. . . zvibodzwa 178 zvazunguza mambure
SVONDO rino mutambo weCastle Premiership uri kupinda muvhiki re11 apo zvikwata 18 zvose zviri kukwikwidza zvatamba mitambo 10 ndokunwisa ka178.
Kana zvichienzaniswa negore radarika panguva imwe chete apo zvikwata zvese zvainge zvatamba mitambo 10, zvakakwanisa kunwisa ka158. Ngezi Platinum - iyo iri kutungamira palog - yaive yanwisa ka16 mumitambo yayo.
Zvakadai, mwaka uno vatambi vatatu vanoti Simba Nhivi weCAPS UNITED, Lameck Nhamo weTriangle United naDavid Temwanjira weShabanie Mine vakwanisa kunwisa kashanu apo vari kudzingirirana kurwira mubairo weGolden Boot.
Hapasati pazivikanwa kuti pavatatu ava ndiani achazopedza ari pamusoro pevamwe panyaya yekunwisa.
Vamwe vatambi vari kutevera pakunwisa ndiObadiah Tarumwa (Chicken Inn), Ozias Zibande (Highlanders) naTerence Dzvukamanja (Ngezi Platinum) avo vanwisa kana kusvika parizvino.
Ngezi Platinum - iyo iri kutungamira palog ndiyo iri kutungamirazve pakunwisa sezvo yanwisa ka16 mwaka uno mumitambo yayo. Chikwata ichi chiri pamberi pakubvarura mambure uye changonwiswa kaviri chete.
FC Platinum iyo yakagara pechipiri palog ndiyozve iri pechipiri pakunwisa sezvo yanwisa ka15 mwaka uno.
Kozotiwo Highlanders FC yakagara pechitatu neChicken Inn iri pechina, ndizvo zvimwe zviri kuedza kubvarura mambure sezvo zvangonwisa ka13 mwaka uno.
Kwayedza svondo rino yakaita hurukuro nevatsigiri pamwe nevaongorori venhabvu avo vanopa pfungwa dzavo pamusoro pemafambiro ari kuita mwaka uno.
Mukushi wemashoko wePremier Soccer League, Kudzai Bare, anoti mwaka wegore rino uri kunakidza zvikuru.
Paakabvunzwa kuti ari kuona sei mwaka uno anoti, “Mwaka wegore rino uri kunakidza zvechokwadi.”
Mumwe mutsigiri wenhabvu - John Ushendibaba - anoti zvikwata zvemuno zvave kurakidza kurongeka izvo zvave kubatsira kuti nhabvu inotambwa ishanduke. uye neHighlanders zvekukunda Ngezi Platinum iyo isati yambokundwa kana mutambo mumwe chete kubva pakutanga kwemwaka uno?