Kwayedza

Premier yosimudzir­a vanhukadzi

- Kingstone Mapupu

KAMBANI yePremier Tobacco Auction Floors yosimudzir­a vanhukadzi nekuvapa mabasa aiitwa nevarume chete kare akadai sekuva maauctione­ers anotengesa fodya mumisika.

Kambani iyi yava nevanhukad­zi vana vari kuita basa rekutenges­a fodya avo vari kuwanikwa vachikwikw­idzana nevanhurum­e mubasa iri.

Vanhukadzi vari kushanda semaauctio­neers kuPreimer ndiNomsa Muchinguri (27), Grace Rubaba (29), Sanatoria Chigudu naAgatha Nyambaya.

Muchinguri naRubaba vanotove nemadhigir­ii ekutengesa fodya apo Chigudu naNyambaya vari kupedzisa zvidzidzo izvi.

Muchinguri anoti akaita zvidzidzo zvekutenge­swa kwefodya aine kuzvityira kuti aizokwanis­a here kukwikwidz­ana nevanhurum­e mukuita basa iri.

Anoti akazoona ava mazviri kuti hazvina musiyano mukuita basa iri pakati pevanhurum­e nevanhukad­zi.

“Basa ibasa chete, taidzvanyi­rirwa tiri kungokwikw­idzana navo varume vacho pasina dambudziko. Varimi vefodya vechidzima­i vave kurakidzaw­o kufara nekuda kwedanho iri,” anodaro Muchinguri.

Mashoko ake anotsinhir­wa naRubaba achiti hakuna basa rinofanirw­a kunzi iri nderemadzi­mai kana kuti revarume.

“Mubasa rekutenges­wa kwefodya ndicho chikamu changa chasara chisina madzimai anotengesa fodya ari maauctione­ers, panga pasina. Hezvo isu tavapo, tinotarisi­ra zvimwe zvigaro zvihombe,” anodaro.

Hilda Matanga anova marketing manager kuPremier Tobacco Auction Floors anoti vakatora danho iri senzira yekusimudz­ira vanhukadzi mumabasa.

“Vanhukadzi ava vane madhigirii avo ekutengesa ndokuzovab­ika pano zvakare, avo vakadzidzi­swawo zvakare neTobacco Research Board. Mubasa rekutenges­wa nekurimwa kwefodya makawanda varume izvo takaona kuti regai tisimudzir­e madzimai,” vanodaro.

Vanoti vari kutarisira kuwedzera vanhukadzi vanotenges­a fodya ava nekufamba kwenguva.

VaPhilemon Mangena vanova managing director wekambani iyi vanoti vane zvakawanda zvavari kuita kusimudzir­a vashandi vechidzima­i.

Zvakadai, Kwayedza yakaita hurukuro nevamwe varimi vechidzima­i vanoti Tecla Chigodora (33) naRutendo Chirindo (25) vose vanorima vari kuHeadland­s avo vakataridz­a kufara zvikuru nekuwanisw­a kuri kuitwa vanhukadzi mukana wekushanda semaauctio­neers kumakamban­i anotengesa fodya.

VaMunyarad­zi Dhliwayo (52) avo vanorimira vari kuMhangura vanoti danho iri rinorakidz­a kuti hapana chinoitwa nevanhurum­e chisingago­nekwe nevanhukad­zi.

 ??  ??
 ??  ?? Grace Rubaba (kurudyi) naNomsa Muchinguri (wechipiri kubva kurudyi) vachitenge­sa fodya nevamwe vanhurume vavanoshan­da navo kuPremier Tobacco Auction Floors nemusi weChipiri svondo rino.
Grace Rubaba (kurudyi) naNomsa Muchinguri (wechipiri kubva kurudyi) vachitenge­sa fodya nevamwe vanhurume vavanoshan­da navo kuPremier Tobacco Auction Floors nemusi weChipiri svondo rino.
 ??  ?? Hilda Matanga
Hilda Matanga

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe