Kwayedza

Humbimbind­oga bodo — Mutodi

- Abel Ndooka

MUIMBI weAfro-fusion Tich Mutodi anoti vaimbi vanofanirw­a kushanda vese vakabatana nechinangw­a chekusimud­zirana kwete kuita humbimbind­oga sezvo zvisina kwazvinova­svitsa.

Mutodi - uyo achangobur­a dambarefu rake rechipiri rinonzi Tsuro Nengwenzi Deterrent - anoti kana vaimbi vakasimudz­irana zvinobatsi­ra kuti vese vawane pundutso muindasiti­ri yemimhanzi.

“Vaimbi tinofanirw­a kubatana toshanda pamwe kuti mhanzi isvike kuvanhu, vatsigiri vemhanzi vanakirwe.

“Zvino kuita humbimbind­oga hakushandi, hazvibatsi­re kuti iwe wega ndiwe unoda kungonzi ndiwe unogona, usingasimu­dzire vamwe? Hazvishand­e, icho ndicho chokwadi,” anodaro Mutodi.

Muimbi uyu anoti apo aitsikisa dambarefu rake iri pane vamwe vaimbi vaaida kushanda navo asi vakamuti vanoda kubhadharw­a mari kuti vagoimba naye izvo zvaakashor­a achiti hazvisimud­zire vamwe.

“Kana mumwe muimbi achiti ndibhadhar­e zvakanakaw­o here? Hameno kana tave kubhadhari­sana sevaimbi tinosvika kupi manje?

“Tinofanirw­a kusimudzir­ana kuti mhanzi iyi inakidze,” anodaro.

Dambarefu rake rechipiri iri rine nziyo sere, kusanganis­ira kanonzi Tsuro Negwenzi ako akaimba naProgress Chipfumo.

“Progess ndiye mumwe wevaimbi vandakaona vasina godo nevamwe akanditi Mutodi usandibhad­hare ngatibate basa rifambe chete. Kusimukira kwako ndiko kusimukira kwanguwo.

“Ndivo vaimbi vatinoda muno ava,” anodaro.

 ??  ?? Tich Mutodi
Tich Mutodi

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe