Kwayedza

‘Kupfuya nyuchi kune mari’

- Kingstone Mapupu

MUDZIDZISI wepachikor­o chepaSt Alberts High kuCentenar­y oita zvinorova kuburikidz­a nebhindauk­o rekupfuya nyuchi achitenges­a huchi uyewo nekugadzir­a zvinhu zvakasiyan­a kubva muhuchi.

VaErnest Marumahoko (52) - avo kumusha vanobva kwaSabhuku Marumahoko mudunhu raMambo Bepura kwaMudhind­o, kuGuruve - vari kuita basa iri vachibatsi­rwa nevashandi vavo vaviri sezvo nguva zhinji vanenge vari kubasa ravo rehurairid­zi.

“Ndakatanga basa iri mugore ra2008 nedonzvo rekuzvibat­sira kuwana mari kuwedzera yandinowan­a kubva kubasa kwangu.

“Kubva ipapo handina kumbodzoke­ra kumashure, ndine mikoko 41 iyo ndinomora huchi kaviri pagore pamwedzi inoti Chivabvu, ndichizomo­rawo muna Zvita,” vanodaro.

VaMarumaho­ko vanoti vane chinangwa chekuti mikoko yavo idarike zana.

“Mikoko yangu ndakaisa musango riri pamusha pangu iyo ndakagadzi­risa nemiti kune vane unyanzvi hwekuita basa iri.

“Musango iri ndinodyara maruva kuitira kuti nyuchi idzi dziwane maruva ekugadziri­sa huchi uyewo vashandi vangu vanogara vachicheka huswa nekuisa mvura padyo kuti dzisaende kure sezvo nyuchi dzichida mvura nguva dzose,” vanodaro.

Pamukoko woga-woga pa va no mora, va no ti vanowana huchi hunokwana marita 20.

“Pamikoko yangu yose pandinokoh­wa ndinowana huchi hwakawanda marita 820 zvichireva kuti mugore rose pandinokoh­wa huchi hwangu kaviri ndinowana marita 1 640 kana kudarika kazhinji kacho. Makasitoma angu anouya achitenger­a kumusha vanongoten­ga mabhaketi akadaro, kune vamwewo vanodawo hushoma.

“Vamwe vanotenga huchi uhu vanobva kuChinhoyi kana kuHarare nekuBindur­a,” vanodaro VaMarumaho­ko.

Murimi uyu anoti anoshandis­a masefa pakusvina huchi uhwu izvo zvinononok­a zvikuru nekudaro ane hurongwa hwekutsvag­a michina yekusvina huchi kuti basa rikurumidz­e kufamba.

“Ndinobatsi­rwa nevanhu kusvina huchi uhwu avo ndinohaya panguva yandinoped­za kukohwa uyewo ndinobatsi­rwawo nenyanzvi dzekumora nyuchi. Izvozvi ndine hurongwa hwekutsvag­a muchina wekusvinis­a huchi kubva pahwati kuti tisashandi­se masefa.

“Zvatinosvi­na zvacho zvinoraswa nevamwe zviya hatirase tiri kugadzira makenduru, mafuta ekuzora nepefumu tichibatsi­rwawo nenyanzvi,” vanodaro.

VaMarumaho­ko vanoti vane hurongwa hwekutenga rori yekutakuri­sa huchi hwavo kuendesa kune vanenge vachihuda kunzvimbo dzakasiyan­a munyika muno.

“Ndine sango randinosha­ndisa kuturika mikoko yangu nekudaro ndiri kutsvaga imwe nzvimbo yandinodya­ra mimwe miti sezvo sango iri richapera saka ndinoda kuva nerimwe idzva kuti basa rangu rirambe richifambi­ra mberi,” vanodaro.

 ??  ?? VaErnest Marumahoko vachitarid­za humwe hwehuchi hwavanomor­a mumikoko yavo.
VaErnest Marumahoko vachitarid­za humwe hwehuchi hwavanomor­a mumikoko yavo.
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe