Vahosi nanyachide vorwira murume
Gamuchirai Muzanenhamu MUDZIMAI nyachide pabarika, wekuda kushandisa dare redzimhosva kurambidza vahosi kuti vasasvike kumba kwake kuzoona murume wavo, akazoshaya pekupinda nenyadzi apo chikumbiro chake chegwaro redziviriro chakaraswa nekuda kwekushaikwa kwehumboo.
Ruwa Munhanzi akaendesa Dzidzai Chidumwa kuHarare Civil Court achida kuti amiswe kumutuka, kumufonera uye kusvika kumba kwake achiita ruzha.
“Uyu mukadzi wemurume wangu asi ngaasasvike pamba kana kubasa kwangu nekuti ari kuuya achindituka zvinyadzi,” anodaro Munhanzi.
Anoti murume wake akamuroora achiti haasisina mukadzi saka akatoshamisika achiona Chidumwa achisvika kumba kwake. “Pandakaroorwa, murume wangu akanditi haasisina mudzimai saka ndakatoshamisika ndichiona achiuya achiti mukadzi wakewo saka ini handidi kumuona, handineyi naye,” anodaro Munhanzi.
Chidumwa anoti Munhanzi ari kuda kushandisa chikumbiro ichi kuti arambe achihwandisa murume kumba kwake sezvaari kuita.
“Ari kuhwandisa murume kumba kwake, ndizvo zviri kuita kuti tinetsane apa ndiye akatouya ini ndiripo asi ava kuda kundirambidza kumuona. Ndiko kusaka ari kuda gwaro rinoita kuti iye ave nemurume wedu ari oga,” anodaro Chidumwa.
Anoti haangoende kumba kwaMunhanzi asina chinangwa uye haamutuke asi kuti vanotukana.
“Handingoende kumba kwake ndisina zvandafambira, ndiri munhu mukuru chaizvo uye zvaari kuti ndinomutuka kunyepa, tinotukana,” anodaro.
Munhanzi anobva amugamha achiti haasi kuhwandisa murume nekuti Chidumwa ari kuziva kwaari.
“Ndingahwandise munhu mukuru here? Iye ari kutoziva hake kuti murume anenge ari kumba kwangu saka kuhwandisa here ikoko?” anodaro Munhanzi.
Mutongi Manasse Musiiwa akarasa chikumbiro chaMunhanzi achiti hapana humboo huzere hunoratidza kuti ari kushungurudzwa naChidumwa.