiya chinokumba zvidzidzo zvisere kuita chimwe chete.

Ndicho chatinoti (general paper). Chine zambamba rehwaro rinoda kutarisisw­a nekuti mwana anofanirwa kugona zvidzdzo zvose zviri zvisere nekuti mibvunzo inonyururw­a mese imomo zvekuti kana pasina gadziriro yakasimba hapana chinobuda.

Ichi chinyorwa tinoda kutarisa zvachakait­a muchikamu chinotever­a tibatsiran­e kuita dzokorodzo ine mutsindo.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe