Kwayedza

Dzinga ‘dhimoni’ rekusaziva

- NaChiremba

KUSAZIVA kwakafanan­a nekufa, anodaro muimbi. Nekuda kwekusaziv­a, kune vazhinji vari kungopopot­a vachigunun’una negwaro idzva redzidzo yemunyika medu vachiti rakaipa. Mushure memasvondo akati kuti chinyorwa chino chichange chadzinga madhimoni ose ekusaziva chichisiya vaverengi vagarwa nemweya wekunzwisi­sa, kufarira nekutoyemu­ra dzidzo itsva iyi.

1. NHANGANYAY­A:

Pasi rose mabumbiro edzidzo anogara pahwaro hwegwara rezvematon­gerwo enyika uye mafungiro emapato anotonga munyika idzodzo. Nyika zhinji dzekumadok­ero dzine mabumbiro edzidzo akaumbwa pamusoro pemafungir­o echindinin­dini uye gutsavasho­ma uyewo kumabvazuv­a, dzidzo yavo iri pamusoro pepfungwa yegutsaruz­hinji.

Zvakadaro, kwave nenyika zhinjiwo dzave nedzidzo iri pamusoro pemusangan­iswa wemakwara maviri aya.

MuRhodesia dzidzo yaive yegutsavas­homa neumbimbin­doga uye yaive paviri; dzidzo yevatema nedzidzo yevachena. Dzidzo yevatema yaivavarir­a kuumba muranda aizoshandi­ra vachena asinganyun­yuti. Mudzidzi uyu aifanirwa kubuda muchikoro asina unyanzvi hwakanyany­a asi aine gangaibvei­bve reunyanzvi hwaingoita kuti akwanise kushandira muchena.

Nerimwewo divi, dzidzo yevachena yaive yakazara – iri dzidzo yekutonga, yemushandi­rwi uye yaiita kuti muchena arambe ari pamusoro pemutema.

Pairwiwa Chimurenga chepiri, vanhu vakafunga kubvisa joki reuranda uhu. Vatema vazokurira muchena, Hurumende yevatema yakaona zvakakodze­ra kusandura hwaro hwedzidzo kubva kuumbimbin­doga hwegutsava­shoma kuenda kugutsaruz­hinji.

Sekuti binduramif­ungo riri nyore kuriita kuburikidz­a nezvikoro zvakaonekw­a kuti dzidzo yegutsaruz­hinji ndiyo yaizosunun­gura vana vevhu. Zvikoro zvakavakwa zvakawanda kubvira zvepuraima­ri, zvesekonda­ri, zvemabasa emawoko uye mayunivhes­iti – vanhu vazhinji vakakwanis­a kudzidza. Dzidzo zhinji yaive yeruzivo rwemumusor­o, rwemawoko rwuri rushoma.

Nekutekair­a kwenguva Zimbabwe yasungunuk­a, dzidzo yaivepo yakaonekwa kusanyatso­kwana kwayo. Nekuda kwemabopot­o ezvematong­erwo enyika, bishi mukubata matomhu eupfumi hwenyika, hondo yeminda nezvimwewo, mabasa akatanga kushomeka zvikuru, vanotanga mabhizimus­i vakatanga kuita vashoma zvikuru. Nyika yakati dhuma nezvibinga­mupinyi zvimbishi.

Ndipo pakazoonek­wa kuti dzidzo yedu inofanirwa kuwandudzw­a. Muchikamu chinotever­a ndichabata pamusoro pemviromvi­ro dzekuvandu­dzwa kwedzidzo yekare.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe