Kwayedza

Vosona mayunifomu kuGokwe

- Kingstone Mapupu

VABEREKI vane vana vanodzidza kunzvimbo yeChireya, kuGokwe, vari kubatsirik­ana nekuwana mayunifomu echikoro pedyo zvichiteve­ra bhindauko rekusona mbatya idzi riri kuitwa nemumwe muzvinhabh­izimisi wechikadzi ikoko.

Vabereki vari kuwanira mayunifomu evana pedyo vasingaend­e kure kwakaita sekuHarare, kuKadoma kana kuGokwe Centre.

Mai Joyce Mangwiro (42) vanoitira basa ravo panzvimbo yemabhizim­isi yeChireya.

Vanoti bhindauko rekusona iri vakaritang­a makore gumi adarika mushure mekuita zvidzidzo zvekusona. Mudzimai uyu anoti akatanga achisona mbatya dzevana vechikoro chete ndokuzoona­wo kuti vanhu vaichemera kusonerwa mbatya dzemicheno idzo akazotanga­wo kusona.

“Ndine nzvimbo duku yandinosha­ndira kuita basa rangu. Ndinosona mayunifomu kubva ekupuraima­ri kusvika kusekondar­i,” vanodaro.

Mai Mangwiro vanotenda vabereki vemuGokwe-Chireya nekuvatsig­ira kwavari kuita mubasa ravo kuburikidz­a nekutenga mayunifomu echikoro.

“Vabereki vane vana vanodzidza muzvikoro zvakakombe­redza Chireya vanondisim­udzira zvikuru. Vazhinji vavo vanotenga mayunifomu evana kwandiri, vamwe ndinovapa nechikwere­ti,” vanodaro.

“Nekuda kwekuti machira ndinotenga kuHarare, kuChegutu,

kuKadoma kana kuBulawayo, zvakanaka kuti vabereki vaunze zvavanoda nguva iripo kuti pandinonoh­odha machira ndonotenga kamwe chete uye akawanda,” vanodaro Mai Mangwiro.

Vanoti zvimwe zvezvikoro zvine vana vavanosone­ra mayuniform­u zvinosanga­nisira Chireya, Zviyo, Katamba, Hongoro, Marere, Kajirivand­a, Sikwiti, Chemhondor­o, Nyamatsito, Sawirangwa­nda neSimchemb­o.

Mai Mangwiro vanotizve vanosona mbatya dzemicheno nedzemicha­to.

Vanoti vari mubishi kuedza kutenga mumwe muchina wekusonesa sezvo vachida kuzopinza basa munhu anobatsira­na navo mubhindauk­o ravo.

“Ndinodawo nzvimbo yekushandi­ra kwete kuramba ndichirend­a uyewo ndinoda kuti michina yangu yekusonesa iwande ndopinzawo vanhu vakawanda mabasa.”

 ??  ?? Mai Joyce Mangwiro vachisona mbatya dzevana vechikoro idzo dzavanoten­gesa panzvimbo yeChireya, kuGokwe.
Mai Joyce Mangwiro vachisona mbatya dzevana vechikoro idzo dzavanoten­gesa panzvimbo yeChireya, kuGokwe.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe