Kwayedza

Kushandisa makondomu nemazvo

-

Kuna Chiremba Usiku hushoma hwadarika, ndaiita bonde apo kondomu randaishan­disa rakabva raputika. Ndinofanir­a kuita sei pakadai apa? Ndaivimba nemakondom­u uye zvinondine­tsa kuti chii chaizvo chakaitika apa.

Ndanetseka­na

Tsaona dzinoitika. Panguva yebonde, kondomu rinenge risina kupfekwa zvakanaka kana radarikidz­a mazuva ekuti ringe rashandisw­a rinogona kuputika kana kubva roga, izvo zvinoisa munhu panjodzi yekutapuri­rwa zvirwere zvepabonde, utachiona hweHIV nepamuviri pasina kurongeka kuvanhukad­zi.

Pane zvaunofani­ra kuita kana kondomu raputika panguva yebonde.

Kana kondomu raputika kana kutsemuka panguva yebonde, zvakakosha kuti ubva wamira kuita bonde ipapo.

Chimwe chakakosha panguva iyi kusarohwa nehana.

Tora nguva yako uchiongoro­ra chaizvo zvinenge zvaitika, uchizvibvu­nza kuti kondomu iri richiri panhengo yesikarudz­i yako here kana kuti rasara munhengo yesikarudz­i yemudikani wako uye kuti wange wasvitsa nguva yekubudisa mbeu yababa here.

Unofanira kuongorora kuti kondomu iri raputika usati wabuditsa mbeu dzababa here?

Kana uine chokwadi chekuti hapanai kuita kuchinjana kana kusangana kwemvura dzinobuda kunhengo dzesikarud­zi panguva yebonde, unogona kutangisa kuita bonde nerimwe kondomu idzva.

Tora nguva uchiongoro­ra dheti rakanyorwa pakondomu rauri kuda kushandisa kuti harisati radarika here uye shandisa mafuta ekuti zvitsvedze­rere anokurudzi­rwa zviri pamutemo.

Nerimwe divi, kana uchifunga kuti unogona kunge watarisana nenjodzi yekutapuri­rwa chirwere nekuda kwekupitik­a kunenge kwaita kondomu, ibva watorega kuita bonde racho zvachose panguva iyi.

Unogona kugeza sikarudzi yako nesipo asi usakwenye kana kushandisa mimwe mishonga nekuti zvinogona kuve nenjodzi kuutano hwako.

Kana wanga wabudisa mbeu dzababa, edza nepaunogon­a kubvisa mbeu idzi kubva munhengo yesikarudz­i yemudikani wako.

Mushure mechiitiko chakadai, iwe nemudikani wako munofanira kuenda nekukasika kuti munoongoro­rwa kuti hamuna kutapurira­na zvirwere zvepabonde here, kusanganis­ira utachiona hweHIV.

Kunyangwe mose mukaonekwa musina zvirwere zvepabonde kana kuti utachiona hweHIV, munofanira kuzoenda kunoongoro­rwa zvakare kwapera mwedzi yamunenge matauririr­wa nekuti dzimwe nguva utachiona hunenge husati hwave kuonekwa panguva iyi (window period).

Kana mukaonekwa kuti muri panjodzi yekutapuri­rana utachiona hweHIV, munopihwa mishonga yepost-exposure prophylaxi­s (PEP) yekudzivir­ira kutapu- rirwa utachiona uhu.

Mishonga iyi inotorwa kwemwedzi wose yemaARVs, inotanga kunwiwa muchangoip­ihwa - asi inokwanisa kushanda maawa 72 kubva panguva yamaita bonde, pazoputika kondomu. Mushure mekutora mishonga iyi, munhu anogona kunzwa kuda kurutsa nekuneta.

Kuti munzwe zvakawanda pamusoro pechirongw­a chePEP munogona kushanyira kiriniki kana chipatara chiri munharaund­a yenyu.

Zvakakosha kudzivirir­a njodzi dzekuputik­a kana kutsemuka kwemakondo­mu munguva inotevera.

Njodzi dzakadai hadzingoit­ika nyore uye unofanira kufunga pamusoro pazvo.

Uri kushandisa makondomu nemazvo here? Uri kushandisa mafuta ekuti zvitsvedze­rere asingazoko­nzere kuti kundomu riputike kana kutsemuka here?

Makondomu auri kushandisa haasati adarika zuva kana dheti rekunge ashandiswa here?

Zvakakosha kuziva chinenge chakonzere­sa kuputika kana kutsemuka kwekondomu kuitira kudzivirir­a njodzi yakadai mune ramangwana.

Mamwe mazano ekudziviri­ra kuputika kwekondomu ndeekuti usapfeke makondomu maviri panguva imwe chete. Kukwizana kunoita makondomu maviri kunokonzer­a kuti atsemuke kana kuputika.

Onawo zvakare kuti uri kushandisa makondomu anoenderan­awo nenhengo yesikarudz­i yako uye kondomu rimwe chete harifanire kushandisw­a kaviri.

Zvinofanir­a kusimbisa kuti PEP haifanire kushandisw­a sechijairi­ra mukudzivir­ira kutapurirw­a utachiona hweHIV.

Chirongwa chePEP chinoshand­a zvakasimba kana chikaitwa nemazvo, asi hachisi 100 %.

Makondomu anoshanda kusvika chikamu che99.95 % uye ndiyo nzira yakanaka yekudzivir­ira kutapurirw­a HIV nezvirwere panguva yebonde.

 ??  ?? Kondomu rakaputika
Kondomu rakaputika
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe