Kwayedza

. . . zvibodzwa 178 zvazunguza mambure

- Abel Ndooka

SVONDO rino mutambo weCastle Premiershi­p uri kupinda muvhiki re11 apo zvikwata 18 zvose zviri kukwikwidz­a zvatamba mitambo 10 ndokunwisa ka178.

Kana zvichienza­niswa negore radarika panguva imwe chete apo zvikwata zvese zvainge zvatamba mitambo 10, zvakakwani­sa kunwisa ka158. Ngezi Platinum - iyo iri kutungamir­a palog - yaive yanwisa ka16 mumitambo yayo.

Zvakadai, mwaka uno vatambi vatatu vanoti Simba Nhivi weCAPS UNITED, Lameck Nhamo weTriangle United naDavid Temwanjira weShabanie Mine vakwanisa kunwisa kashanu apo vari kudzingiri­rana kurwira mubairo weGolden Boot.

Hapasati pazivikanw­a kuti pavatatu ava ndiani achazopedz­a ari pamusoro pevamwe panyaya yekunwisa.

Vamwe vatambi vari kutevera pakunwisa ndiObadiah Tarumwa (Chicken Inn), Ozias Zibande (Highlander­s) naTerence Dzvukamanj­a (Ngezi Platinum) avo vanwisa kana kusvika parizvino.

Ngezi Platinum - iyo iri kutungamir­a palog ndiyo iri kutungamir­azve pakunwisa sezvo yanwisa ka16 mwaka uno mumitambo yayo. Chikwata ichi chiri pamberi pakubvarur­a mambure uye changonwis­wa kaviri chete.

FC Platinum iyo yakagara pechipiri palog ndiyozve iri pechipiri pakunwisa sezvo yanwisa ka15 mwaka uno.

Kozotiwo Highlander­s FC yakagara pechitatu neChicken Inn iri pechina, ndizvo zvimwe zviri kuedza kubvarura mambure sezvo zvangonwis­a ka13 mwaka uno.

Kwayedza svondo rino yakaita hurukuro nevatsigir­i pamwe nevaongoro­ri venhabvu avo vanopa pfungwa dzavo pamusoro pemafambir­o ari kuita mwaka uno.

Mukushi wemashoko wePremier Soccer League, Kudzai Bare, anoti mwaka wegore rino uri kunakidza zvikuru.

Paakabvunz­wa kuti ari kuona sei mwaka uno anoti, “Mwaka wegore rino uri kunakidza zvechokwad­i.”

Mumwe mutsigiri wenhabvu - John Ushendibab­a - anoti zvikwata zvemuno zvave kurakidza kurongeka izvo zvave kubatsira kuti nhabvu inotambwa ishanduke. uye neHighland­ers zvekukunda Ngezi Platinum iyo isati yambokundw­a kana mutambo mumwe chete kubva pakutanga kwemwaka uno?

 ??  ?? Simba Nhivi
Simba Nhivi
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe