Kwayedza

Zvirimwa zvopera nemakudo

- Kingstone Mapupu

MAKUDO anonzi arura zvikuru nekuparadz­a matara achidya chibage nezvimwe zvirimwa kudunhu reMambo Mutambara, kuChimanim­ani rinova dambudziko rave kutyirwa kuti rinogona kukonzera kuti varimi veko vapinde munzara.

Vamwe vevarimi vakatarisa­na nedambudzi­ko remakudo iri ndevekwaSa­bhuku Gurenje nekwaChiko­na kuCashel Valley avo vanoti zvirimwa zvavo zvinosanga­nisira chibage zvapera kudyiwa nemakudo zviri mumatara.

Mai Milca Chitombo (46) vemumusha waChikona vanoti vane chibage chavo chapera kuparadzwa nemakudo ayo anosvika pamusha masikati machena apo vanenge vaenda kumapindu.

“Kuno hatichasiy­a misha pasina vanhu vakarindir­a sezvo makudo achisvika pamisha kubva kumakomo akatikombe­redza. Akawana paine vana vadiki anotovavhu­ndutsira votiza osara achidya chibage kana zvimwe zvirimwa.

“Sepangu pano pamusha, akapinda mudara pasina vanhu akadya chibage chakawanda zvikuru,” vanodaro.

Vanoendere­ra mberi vachiti, “Kunze kwekudya zvirimwa, makudo aya ave kuuraya mbudzi zvakare zvinoreva kuti tichasara tisina zvipfuyo sezvo kune dzimwe nzvimbo achinzi ari kubata huku.

“Pano pamusha pedu akatouraya mbudzi yedu yaiva muchirugwi akatodya nyama yacho tikawana rangova ropa roga.”

Makudo aya anonzi anofamba akawanda zvikuru zvekuti paasvika anosiya aparadza zvirimwa kana kudya mbudzi nehuku.

Varimi ava vave kutyira kuti makudo aya achaguma asvika kuminda yavo yekudiridz­ira.

“Nyaya yemakudo aya yave kutitadzis­a kuenda kunoita mamwe mabasa sezvo tave kungogara takarindir­a matara echibage.

“Dambudziko iri rave kumanikidz­irawo vamwe varimi kuti vakukurumi­dze kupura chibage chavo nezvimwe zvirimwa kuti vagoisa mudzihozi senzira yekuchenge­tedza,” vanodaro Mai Chitombo.

 ??  ?? Mai Milca Chitombo vaitarisa dara ravo rechibage icho vanoti chakange chichangob­va kudyiwa nemakudo svondo rapera kwaMutamba­ra, kuChimanim­ani.
Mai Milca Chitombo vaitarisa dara ravo rechibage icho vanoti chakange chichangob­va kudyiwa nemakudo svondo rapera kwaMutamba­ra, kuChimanim­ani.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe