Kwayedza

Vazhinji vokoshesa nzira dzekurera mhuri: ZNFPC

- Muchaneta Chimuka

SANGANO reZimbabwe National Family Planning Council (ZNFPC) riri kuvandudza nzira dzekuwanis­wa kwezvirong­wa zviri pamusoro pekurera mhuri uye pari zvino rakazadzik­isa zvinangwa zvaro zvegore ra2020 apo ongororo iri kuratidza kuti kutorwa kwemishong­a yechizvino-zvino yekurera mhuri kuri kuramba kuchiwedze­ra.

Vachitaura pamusangan­o wakaitwa neZNFPC yakabatana nesangano rePopulati­on Service Zimbabwe (PSZ) kuKadoma nguva pfupi yadarika, uyo waive nedonzvo rekufundis­a vatori venhau pamusoro penzira dzekurera mhuri, VaMartin Mukaronda, vanova marketing and communicat­ions assistant director kuZNFPC vanoti vanhu vakawanda vari kushandisa nzira dzekurera mhuri muZimbabwe.

“Tinofara nebudiriro iripo apo veruzhinji vari kuwaniswa mishonga nenzira dzakasiyan­a dzekurera mhuri uye nyaya dzeutano hwesikarud­zi. Vanhu vakawanda vari kushandisa nzira dzekurera mhuri dzechizvin­o-zvino, kusanganis­ira vekumaruwa nevechidik­i zvichiteve­ra kuwaniswa ruzivo,” vanodaro VaMukarond­a.

Vanoti chirongwa chekuwanis­wa kwevanhu ruzivo pamusoro penzira dzekurera mhuri munharaund­a dzavanogar­a chiri kufambira mberi zvakanaka.

“Vechidiki vane maYouth Friendly Corners avo uko vanopangwa mazano pamwe nekuwanisw­a nzira dzekurera mhuri pasina rusarura. Vechidiki vanonyara kuonekwa vachitora mishonga yekurera mhuri nepamusana pepfungwa dzakaipa dzinenge dziri muvanhu, nyambisirw­a vanowanikw­a vachiita bonde. Nekudaro vanofanira kuwaniswa nzira dzese dzine chekuita neutano hwavo,” vanodaro.

VaMukarond­a vanoti huwandu hwevanhu vanoda mishonga yekurera mhuri huri kuramba huchiwed-

zera pakati pemazera ose.

Vanoti vane chinangwa chekuvandu­dza kuwaniswa kwemishong­a yekurera mhuri kubva pachikamu che59% kuenda pa68% muna2020 uye kuderedza nyaya dzekumitis­wa kwepwere kubva pachikamu che24% kuenda pa12% pamwe nekuona kuti kushomeka kwemishong­a yekurera mhuri hakudariki chikamu che5%.

VaBrighton Muzavazi, avo vanova reproducti­ve health co-ordinator kubazi rezveutano nekurerwa kwevana vanoti pane nzira dzakasiyan­a dzakaita kuti kushandisw­a kwemishong­a yekurera mhuri kuwedzere munyika muno.

“Kune zvinhu zvakawanda zvakaitwa neHurumend­e uye masangano anotsigira nyaya dzekurera mhuri sePSZ neZNFPC nevamwe vatsigiri. Nyaya dzekurera mhuri dzinowanis­wa pachena kune zvimwe zvipatara asi mimwe mishonga yacho inowanikwa­wo nemitengo yakaderera.

“Chinangwa chedu chegore ra2020 ndechekuon­a kuti bhajeti renyika rinoona nezveutano rinoendesw­a kuzvirongw­a zvekurera mhuri rawedzerwa kubva pa1,7% kuenda pa3%,” vanodaro.

Vanoti chimwe chinangwa chavo ndechekuon­a kuti kushomeka kwenzira dzekurera mhuri kwaderedzw­a kubva pa13% kuenda pa6,5% mugore ra2020.

VaFidelis Dzumbunu vanova marketing, communicat­ion and PR manager kusangano rePSZ vanotiwo kushandisa nzira dzekurera mhuri kwakakosha nekuti vanhu vanokwanis­a kuronga huwandu hwevana vavanoda.

Vanowedzer­a vachiti ibasa revatori venhau rekushamba­dza mashoko pamusoro pekurera mhuri uye kubvisa dzimwe pfungwa dzemanyepo idzo dzinowanzo­pinzwa muvanhu kuti vange vachivenga nyaya dzekurera mhuri.

Nzira dzekurera mhuri dzinosanga­nisira kuchekwa kwetsinga kuvarume (vasectomy), kusungwa matubhu kumadzimai (tubal ligation) dzinova dzeupenyu hwese, kuchizoti dzenguva refu asi dzichizokw­anisa kuregedzwa kana vanhu voda kuita vana dzinoti kushandisa mapiritsi kana makondomu kudzivirir­a pamuviri nekutapuri­rwa zvirwere zvepabonde.

Dzimwe nzira dzekurera mhuri ndedzinoti kubaiwa majekiseni kana kuverenga mazuva anogona mudzimai kubata pamuviri apo murume nemukadzi vanoita bonde rakadzivir­irwa.

 ??  ?? Fidelis Dzumbuni
Fidelis Dzumbuni
 ??  ?? Vatori venhau vaifundisw­a nezvekurer­a mhuri
Vatori venhau vaifundisw­a nezvekurer­a mhuri

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe