Yava nguva yekugadzirira bvunzo
KOTORO yekutanga yakauya yakapfuura tikava nezororo rakakurisa chose. Zvino tatanga kotoro yepiri apo tinofanirwa kuyeuchidzana kuti kotoro ino ndiyo yega yasara kuti tigopinda mubvunzo dzedu.
Kotoro yetatu hatiiverenge nekuti haina mazuva ekudzidza akawanda. Nguva yatiri ino ndiyo yakatikoshera zvikuru nekuti inguva yekugadzirira bvunzo redu.
Tikatambisa mukana iwoyu tinozochema kana nguva yacho yakwana nekuti tinenge tisisina chaipo pekubata nekusaita gadziriro nguva iripo. Mukugadzirira kwedu bvunzo iri, ngatizivei kuti riri kutanga kunyorwa musi wa1 Gumiguru 2018 apo tinenge tavhura chikoro musi wa 11 Gunyana zvichireva kuti mavhiki maviri chete azere ekudzidza mukotoro yetatu.
Tine mapepa mashanu atinonyora mushure mekunge zvidzidzo zvakumbani- dzwa kubva mugumi nezviviri zvatinodzidza mugwaro rechinomwe.
Regai titange nekutarisa kupepa redu rechiShona rinova ndiro donzvo rechirongwa chino. Tinofanirwa kunge toziva zvese zvino nerendedzero dzatichasangana nadzo kusanganisisira tsamba dzacho. Kana tikagara taziva zvese zvinodiwa mumhando dzakasiyana
dzerondedzero tinenge tatobereka chikamu chepakati chegoho (half marks) tisati tamboisa runyoro papepa.
Zvino kana tatova kuziva zvinodiwa zvacho panguva ino tavakungosakurira kuti goho riwedzere. Mukusakurira umu tinenge tichikodza mutauro nekujairira kukanda zvirungamutauro zvakaita setsumo,madimikira,nyaudzosingwi,fananidzo kana fananidzosiri. Izvi zvinhu zvinoda kuramba zvichitwa kuitira kuti kana musoro wenyaya wauya chero wakamira sei, munhu anenge oziva zvinoringana nawo.
Kana taziva zvinoda rondedzero hatisati tapedza nekuti nzwisiso inenge yakatimirira. Nzwisiso inoda munhu anoverenga achinzwisisa uye achizogona kupindura mibvunzo achinyora zvirevo zvizere uye achiita shongedzo yakakodzera sekuisa zvimiso. Anofanirwa zvakare kuedza kupa mhinduro muchiShona chake asingangodzuri semanyorerwo akaitwa mundima.
Zviri nyore kuti munhu abure zvibodzwa zvose kunzwisiso zviri gumi nekuda kwekungonzwisisa zvinodiwa. Rimwe pepa racho ndiro rine madirativhange zvichienderana nemugadziri wepepa racho. Iri rinenge roda kugazirira zvemutauro, kuzadziswa kwetsumo, kududzira madimikira, kushandisa zvipauro zvakakodzera, kuziva vana vemhuka, madzinogara uye machemero adzo.
Kunouya nezvimwe zvakawanda zvinosanganisira zvekudya, midziyo, zvekupfeka kana zvemitupo newanano. Saka dzokorodzo yedu inofanirwa kubata twese itwotwo.
ChiShona chinoda dzokorodzo yakasimba chose.
Chirungu chakadawo kufanana nechiShona maitirwo acho nekudaro chinofanirwa kuitwa dzokorodzo yakasimba uye nekuti mutauro unotodawo kurungwa. Unewo tsumo nemadimikira acho ari muchirungu.
Mwero werondedzero mumwe chete uye zvinodiwa kunzwisiso ndizvo zvimwe chete. Svomhu dzine dambudziko kune vasingadi kutevedzera mirairo yadzo. Dzinongoda chete kuti munhu abate mirairo pachidzidzo chega asi woramba uchidzidzira wega.
Dzokorodzo nedzokorodzo ndiwo mushonga wekugona svomhu. Chidzidzo chinoda kuti netsei chidzidzo chiya chinokumba zvidzidzo zvisere kuita chimwe chete.
Ndicho chatinoti (general paper). Chine zambamba rehwaro rinoda kutarisiswa nekuti mwana anofanirwa kugona zvidzdzo zvose zviri zvisere nekuti mibvunzo inonyururwa mese imomo zvekuti kana pasina gadziriro yakasimba hapana chinobuda.
Ichi chinyorwa tinoda kutarisa zvachakaita muchikamu chinotevera tibatsirane kuita dzokorodzo ine mutsindo.