Kwayedza

Vahosi nanyachide vorwira murume

-

Gamuchirai Muzanenham­u MUDZIMAI nyachide pabarika, wekuda kushandisa dare redzimhosv­a kurambidza vahosi kuti vasasvike kumba kwake kuzoona murume wavo, akazoshaya pekupinda nenyadzi apo chikumbiro chake chegwaro redzivirir­o chakaraswa nekuda kwekushaik­wa kwehumboo.

Ruwa Munhanzi akaendesa Dzidzai Chidumwa kuHarare Civil Court achida kuti amiswe kumutuka, kumufonera uye kusvika kumba kwake achiita ruzha.

“Uyu mukadzi wemurume wangu asi ngaasasvik­e pamba kana kubasa kwangu nekuti ari kuuya achindituk­a zvinyadzi,” anodaro Munhanzi.

Anoti murume wake akamuroora achiti haasisina mukadzi saka akatoshami­sika achiona Chidumwa achisvika kumba kwake. “Pandakaroo­rwa, murume wangu akanditi haasisina mudzimai saka ndakatosha­misika ndichiona achiuya achiti mukadzi wakewo saka ini handidi kumuona, handineyi naye,” anodaro Munhanzi.

Chidumwa anoti Munhanzi ari kuda kushandisa chikumbiro ichi kuti arambe achihwandi­sa murume kumba kwake sezvaari kuita.

“Ari kuhwandisa murume kumba kwake, ndizvo zviri kuita kuti tinetsane apa ndiye akatouya ini ndiripo asi ava kuda kundirambi­dza kumuona. Ndiko kusaka ari kuda gwaro rinoita kuti iye ave nemurume wedu ari oga,” anodaro Chidumwa.

Anoti haangoende kumba kwaMunhanz­i asina chinangwa uye haamutuke asi kuti vanotukana.

“Handingoen­de kumba kwake ndisina zvandafamb­ira, ndiri munhu mukuru chaizvo uye zvaari kuti ndinomutuk­a kunyepa, tinotukana,” anodaro.

Munhanzi anobva amugamha achiti haasi kuhwandisa murume nekuti Chidumwa ari kuziva kwaari.

“Ndingahwan­dise munhu mukuru here? Iye ari kutoziva hake kuti murume anenge ari kumba kwangu saka kuhwandisa here ikoko?” anodaro Munhanzi.

Mutongi Manasse Musiiwa akarasa chikumbiro chaMunhanz­i achiti hapana humboo huzere hunoratidz­a kuti ari kushunguru­dzwa naChidumwa.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe