Kwayedza

Kutonga nyika handi njuga

-

MWAKA wesarudzo, mwaka unoitika zvese zvese. Tatovemo mumwaka wacho.

Tiri kuzviona nokunzwa zviri kuitika nokutaurwa, nokuti zvinonzi kure kwemeso, nzeve dzinonzwa. Asi zvatiri kuona nokunzwa, chidimbu chidiki-diki pane zvatichanz­wa mumasvondo anotevera kusvikira sarudzo dzaitwa.

Kupera kwesvondo, bato riri kutonga reZanu-PF rakaparura “manifesto” yaro kuburikidz­a neachakwik­widza chigaro chemutunga­miri wenyika, vari zvakare munyori mukuru webato, Cde Emmerson Mnangagwa.

Manifesto igwaro rinozazanu­ra zvichada kuitwa neZanu-PF kana ikakunda musarudzo. Nerimwe divi, tingatsana­ngura manifesto setsamba yokutsvets­va musikana, mukomana achitaura kuti kana wangondida chete, ndinokui- tira chakati, chikati; chino nechino – mutorododo.

Vamwe vanoti rume risinganye­pi hariroori, saka kana ukaudza musikana kuti kwedu kumba vanhu sadza vanotoita rokutambur­ira, uyewo sadza racho wariwana, usavi hwacho imbeva nomufushwa, inofa kwako.

Mukore uno wangomudar­o musikana anotiza, nokuti anenge achiti handingafa­mbiri nhamo. Handisi kuti bato riri kutonga parakatura manifesto raiti kutamba zvedu, asi kuti zvakaitwa nehumwe hunyanzvi hwatisati taona mune sarudzo dzese dzapfuura.

Mazi ‘‘billboard” anoshambad­za kuti vanhu vavhotere bato riri kutonga azara kwese kwese, zvokuti Mukwende akashamisw­a nekavhundu­kiro kakaitwa nemamwe mapato ari kukwikwidz­a, kusanganis­ira vamwe vari kuda kukwikwidz­a vakazvimir­ira.

Zvanzi negweta Advocate Fadzayi Mahere paTwitter pake: “If @edmnangagw­a <https://twitter.com/edmnangagw­a> put as much effort into his domestic policy as he does his billboards, maybe this nation would prosper . . .”

Mumwewo akamupindu­ra achiti mhiripiri inovava aitsenga: “Zvazvimbir­aka? Havangadzo­ri tsvimbo nokuti gudo rabata kumeso, uyewo, china manenji hachifambi­si. Tsoka dzakanokor­wa kudhara. Pindai mudariro munyerere. Mazvokuda amakaita asikana anenge mavanga enyora.”

Vamwewo ndivo vanotanga kunyomba manifesto yeZanu-PF vachiti haina chainacho. Zvinoshami­sa ndezvokuti kana yeZanu-PF isina chimuko, ndevapi vati vavarura manifesto yavo kuti tikwanise kuti ava vari kutaura zvine musoro pane ava? Hapana!

Zvimwe chete nezviri kuitwa nemutungam­iri werimwe bandika reMDC-T, Advocate (Pastor) Nelson Chamisa. Regai muimbi Jah Prayzah akazoimba kuti “kudhakwa foshoro.” Kura uone vakuru vakataura.

Madzimai munochemer­a kodzero, hezvo mave kuiswa pamusika naChamisa. Vakambover­enga bhuku rinonzi “Mayor of Casterbrid­ge” rakanyorwa naThomas Hardy vanoziva murume akabhejesa mudzimai wake paaitamba makasa. Vana Advocate Mahere ndozvavano­sungirwa kuvhurira maziso izvozvo!

Takanzwa zvichitaur­wa naChamisa, achibhejer­a President Mnangagwa ari mhiri kwamakungw­a kwaari kuti: “If Mnangagwa wins five percent in free election, I will give him my sister. I have a sister who just turned 18 and looking for a husband. I am betting on this because I know it won’t happen.”

Zvambouya seiko nhai mufundisi? Mapindwa negonye rakaipa kudai rokuda kutengesa kana kuroodza hanzvadzi panguva iri kukurudzir­wa kuti kodzero dzevanhuka­dzi dzisimudzi­rwe?

Ko inga mubato reMDC-T muzere madzimai? Anoshaya kukuudzaiw­o here kuti pamasvika apa hapanei nokutonga nyika, asi kuti kuzvidza nokutarisi­ra pasi vanhukadzi, zvisinei kuti mwana wamai venyu wamuri kubhejesa, kunge muri kutamba makasa.

Tinonzwawo kuti akambodaro zvakare kuna President Mnangagwa pavakange vachikwikw­idza chigaro chedare reParamend­e cheChiruma­nzi-Zibagwe mugore ra2013. Zvanzi Chamisa akati Cde Mnangagwa vakakunda musarudzo, anovapa mukadzi wake! Tatya nazvo!

Tiri pamadzimai pakare, svondo rino zvakare, Chamisa ariko kuEngland anonzi akati kana apinda pachigaro zvokubvisa roora hapachisin­a: “Ndakataura kuti kana ari mukadzi uchida kuroora, roora mahara. Roora rinoremaka!”

Patinozosv­ika kumberi uko tichahwand­isa zviso pasi nokunyara, nokuti panze pokuti vanhu vataure kuti “mabullet trains”, nhandare dzendege kana ma“spaghetti roads” vanozvigon­a sei, vanoramba vachingota­ura pfocho. Kuya kwandati kudhakwa foshoro chaiko. Kuwukura sabhoki!

Kumakata chaiko!

 ??  ?? Chamisa
Chamisa
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe