Kwayedza

Mabasa evaroyi ayo’

- Kingstone Mapupu

NYANZVI dzechivanh­u nevamwe vakuru vemachechi vanoti dambudziko remukomana wekuDzivar­esekwa Extension, muHarare — uyo anoti anogara achirumwa nemazizi nekuteverw­a nemazinyok­a — rine chekuita nemabasa ehuroyi.

Prophet Sham Hungwe, avo vanotungam­irira chechi yeHouse of Grace Internatio­nal kuHighfiel­d, muHarare, vanoti mukomana uyu ane dambudziko rinoda kuti akurumidze kubatsirwa.

“Mazizi nenyoka zvinozivik­anwa zvichishan­diswa nevaroyi kureva kuti mukomana uyu ari kuda kunzi aroye. Saka kuteverwa nemazizi achimuruma nenyoka dzinomumha­nyisa muchereche­dzo wekuti kune varoyi vanoda kumushandi­sa kuti varoye vose asi iye haasi kuzviziva. Kurumwa uku kunzi uri kurambirei,” vanodaro.

Sekuru Friday Chisanyu, mukuru wesangano rinomirira vanachirem­ba vechivanhu reZimbabwe National Practition­ers Associatio­n (ZINPA), vanotiwo dambudziko remukomana uyu rine chekuita nemabasa ehuroyi.

“Uyu mwana mudiki asina zvaanoziva asi ari kusundirwa mweya wekuti aroye nevanhu vanogona kuva vehukama kana vatorwa. Zvichida varoyi vanon- goda kumushungu­rudza kuti abvume zvavanoda kana kutiwo kungoroyiw­a senzira yekumurwad­zisa chete,” vanodaro.

Kuchiti Sekuru Elisha Mutanga vekuUshewo­kunze, muHarare, vanotiwo: “Inyaya inoshamisa kuti munhu anoteverwa nemazizi kwese kwaanoenda nekudzingi­rirwa nenyoka. Inyaya inoda kuti abatsirwe kuchivanhu, dzimwe nguva ava kutoroya pachezvake asingazive.”

 ??  ?? Prophet Sham Hungwe
Prophet Sham Hungwe
 ??  ?? Sekuru Elisha Mutanga
Sekuru Elisha Mutanga

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe